Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Numeri 25

25
ƲaIsraeri ʋanoita ʋupombge nokunamata ɀifananidzo paShitimi.
1Ɀino ʋaIsraeri ʋakagara paShitimi, ʋanhu ʋakataŋga kuita ʋupombge naʋanasikana ʋaMoabi; 2nokuti ʋakaɗana ʋanhu ʋaʋuye kuɀiɓayiro ɀaʋamŋari ʋaʋo; ʋanhu ʋakadya, ʋakafugamira ʋamŋari ʋaʋo. 3ƲaIsraeri ʋakaɀisuŋganidza naBaari‐peori; Jehova akatsamŋira Israeri kwaɀo. 4Ipapo Jehova akati kunaMosesi: Tora ʋakuru ʋose ʋaʋanhu, uʋasuŋgirire masikati makuru pamberi paJehova, kuti kutsamŋa kukuru kwaJehova kudzorwe kunaIsraeri. 5Mosesi akati kuʋatoŋgi ʋaIsraeri: Mumŋe nomumŋe wenyu ŋgaaʋuraye ʋanhu ʋake ʋakaɀisuŋganidza naBaari‐peori. 6Ɀino ʋonei mumŋe murume waʋana ʋaIsraeri akaʋuya kuhama dzake nomukadzi muMidiani, Mosesi neʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri ʋaciɀiʋona, iʋo ʋari pakucema pamukoʋa wetente rokusoŋgana. 7Ɀino Pinehasi, mŋanakomana waEreazari, mŋanakomana womuprista Aroni, wakati aciɀiʋona, akasimuka, akaɓuɗa pakati peʋuŋgano anepfumo muruʋoko rwake, 8akateʋera murume uyo muIsraeri mukati metente, akaʋaɓaya nepfumo nomuɗumbu, iʋo ʋaʋiri, murume muIsraeri nomukadzi; naiɀoɀo ɗenda rakaguma pakati paʋana ʋaIsraeri. 9Ʋose ʋakaŋga ʋafa neɗenda iro ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀinna.
10Ɀino Jehova akataura naMosesi, akati: 11Pinehasi, mŋanakomana waEreazari, mŋanakomana womuprista Aroni, wadzora kutsamŋa kwaŋgu kuʋana ʋaIsraeri; nokuti wakaŋga aneshuŋgu pakati paʋo, dzakafanana neshuŋgu dzaŋgu, naiɀoɀo handina‐kuparadza ʋana ʋaIsraeri neshuŋgu dzaŋgu. 12Naiɀoɀo uti: Tarira, ndinomupa suŋgano yaŋgu yorugare, 13icaʋa kwaari nokuʋana ʋake ʋanomuteʋera suŋgano yoʋuprista bgusiŋgaperi; nokuti wakaŋga aneshuŋgu nokuɗa kwaMŋari wake, akayananisira ʋana ʋaIsraeri. 14Zita romurume uyo muIsraeri wakaʋurawa, iye wakaʋurawa pamŋe cete nomukadzi muMidiani, rakaŋga riri Zimri, mŋanakomana waSaru, mucinda weimba yamadziɓaɓa pakati paʋaSimeoni. 15Zita romukadzi muMidiani wakaʋurawa, rakaŋga riri Kozbi, mŋanasikana waZuri; iye wakaŋga ari mukuru waʋanhu weimba yamadziɓaɓa paʋaMidiani.
16Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: 17Ʋambana naʋaMidiani, uʋaparadze; 18nokuti iʋo ʋakaʋambana nemi namano aʋo, aʋakakunyeŋgerai nawo paneɀakaitwa paPeori neɀakaitwa naKozbi, mŋanasikana womucinda waʋaMidiani, hanɀadzi yaʋo, wakaʋurawa nomusi weɗenda nokuɗa kweɀakaitwa paPeori.

Zvasarudzwa nguva ino

Numeri 25: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda