Numeri 22:1-14
Numeri 22:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo vaIsraeri vakafamba vachienda kumapani eMoabhu vakadzika misasa yavo vakatevedza Jorodhani nechemhiri kweJeriko. Zvino Bharaki mwanakomana waZipori akaona zvose zvakanga zvaitwa navaIsraeri kuvaAmori, Moabhu akatya nokuti pakanga pane vanhu vazhinji. Zvirokwazvo, Moabhu yakazara nokudedera nokuda kwavaIsraeri. VaMoabhu vakati kuvakuru veMidhiani, “Vanhu vazhinji ava vachananzva zvinhu zvose zvakatipoteredza, semombe inonanzva sora romusango.” Saka Bharaki mwanakomana waZipori, uyo akanga ari Mambo weMoabhu panguva iyoyo, akatuma nhume kundodana Bharamu mwanakomana waBheori, uyo akanga ari paPetori, pedyo noRwizi, munyika yaakaberekerwa. Bharaki akati: “Vanhu vakabva kuIjipiti, vakazadza nyika yose, uye vagara pedyo neni. Zvino, uya utuke vanhu ava, nokuti simba ravo iguru kwazvo kwandiri. Zvichida ipapo ndingagona kuvakunda ndikavadzinga vabude munyika ino. Nokuti ndinoziva kuti avo vaunoropafadza vanoropafadzwa, uye vaunotuka vanotukwa.” Vakuru veMoabhu neveMidhiani vakabva, vakatora mari yokuripa kuvuka. Vakati vasvika kuna Bharamu vakamuudza zvakanga zvarehwa naBharaki. Bharamu akati kwavari, “Chivatai pano, ndichauya nemhinduro yandichapiwa naJehovha.” Saka machinda eMoabhu akagara naye. Mwari akauya kuna Bharamu akamubvunza akati, “Vanhu vaunavo ndivanaaniko?” Bharamu akati kuna Mwari, “Bharaki mwanakomana waZipori, mambo weMoabhu, akanditumira nhume idzi achiti, ‘Vanhu vakabuda kubva kuIjipiti vakazadza nyika yose. Zvino uya unditukire vanhu ava. Zvichida izvozvi ndingagona kurwa navo ndikavadzingira kure.’ ” Asi Mwari akati kuna Bharamu, “Usaenda navo. Haufaniri kutuka vanhu avo, nokuti vakaropafadzwa.” Fume mangwana, Bharamu akamuka akati kumachinda aBharaki, “Dzokerai kunyika yokwenyu, nokuti Jehovha aramba kuti ndiende nemi.” Saka machinda eMoabhu akadzokera kuna Bharaki akati, “Bharamu akaramba kuuya nesu.”
Numeri 22:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
VaIsiraeri vakazoenda vakandodzika matendhe avo mumapani aMoabhu mhiri kwaJorodhani pakatarisana neJeriko. Ipapo Bharaki mwana waZipori mambo weMoabhu akaona zvakanga zvaitwa navaIsiraeri kuvaAmori, VaMoabhu vakavatya zvikuru nokuti vakanga vakawanda kwazvo. VaMoabhu vakadedera vaIsiraeri zvikuru. VaMoabhu ndokutaurira vakuru vakuru vavaMidhiani vachiti, “Zvino gurumwandira ravanhu ava richaparadza zvose zvakatipoteredza semombe dzapinda mumunda.” Naizvozvo Bharaki mwana waZipori akanga ari mambo wavaMoabhu panguva iyoyo akatuma nhume kuna Bhiriamu mwanakomana waBheori, aigara kuPetori pedyo norwizi munyika yeAmawu kundomudaidza achiti, “Inzwaiwo zvava kuno, kune rumwe rudzi rwavanhu vakabva Ijipiti, vakawanda zvokuzadza nyika, vagere pakatarisana nemi. Zvino ndapota uyai muzondirengererawo, vanhu ava rushambwa nokuti vane simba kupinda isu. Zvimwe ndingavakunde ndikavadzinga munyika. Ndinoziva kuti ani naani wamunokomborera anokomborerwa, uye wamunorengerera rushambwa anobva aona chinomuwana.” Vakuru vakuru vavaMoabhu, navakuru vakuru vavaMidhiani vakaenda vakabata mari yomuripo wokurengerera rushambwa mumaoko. Vakasvika kuna Bhiriamu vakamuudza shoko raBharaki. Bhiriamu ndokuti, “Imi chirarai zvenyu pano, mangwana ndinozokuudzai zvandinenge ndataurirwa naTenzi.” Saka machinda aMoabhu akararapo paBhiriamu. Mwari akauya kuna Bhiriamu akati, “Ko varume ava vaunavo ndivanaani?” Bhiriamu ndokupindura Mwari achiti, “Bharaki mwanakomana waZipori mambo weMoabhu akanditumira shoko achiti, kune rumwe rudzi rwavanhu vakabva Ijipiti, vakawanda zvokuzadza nyika. Ndapota uyai muzovarengerera rushambwa nokuti vane simba kupinda ini. Zvimwe tingavakunde tikavadzinga munyika yedu.” Mwari akati kuna Bhiriamu, “Usaende navanhu ava. Rega kundorengerera rushambwa kuvanhu ivavo nokuti vakakomborerwa.” Mangwana acho Bhiriamu akafumoudza machinda aBharaki kuti, “Dzokerai zvenyu kunyika yenyu. Tenzi aramba kuti ndiende nemi.” Machinda avaMoabhu akasimuka akaenda kuna Bharaki akasvikoti, “Bhiriamu aramba kuuya nesu.”

Numeri 22:1-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vana vaIsiraeri vakafamba, vakandodzika matende avo pamapani eMoabhu, mhiri kwaJorodhani paJeriko. Zvino Bharaki, mwanakomana waZipori, akanga aona zvose zvakaitirwa vaAmori navaIsiraeri. Moabhu akatya vanhu avo kwazvo, nokuti vakanga vari vazhinji; Moabhu akavhunduka nokuda kwavana vaIsiraeri. Ipapo Moabhu akati kuvakuru vaMidhiani, “Zvino vanhu ava vazhinji vachananzva zvose zvakatipoteredza, semombe inonanzva uswa hwesango”; Bharaki, mwanakomana waZipori ndiye akanga ari mambo waMoabhu nenguva iyo. Ipapo akatuma nhume kuna Bharamu, mwanakomana waBheori, paPetori paRwizi, kunyika yavana vorudzi rwake, kuzomudana, achiti, “Tarira, pano pana vanhu vakabva Ijipiti; tarira, vakafukidza nyika yose, zvino voda kurwa neni. Naizvozvo douya hako zvino, unditukire vanhu ava; nokuti vanondikurira nesimba; zvimwe ndingagona kuvakunda, ndivadzinge munyika ino; nokuti ndinoziva kuti munhu akaropafadzwa newe, akaropafadzwa kwazvo, uye munhu akatukwa newe, wakatukwa kwazvo.” Ipapo vakuru vaMoabhu navakuru vaMidhiani vakaenda vakabata shanu yokuuka mumaoko avo, vakasvika kuna Bharamu, vakamuudza mashoko aBharaki. Iye akati kwavari, “Vatai usiku huno pano, ndikudzoserei neshoko, sezvandichaudzwa naJehovha;” machinda aMoabhu akagarapo kuna Bharamu. Zvino Mwari akauya kuna Bharamu, akati, “Vanhu ava vari kwauri ndivananiko?” Bharamu akati kuna Mwari, “Bharaki, mwanakomana waZipori, mambo waMoabhu, akatuma shoko kwandiri, achiti, ‘Tarira, vanhu vakabva Ijipiti vakafukidza nyika yose; zvino uya unditukire ivo; zvimwe ndingagona kurwa navo, nokuvadzinga.’ ” Ipapo Mwari akati kuna Bharamu, “Haufaniri kuenda navo; haufaniri kutuka vanhu avo; nokuti vakaropafadzwa.” Bharamu akamuka mangwanani, akati kumachinda aBharaki, “Endai kunyika yenyu, nokuti Jehovha anoramba kunditendera kuenda nemi.” Ipapo machinda aMoabhu vakasimuka, vakaenda kuna Bharaki, vakati, “Bharamu aramba kuuya nesu.”
Numeri 22:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
VaIsiraeri vakazoenda vakandodzika matendhe avo mumapani aMoabhu mhiri kwaJorodhani pakatarisana neJeriko. Ipapo Bharaki mwana waZipori mambo weMoabhu akaona zvakanga zvaitwa navaIsiraeri kuvaAmori, VaMoabhu vakavatya zvikuru nokuti vakanga vakawanda kwazvo. VaMoabhu vakadedera vaIsiraeri zvikuru. VaMoabhu ndokutaurira vakuru vakuru vavaMidhiani vachiti, “Zvino gurumwandira ravanhu ava richaparadza zvose zvakatipoteredza semombe dzapinda mumunda.” Naizvozvo Bharaki mwana waZipori akanga ari mambo wavaMoabhu panguva iyoyo akatuma nhume kuna Bhiriamu mwanakomana waBheori, aigara kuPetori pedyo norwizi munyika yeAmawu kundomudaidza achiti, “Inzwaiwo zvava kuno, kune rumwe rudzi rwavanhu vakabva Ijipiti, vakawanda zvokuzadza nyika, vagere pakatarisana nemi. Zvino ndapota uyai muzondirengererawo, vanhu ava rushambwa nokuti vane simba kupinda isu. Zvimwe ndingavakunde ndikavadzinga munyika. Ndinoziva kuti ani naani wamunokomborera anokomborerwa, uye wamunorengerera rushambwa anobva aona chinomuwana.” Vakuru vakuru vavaMoabhu, navakuru vakuru vavaMidhiani vakaenda vakabata mari yomuripo wokurengerera rushambwa mumaoko. Vakasvika kuna Bhiriamu vakamuudza shoko raBharaki. Bhiriamu ndokuti, “Imi chirarai zvenyu pano, mangwana ndinozokuudzai zvandinenge ndataurirwa naTenzi.” Saka machinda aMoabhu akararapo paBhiriamu. Mwari akauya kuna Bhiriamu akati, “Ko varume ava vaunavo ndivanaani?” Bhiriamu ndokupindura Mwari achiti, “Bharaki mwanakomana waZipori mambo weMoabhu akanditumira shoko achiti, kune rumwe rudzi rwavanhu vakabva Ijipiti, vakawanda zvokuzadza nyika. Ndapota uyai muzovarengerera rushambwa nokuti vane simba kupinda ini. Zvimwe tingavakunde tikavadzinga munyika yedu.” Mwari akati kuna Bhiriamu, “Usaende navanhu ava. Rega kundorengerera rushambwa kuvanhu ivavo nokuti vakakomborerwa.” Mangwana acho Bhiriamu akafumoudza machinda aBharaki kuti, “Dzokerai zvenyu kunyika yenyu. Tenzi aramba kuti ndiende nemi.” Machinda avaMoabhu akasimuka akaenda kuna Bharaki akasvikoti, “Bhiriamu aramba kuuya nesu.”
Numeri 22:1-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakafamba, ʋakandodzika matente aʋo pamapani eMoabi, mhiri kwaJoridani paJeriko. Ɀino Baraki, mŋanakomana waZipori, wakaŋga aʋona ɀose ɀakaitirwa ʋaAmori naʋaIsraeri. Moabi akatya ʋanhu aʋo kwaɀo, nokuti ʋakaŋga ʋari ʋazhinji; Moabi akavunduka nokuɗa kwaʋana ʋaIsraeri. Ipapo Moabi akati kuʋakuru ʋaMidiani: Ɀino ʋanhu aʋa ʋazhinji ʋacananɀa ɀose ɀakatipoteredza, seŋombe inonanɀa ʋuswa bgesaŋgo; Baraki, mŋanakomana waZipori ndiye wakaŋga ari mambo waMoabi neŋguʋa iyo. Ipapo akatuma nhume kunaBarami, mŋanakomana waBeori, paPetori paRwizi, kunyika yaʋana ʋorudzi rwake, kuzomuɗana, aciti: Tarira, pano panaʋanhu ʋakabva Egipita; tarira, ʋakafukidza nyika yose, ɀino ʋoɗa kurwa neni. Naiɀoɀo ɗoʋuya hako ɀino, unditukire ʋanhu aʋa; nokuti ʋanondikurira nesimba; ɀimŋe ndiŋgagona kuʋakunda, ndiʋadziŋge munyika ino; nokuti ndinoziʋa kuti munhu wakaropafadzwa newe, wakaropafadzwa kwaɀo, ʋuye munhu wakatukwa newe, wakatukwa kwaɀo. Ipapo ʋakuru ʋaMoabi naʋakuru ʋaMidiani ʋakaenda ʋakaɓata shanu yokuʋuka mumaʋoko aʋo, ʋakaȿika kunaBarami, ʋakamuʋudza mashoko aBaraki. Iye akati kwaʋari: Ʋatai ʋusiku bguno pano, ndikudzoserei neshoko, seɀandicaʋudzwa naJehova; macinda aMoabi akagara’po kunaBaraki. Ɀino Mŋari akaʋuya kunaBarami, akati: Ʋanhu aʋa ʋari kwauri ndiʋananiko? Barami akati kunaMŋari: Baraki, mŋanakomana waZipori, mambo waMoabi, wakatuma shoko kwandiri, aciti: Tarira, ʋanhu ʋakabva Egipita ʋakafukidza nyika yose; ɀino, ʋuya unditukire iʋo; ɀimŋe ndiŋgagona kurwa naʋo, nokuʋadziŋga. Ipapo Mŋari akati kunaBarami: Haufaniri kuenda naʋo; haufaniri kutuka ʋanhu aʋo; nokuti ʋakaropafadzwa. Barami akamuka maŋgwanani, akati kumacinda aBaraki: Endai kunyika yenyu, nokuti Jehova unoramba kunditendera kuenda nemi. Ipapo macinda aMoabi akasimuka, akaenda kunaBaraki, akati: Barami waramba kuʋuya nesu.