Zvino Bharamu akati achiona kuti zvakanga zvichifadza Jehovha kuropafadza Isiraeri, haana kuzoenda sapane dzimwe nguva, kutsvaka un’ganga, asi akaringira kurenje, Bharamu akasimudza meso ake, akaona vaIsiraeri vagere namarudzi avo; Mweya waMwari akauya pamusoro pake, akataura nomufananidzo wake, akati,
“Zvanzi naBharamu, mwanakomana waBheori,
Zvanzi nomurume akasvinudzwa meso ake,
Zvanzi naiye anonzwa mashoko aMwari,
Iye unoona zvinoratidzwa nawaMasimbaose,
Iye anowira pasi, asvinudzwa meso ake;
Matende ako akanaka zvikuru sei, iwe Jakobho,
Nedzimba dzako, iwe Isiraeri!
Vakatasanurwa semipata,
Seminda kunhivi dzorwizi,
Samagavakava akasimwa naJehovha,
Semichindwe pedyo nemvura.
Mvura inobva pazvirongo zvake,
Mbeu dzake dzichava pamvura zhinji.
Mambo wake achakurira Agagi,
Ushe hwake huchakuriswa.
Mwari akamubudisa Ijipiti,
Ane simba rakafanana nerenyati;
Achapedza vahedheni, ivo vavengi vake;
Achavhuna‐vhuna mapfupa avo,
Nokuvabvoora nemiseve yake.
Anokotama, anovata pasi seshumba,
Seshumbakadzi; ndianiko achamumutsa?
Mumwe nomumwe anokuropafadza, ngaaropafadzwe,
Mumwe nomumwe anokutuka, ngaatukwe.”
Ipapo Bharaki akatsamwira Bharamu kwazvo, akabubudza maoko ake; Bharaki akati kuna Bharamu, “Ndakudana, kuti utuke vavengi vangu, asi tarira, waramba uchingovaropafadza katatu. Naizvozvo zvino chitiza hako kunzvimbo yako; nokuti ndakati ndichakukudza kwazvo; asi tarira, Jehovha adzivisa kukudzwa kwako.” Bharamu akati kuna Bharaki, “Ko handina kutaurawo kunhume dzako, dzawakatuma kwandiri, ndichiti, ‘Kunyange Bharaki akandipa imba yake izere nesirivha nendarama, handingagoni kudarika shoko raJehovha, ndiite nomwoyo wangu zvakanaka kana zvakaipa; zvinotaurwa naJehovha, ndizvo zvandichaita?’ Zvino tarira, ndinoenda hangu kurudzi rwangu; uya ndikuudze zvichaitirwa vanhu vako navanhu ava pamazuva okupedzisira.” Akataura nomufananidzo wake, akati,
“Zvanzi naBharamu, mwanakomana waBheori,
Zvanzi nomurume akasvinudzwa meso ake;
Zvanzi naiye anonzwa mashoko aMwari,
Iye anoziva zivo yoWokudenga‐denga,
Iye anoona zvinoratidzwa nowaMasimbaose,
Iye anowira pasi, asvinudzwa meso ake.
Ndinomuona, asi handimuoni zvino;
Ndinomuona, asi handimuoneri pedyo;
Nyeredzi ichabuda kuna Jakobho,
Netsvimbo youshe ichabva kuna Isiraeri;
Ichabvoora nyika yaMoabhu,
Nokuparadza vanakomana vose vebope.