Bhiriamu paakaona kuti Tenzi aifadzwa nokukomborera vaIsiraeri haana kuzombondotsvaka chiratidzo sezvaaimboita. Asi akatarisa kurenje, akaona vaIsiraeri vakadzika matendhe avo dzinza nedzinza, Mweya waMwari ndokuuya paari. Akaenderera mberi nokuporofita kwake achiti,
“Chirevo chaBhiriamu mwanakomana waBheori,
chirevo chomurume akapengenutswa meso ake.
Chirevo chomunhu anonzwa mashoko aMwari,
anoona chiratidzo chaSamasimbaose,
anoti pasi zvambarara meso ake achipengenutswa.
A-a manakiroi akaita matendhe ako Jakobho,
naiwoka madzikiro ako matendhe iwe Isiraeri!
Akaita samapani anoenda uko nokoko,
samapindu ari munhivi dzerwizi
samagavakava, akasimwa naTenzi,
semisidhari iri padeketeke remvura.
Zvirongo zvavo zvichafashukira nemvura,
mbesa dzavo dzichawana mvura yakawanda.
Kukudzwa kwamambo wavo kuchadarika kwaAgagi,
ushe hwake huchaita mukurumbira.
Mwari akavaburitsa kuIjipiti,
achivarwira nesimba semvumba,
ndudzi dzavanhu dzinovavenga vachadziparadza,
mapfupa avavengi vavo vachaati bwabwabwa
vachivabvoora nemiseve yavo.
Seshumba vaIsiraeri vanoti hwata vachivata pasi,
vanoita seshumba hadzi,
ndianiko angavadenhe.
Wose anokukomborera, ngaakomborerwe.
Wose anokurengerera rushambwa
ngaawire norushambwa.”
Bharaki akashatiriswa naBhiriamu, ndokurovanisa maoko ake pamwechete. Bharaki ndokuti kuna Bhiriamu, “Ndakakudaidzira kuzorengerera rushambwa vavengi vangu, asi zvino watovakomborera zvako katatu kose. Zvino chitiza, dzokera kumusha kwako. Ndakamboti ndichakupa mubairo, asi Tenzi akunyimisa mubairo wacho.”
Bhiriamu ndokuti kuna Bharaki, “Ko handina kuudza nhume dzenyu dzamakanditumira kuti, ‘Kunyange Bharaki akandipa imba yake izere sirivha nendarama, handingambotsaudziri shoko raTenzi ndichiita zvakanaka kana zvakaipa zvandinoda pachangu.’ Zvinenge zvataurwa naTenzi ndizvo zvandichataura.
“Zvino ndava kudzokera kwedu, kuna vanhu vorudzi rwangu. Asi regai ndifanokuudzai zvichaitwa navaIsiraeri kuvanhu venyu mune ramangwana.”
Bhiriamu ndokuenderera mberi nokuporofita achiti,
“Chirevo chaBhiriamu mwanakomana waBheori,
chirevo chomurume akapengenutswa meso ake.
Chirevo chomunhu anonzwa mashoko aMwari,
anopiwa ruzivo noWokumusorosoro,
anoona chiratidzo chaSamasimbaose,
anoti pasi zvambarara, meso ake achipengenutswa.
Ndinomuona, asi zvandinoona hazvisi zvanhasi,
ndinomutarisa asi haasi pedyo.
Nyenyedzi ichauya ichibva muna Jakobho,
muvaIsiraeri muchava nomubati wetsvimbo youshe,
huma yaMoabhu achaitekeshura
achaparadza vanakomana vaSheti.