Numeri 24:1-17
Numeri 24:1-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino Bharamu akati aona kuti zvinofadza Jehovha kuti aropafadze Israeri, haana kuzoita zvouroyi sepane dzimwe nguva, asi akaringisa chiso chake kurenje. Bharamu akati atarisa kunze akaona vaIsraeri vagere pamusasa, rudzi norudzi, Mweya waMwari wakauya pamusoro pake uye akataura chirevo chake achiti: “Chirevo chaBharamu mwanakomana waBheori, chirevo chaiye ana meso anonyatsoona, chirevo chaiye anonzwa mashoko aMwari, anoona chiratidzo chinobva kuna Wamasimba Ose, anowira pasi nedumbu rake, uye ana meso akasvinura. “Matende ako akanaka seiko, iwe Jakobho, nougaro hwako, iwe Israeri! “Semipata, vakaita fararira, samapindu pedyo norwizi, segavakava rakasimwa naJehovha, s semisidhari pedyo nemvura. Mvura ichayerera ichibva muzvirongo zvavo; mbeu dzavo dzichawana mvura yakawanda. “Mambo wavo achava mukuru kupinda Agagi; umambo hwavo huchasimudzirwa. “Mwari akavabudisa muIjipiti; vane simba renyati. Vanomedza ndudzi dzine hasha uye vanovhuna-vhuna mapfupa adzo; Vanovabaya nemiseve yavo. Seshumba vanoti vhumba vagovata pasi, seshumbakadzi, ndianiko angashinga kuvamutsa? “Vose vanokuropafadza, ngavaropafadzwe uye vose vanokutuka, ngavatukwe!” Ipapo kutsamwa kwaBharaki kwakapfuta pamusoro paBharamu. Akarova maoko ake pamwe chete akati kwaari, “Ndakakudanira kuzotuka vavengi vangu, asi wavaropafadza katatu kose aka. Zvino chibva izvozvi uende kwako! Ndakati ndichakupa mubayiro wakaisvonaka, asi Jehovha akudzivisa kuti upiwe mubayiro.” Bharamu akapindura Bharaki akati, “Ko, handina kutaurira nhume dzawakatuma kwandiri here kuti, ‘Kunyange dai Bharaki andipa muzinda wake wakazara nesirivha negoridhe, handaigona kuita chinhu nokuda kwangu, chakanaka kana chakaipa, kuti ndidarike murayiro waJehovha, uye kuti ndinofanira kutaura chete zvinenge zvataurwa naJehovha here’? Zvino ndava kudzokera kuvanhu vokwangu, asi uya ndikuyambire zvichaitirwa vanhu vako navanhu ava pamazuva anouya.” Ipapo akataura chirevo chake akati: “Chirevo chaBharamu mwanakomana waBheori, chirevo chaiye anoona zvakajeka, chirevo chaiye anonzwa mashoko aMwari, ano ruzivo runobva kuno Wokumusoro-soro, anoona chiratidzo chinobva kuna Wamasimba Ose, anowira pasi nedumbu rake, uye ana meso akasvinura: “Ndiri kumuoona, asi kwete iye zvino; ndinomuona, asi haasi pedyo. Nyeredzi ichabuda muna Jakobho; Tsvimbo youshe ichamera kubva muna Israeri. Achapwanya huma dzavaMoabhu, madehenya avanakomana vose vaSeti.

Numeri 24:1-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Bharamu akati achiona kuti zvakanga zvichifadza Jehovha kuropafadza Isiraeri, haana kuzoenda sapane dzimwe nguva, kutsvaka un’ganga, asi akaringira kurenje, Bharamu akasimudza meso ake, akaona vaIsiraeri vagere namarudzi avo; Mweya waMwari akauya pamusoro pake, akataura nomufananidzo wake, akati, “Zvanzi naBharamu, mwanakomana waBheori, Zvanzi nomurume akasvinudzwa meso ake, Zvanzi naiye anonzwa mashoko aMwari, Iye unoona zvinoratidzwa nawaMasimbaose, Iye anowira pasi, asvinudzwa meso ake; Matende ako akanaka zvikuru sei, iwe Jakobho, Nedzimba dzako, iwe Isiraeri! Vakatasanurwa semipata, Seminda kunhivi dzorwizi, Samagavakava akasimwa naJehovha, Semichindwe pedyo nemvura. Mvura inobva pazvirongo zvake, Mbeu dzake dzichava pamvura zhinji. Mambo wake achakurira Agagi, Ushe hwake huchakuriswa. Mwari akamubudisa Ijipiti, Ane simba rakafanana nerenyati; Achapedza vahedheni, ivo vavengi vake; Achavhuna‐vhuna mapfupa avo, Nokuvabvoora nemiseve yake. Anokotama, anovata pasi seshumba, Seshumbakadzi; ndianiko achamumutsa? Mumwe nomumwe anokuropafadza, ngaaropafadzwe, Mumwe nomumwe anokutuka, ngaatukwe.” Ipapo Bharaki akatsamwira Bharamu kwazvo, akabubudza maoko ake; Bharaki akati kuna Bharamu, “Ndakudana, kuti utuke vavengi vangu, asi tarira, waramba uchingovaropafadza katatu. Naizvozvo zvino chitiza hako kunzvimbo yako; nokuti ndakati ndichakukudza kwazvo; asi tarira, Jehovha adzivisa kukudzwa kwako.” Bharamu akati kuna Bharaki, “Ko handina kutaurawo kunhume dzako, dzawakatuma kwandiri, ndichiti, ‘Kunyange Bharaki akandipa imba yake izere nesirivha nendarama, handingagoni kudarika shoko raJehovha, ndiite nomwoyo wangu zvakanaka kana zvakaipa; zvinotaurwa naJehovha, ndizvo zvandichaita?’ Zvino tarira, ndinoenda hangu kurudzi rwangu; uya ndikuudze zvichaitirwa vanhu vako navanhu ava pamazuva okupedzisira.” Akataura nomufananidzo wake, akati, “Zvanzi naBharamu, mwanakomana waBheori, Zvanzi nomurume akasvinudzwa meso ake; Zvanzi naiye anonzwa mashoko aMwari, Iye anoziva zivo yoWokudenga‐denga, Iye anoona zvinoratidzwa nowaMasimbaose, Iye anowira pasi, asvinudzwa meso ake. Ndinomuona, asi handimuoni zvino; Ndinomuona, asi handimuoneri pedyo; Nyeredzi ichabuda kuna Jakobho, Netsvimbo youshe ichabva kuna Isiraeri; Ichabvoora nyika yaMoabhu, Nokuparadza vanakomana vose vebope.
Numeri 24:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Bhiriamu paakaona kuti Tenzi aifadzwa nokukomborera vaIsiraeri haana kuzombondotsvaka chiratidzo sezvaaimboita. Asi akatarisa kurenje, akaona vaIsiraeri vakadzika matendhe avo dzinza nedzinza, Mweya waMwari ndokuuya paari. Akaenderera mberi nokuporofita kwake achiti, “Chirevo chaBhiriamu mwanakomana waBheori, chirevo chomurume akapengenutswa meso ake. Chirevo chomunhu anonzwa mashoko aMwari, anoona chiratidzo chaSamasimbaose, anoti pasi zvambarara meso ake achipengenutswa. A-a manakiroi akaita matendhe ako Jakobho, naiwoka madzikiro ako matendhe iwe Isiraeri! Akaita samapani anoenda uko nokoko, samapindu ari munhivi dzerwizi samagavakava, akasimwa naTenzi, semisidhari iri padeketeke remvura. Zvirongo zvavo zvichafashukira nemvura, mbesa dzavo dzichawana mvura yakawanda. Kukudzwa kwamambo wavo kuchadarika kwaAgagi, ushe hwake huchaita mukurumbira. Mwari akavaburitsa kuIjipiti, achivarwira nesimba semvumba, ndudzi dzavanhu dzinovavenga vachadziparadza, mapfupa avavengi vavo vachaati bwabwabwa vachivabvoora nemiseve yavo. Seshumba vaIsiraeri vanoti hwata vachivata pasi, vanoita seshumba hadzi, ndianiko angavadenhe. Wose anokukomborera, ngaakomborerwe. Wose anokurengerera rushambwa ngaawire norushambwa.” Bharaki akashatiriswa naBhiriamu, ndokurovanisa maoko ake pamwechete. Bharaki ndokuti kuna Bhiriamu, “Ndakakudaidzira kuzorengerera rushambwa vavengi vangu, asi zvino watovakomborera zvako katatu kose. Zvino chitiza, dzokera kumusha kwako. Ndakamboti ndichakupa mubairo, asi Tenzi akunyimisa mubairo wacho.” Bhiriamu ndokuti kuna Bharaki, “Ko handina kuudza nhume dzenyu dzamakanditumira kuti, ‘Kunyange Bharaki akandipa imba yake izere sirivha nendarama, handingambotsaudziri shoko raTenzi ndichiita zvakanaka kana zvakaipa zvandinoda pachangu.’ Zvinenge zvataurwa naTenzi ndizvo zvandichataura. “Zvino ndava kudzokera kwedu, kuna vanhu vorudzi rwangu. Asi regai ndifanokuudzai zvichaitwa navaIsiraeri kuvanhu venyu mune ramangwana.” Bhiriamu ndokuenderera mberi nokuporofita achiti, “Chirevo chaBhiriamu mwanakomana waBheori, chirevo chomurume akapengenutswa meso ake. Chirevo chomunhu anonzwa mashoko aMwari, anopiwa ruzivo noWokumusorosoro, anoona chiratidzo chaSamasimbaose, anoti pasi zvambarara, meso ake achipengenutswa. Ndinomuona, asi zvandinoona hazvisi zvanhasi, ndinomutarisa asi haasi pedyo. Nyenyedzi ichauya ichibva muna Jakobho, muvaIsiraeri muchava nomubati wetsvimbo youshe, huma yaMoabhu achaitekeshura achaparadza vanakomana vaSheti.
Numeri 24:1-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Barami wakati aciʋona kuti ɀakaŋga ɀicifadza Jehova kuropafadza Israeri, haana‐kuzoenda sapanedzimŋe ŋguʋa, kutȿaka ʋuŋaŋga, asi wakariŋgira kurenje, Barami akasimudza meso ake, akaʋona ʋaIsraeri ʋagere namarudzi aʋo; Mŋeya waMŋari akaʋuya pamsoro pake, akataura nomufananidzo wake, akati: Ɀanzi naBarami, mŋanakomana waBeori, Ɀanzi nomurume wakaȿinudzwa meso ake, Ɀanzi naiye unonzwa mashoko aMŋari, Iye unoʋona ɀinoratidzwa naWamasimba ose, Iye unowira pasi, aȿinudzwa meso ake: Matente ako akanaka ɀikuru sei, iwe Jakobo, Nedzimba dzako, iwe Israeri! Ʋakatasanurwa semipata, Seminda kunhiʋi dzorwizi, Samagaʋakaʋa akasimŋa naJehova, Semicindwe pedyo nemvura. Mvura inobva paɀiroŋgo ɀake, Mbeu dzake dzicaʋa pamvura zhinji. Mambo wake ucakurira Agagi, Ʋushe bgake bgucakuriswa. Mŋari wakamuɓuɗisa Egipita, Unesimba rakafanana nerenyati; Ucapedza ʋahedeni, iʋo ʋaʋeŋgi ʋake; Ucavuna‐vuna mafupa aʋo, Nokuʋabvoʋora nemiseʋe yake. Unokotama, unoʋata pasi seshumba, Seshumbakadzi; ndianiko ucamumutsa? Mumŋe nomumŋe unokuropafadza, ŋgaaropafadzwe, Mumŋe nomumŋe unokutuka, ŋgaatukwe. Ipapo Baraki akatsamŋira Barami kwaɀo, akaɓuɓudza maʋoko ake; Baraki akati kunaBarami: Ndakuɗana, kuti utuke ʋaʋeŋgi ʋaŋgu, asi tarira, waramba uciŋgoʋaropafadza katatu. Naiɀoɀo ɀino citiza hako kunɀimbo yako; nokuti ndakati ndicakukudza kwaɀo; asi tarira, Jehova wadziʋisa kukudzwa kwako. Barami akati kunaBaraki: Ko handina‐kutaura ʋo kunhume dzako, dzawakatuma kwandiri, ndiciti: Kunyaŋge Baraki akandipa imba yake izere nesirveri nendarama, handiŋgagoni kuɗarika shoko raJehova, ndiite nomŋoyo waŋgu ɀakanaka kana ɀakaipa; ɀinotaurwa naJehova, ndiɀo ɀandicaita? Ɀino tarira, ndinoenda haŋgu kurudzi rwaŋgu; ʋuya ndikuʋudze ɀicaitirwa ʋanhu ʋako naʋanhu aʋa pamazuʋa okupedzisira. Akataura nomufananidzo wake, akati: Ɀanzi naBarami, mŋanakomana waBeori, Ɀanzi nomurume wakaȿinudzwa meso ake; Ɀanzi naiye unonzwa mashoko aMŋari, Iye unoziʋa ziʋo yoWokuɗeŋgaɗeŋga, Iye unoʋona ɀinoratidzwa noWamasimba ose, Iye unowira pasi, aȿinudzwa meso ake: Ndinomuʋona, asi handimuʋoni ɀino; Ndinomuʋona, asi handimuʋoneri pedyo; Nyeredzi icaɓuɗa kunaJakobo, Netȿimbo yoʋushe icabva kunaIsraeri; Icabvoʋora nyika yaMoabi, Nokuparadza ʋanakomana ʋose ʋeɓope.
Numeri 24:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)