Numeri 24
24
1Ɀino Barami wakati aciʋona kuti ɀakaŋga ɀicifadza Jehova kuropafadza Israeri, haana‐kuzoenda sapanedzimŋe ŋguʋa, kutȿaka ʋuŋaŋga, asi wakariŋgira kurenje, 2Barami akasimudza meso ake, akaʋona ʋaIsraeri ʋagere namarudzi aʋo; Mŋeya waMŋari akaʋuya pamsoro pake, 3akataura nomufananidzo wake, akati:
Ɀanzi naBarami, mŋanakomana waBeori,
Ɀanzi nomurume wakaȿinudzwa meso ake,
4Ɀanzi naiye unonzwa mashoko aMŋari,
Iye unoʋona ɀinoratidzwa naWamasimba ose,
Iye unowira pasi, aȿinudzwa meso ake:
5Matente ako akanaka ɀikuru sei,
iwe Jakobo,
Nedzimba dzako, iwe Israeri!
6Ʋakatasanurwa semipata,
Seminda kunhiʋi dzorwizi,
Samagaʋakaʋa akasimŋa naJehova,
Semicindwe pedyo nemvura.
7Mvura inobva paɀiroŋgo ɀake,
Mbeu dzake dzicaʋa pamvura zhinji.
Mambo wake ucakurira Agagi,
Ʋushe bgake bgucakuriswa.
8Mŋari wakamuɓuɗisa Egipita,
Unesimba rakafanana nerenyati;
Ucapedza ʋahedeni, iʋo ʋaʋeŋgi ʋake;
Ucavuna‐vuna mafupa aʋo,
Nokuʋabvoʋora nemiseʋe yake.
9Unokotama, unoʋata pasi seshumba,
Seshumbakadzi; ndianiko ucamumutsa?
Mumŋe nomumŋe unokuropafadza, ŋgaaropafadzwe,
Mumŋe nomumŋe unokutuka, ŋgaatukwe.
10Ipapo Baraki akatsamŋira Barami kwaɀo, akaɓuɓudza maʋoko ake; Baraki akati kunaBarami: Ndakuɗana, kuti utuke ʋaʋeŋgi ʋaŋgu, asi tarira, waramba uciŋgoʋaropafadza katatu. 11Naiɀoɀo ɀino citiza hako kunɀimbo yako; nokuti ndakati ndicakukudza kwaɀo; asi tarira, Jehova wadziʋisa kukudzwa kwako. 12Barami akati kunaBaraki: Ko handina‐kutaura ʋo kunhume dzako, dzawakatuma kwandiri, ndiciti: 13Kunyaŋge Baraki akandipa imba yake izere nesirveri nendarama, handiŋgagoni kuɗarika shoko raJehova, ndiite nomŋoyo waŋgu ɀakanaka kana ɀakaipa; ɀinotaurwa naJehova, ndiɀo ɀandicaita? 14Ɀino tarira, ndinoenda haŋgu kurudzi rwaŋgu; ʋuya ndikuʋudze ɀicaitirwa ʋanhu ʋako naʋanhu aʋa pamazuʋa okupedzisira. 15Akataura nomufananidzo wake, akati:
Ɀanzi naBarami, mŋanakomana waBeori,
Ɀanzi nomurume wakaȿinudzwa meso ake;
16Ɀanzi naiye unonzwa mashoko aMŋari,
Iye unoziʋa ziʋo yoWokuɗeŋgaɗeŋga,
Iye unoʋona ɀinoratidzwa noWamasimba ose,
Iye unowira pasi, aȿinudzwa meso ake:
17Ndinomuʋona, asi handimuʋoni ɀino;
Ndinomuʋona, asi handimuʋoneri pedyo;
Nyeredzi icaɓuɗa kunaJakobo,
Netȿimbo yoʋushe icabva kunaIsraeri;
Icabvoʋora nyika yaMoabi,
Nokuparadza ʋanakomana ʋose ʋeɓope.
18Edomi icaʋa nhaka yake,
NeSeiri ʋo icaʋa nhaka yake, ndiʋo ʋaʋeŋgi ʋake;
Asi Israeri ucakunda.
19Mumŋe, ucabva kunaJakobo, ucaʋa noʋushe,
Ucaparadza ʋakasara muguta.
20Ɀino akatarira Amareki, akataura nomufananidzo wake, akati:
Amareki ndiye wokutaŋga waʋahedeni,
Asi pakupedzisira ucaparadzwa.
21Ɀino akatarira ʋaKeniti, akataura nomufananidzo wake, akati:
Ʋugaro bgako bgakasimba,
Ƌendere rako rakateyiwa paɗombo.
22Kunyaŋge ɀakaɗaro Kaini ucaparadzwa,
Kusikira iwe ucitapxa naAshuri.
23Akataura nomufananidzo wake akati:
Haiwa! ndianiko ucararama, kana Mŋari aciita saiɀoɀo?
24Asi ɀikepe ɀicabva kurutiʋi rweKitimi,
Ɀicarwadza Ashuri, nokurwadza Eberi,
Naiye ʋo ucaparadzwa.
25Ipapo Barami akasimuka, akadzokera kunɀimbo yake; naBaraki akaenda ʋo.
Zvasarudzwa nguva ino
Numeri 24: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018