Numeri 24
24
1Zvino Bharamu akati achiona kuti zvakanga zvichifadza Jehovha kuropafadza Isiraeri, haana kuzoenda sapane dzimwe nguva, kutsvaka un’ganga, asi akaringira kurenje, 2Bharamu akasimudza meso ake, akaona vaIsiraeri vagere namarudzi avo; Mweya waMwari akauya pamusoro pake, 3akataura nomufananidzo wake, akati,
“Zvanzi naBharamu, mwanakomana waBheori,
Zvanzi nomurume akasvinudzwa meso ake,
4Zvanzi naiye anonzwa mashoko aMwari,
Iye unoona zvinoratidzwa nawaMasimbaose,
Iye anowira pasi, asvinudzwa meso ake;
5Matende ako akanaka zvikuru sei, iwe Jakobho,
Nedzimba dzako, iwe Isiraeri!
6Vakatasanurwa semipata,
Seminda kunhivi dzorwizi,
Samagavakava akasimwa naJehovha,
Semichindwe pedyo nemvura.
7Mvura inobva pazvirongo zvake,
Mbeu dzake dzichava pamvura zhinji.
Mambo wake achakurira Agagi,
Ushe hwake huchakuriswa.
8Mwari akamubudisa Ijipiti,
Ane simba rakafanana nerenyati;
Achapedza vahedheni, ivo vavengi vake;
Achavhuna‐vhuna mapfupa avo,
Nokuvabvoora nemiseve yake.
9Anokotama, anovata pasi seshumba,
Seshumbakadzi; ndianiko achamumutsa?
Mumwe nomumwe anokuropafadza, ngaaropafadzwe,
Mumwe nomumwe anokutuka, ngaatukwe.”
10Ipapo Bharaki akatsamwira Bharamu kwazvo, akabubudza maoko ake; Bharaki akati kuna Bharamu, “Ndakudana, kuti utuke vavengi vangu, asi tarira, waramba uchingovaropafadza katatu. 11Naizvozvo zvino chitiza hako kunzvimbo yako; nokuti ndakati ndichakukudza kwazvo; asi tarira, Jehovha adzivisa kukudzwa kwako.” 12Bharamu akati kuna Bharaki, “Ko handina kutaurawo kunhume dzako, dzawakatuma kwandiri, ndichiti, 13‘Kunyange Bharaki akandipa imba yake izere nesirivha nendarama, handingagoni kudarika shoko raJehovha, ndiite nomwoyo wangu zvakanaka kana zvakaipa; zvinotaurwa naJehovha, ndizvo zvandichaita?’ 14Zvino tarira, ndinoenda hangu kurudzi rwangu; uya ndikuudze zvichaitirwa vanhu vako navanhu ava pamazuva okupedzisira.” 15Akataura nomufananidzo wake, akati,
“Zvanzi naBharamu, mwanakomana waBheori,
Zvanzi nomurume akasvinudzwa meso ake;
16Zvanzi naiye anonzwa mashoko aMwari,
Iye anoziva zivo yoWokudenga‐denga,
Iye anoona zvinoratidzwa nowaMasimbaose,
Iye anowira pasi, asvinudzwa meso ake.
17Ndinomuona, asi handimuoni zvino;
Ndinomuona, asi handimuoneri pedyo;
Nyeredzi ichabuda kuna Jakobho,
Netsvimbo youshe ichabva kuna Isiraeri;
Ichabvoora nyika yaMoabhu,
Nokuparadza vanakomana vose vebope.
18Edhomu ichava nhaka yake,
NeSeiriwo ichava nhaka yake, ndivo vavengi vake;
Asi Isiraeri achakunda.
19Mumwe, achabva kuna Jakobho, achava noushe,
achaparadza vakasara muguta.”
20Zvino akatarira Amareki, akataura nomufananidzo wake, akati,
“Amareki ndiye wokutanga wavahedheni,
Asi pakupedzisira achaparadzwa.”
21Zvino akatarira vaKeniti, akataura nomufananidzo wake, akati,
“Ugaro hwako hwakasimba,
Dendere rako rakateyiwa padombo.
22Kunyange zvakadaro Kaini achaparadzwa,
Kusvikira iwe uchitapwa naAshuri.”
23Akataura nomufananidzo wake akati,
“Haiwa! Ndianiko achararama, kana Mwari achiita saizvozvo?
24Asi zvikepe zvichabva kurutivi rweKitimi,
Zvicharwadza Ashuri, nokurwadza Ebheri,
Naiyewo achaparadzwa.”
25Ipapo Bharamu akasimuka, akadzokera kunzvimbo yake; naBharaki akaendawo.
Zvasarudzwa nguva ino
Numeri 24: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002