VaIsiraeri vakazoenda vakandodzika matendhe avo mumapani aMoabhu mhiri kwaJorodhani pakatarisana neJeriko. Ipapo Bharaki mwana waZipori mambo weMoabhu akaona zvakanga zvaitwa navaIsiraeri kuvaAmori, VaMoabhu vakavatya zvikuru nokuti vakanga vakawanda kwazvo. VaMoabhu vakadedera vaIsiraeri zvikuru. VaMoabhu ndokutaurira vakuru vakuru vavaMidhiani vachiti, “Zvino gurumwandira ravanhu ava richaparadza zvose zvakatipoteredza semombe dzapinda mumunda.” Naizvozvo Bharaki mwana waZipori akanga ari mambo wavaMoabhu panguva iyoyo akatuma nhume kuna Bhiriamu mwanakomana waBheori, aigara kuPetori pedyo norwizi munyika yeAmawu kundomudaidza achiti, “Inzwaiwo zvava kuno, kune rumwe rudzi rwavanhu vakabva Ijipiti, vakawanda zvokuzadza nyika, vagere pakatarisana nemi. Zvino ndapota uyai muzondirengererawo, vanhu ava rushambwa nokuti vane simba kupinda isu. Zvimwe ndingavakunde ndikavadzinga munyika. Ndinoziva kuti ani naani wamunokomborera anokomborerwa, uye wamunorengerera rushambwa anobva aona chinomuwana.” Vakuru vakuru vavaMoabhu, navakuru vakuru vavaMidhiani vakaenda vakabata mari yomuripo wokurengerera rushambwa mumaoko. Vakasvika kuna Bhiriamu vakamuudza shoko raBharaki. Bhiriamu ndokuti, “Imi chirarai zvenyu pano, mangwana ndinozokuudzai zvandinenge ndataurirwa naTenzi.” Saka machinda aMoabhu akararapo paBhiriamu. Mwari akauya kuna Bhiriamu akati, “Ko varume ava vaunavo ndivanaani?” Bhiriamu ndokupindura Mwari achiti, “Bharaki mwanakomana waZipori mambo weMoabhu akanditumira shoko achiti, kune rumwe rudzi rwavanhu vakabva Ijipiti, vakawanda zvokuzadza nyika. Ndapota uyai muzovarengerera rushambwa nokuti vane simba kupinda ini. Zvimwe tingavakunde tikavadzinga munyika yedu.” Mwari akati kuna Bhiriamu, “Usaende navanhu ava. Rega kundorengerera rushambwa kuvanhu ivavo nokuti vakakomborerwa.” Mangwana acho Bhiriamu akafumoudza machinda aBharaki kuti, “Dzokerai zvenyu kunyika yenyu. Tenzi aramba kuti ndiende nemi.” Machinda avaMoabhu akasimuka akaenda kuna Bharaki akasvikoti, “Bhiriamu aramba kuuya nesu.”
Verenga chikamu Kuverengwa 22
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Kuverengwa 22:1-14
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo