Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kuverengwa 22

22
Mambo weMoabhu anodana Bharamu
1VaIsiraeri vakazoenda vakandodzika matendhe avo mumapani aMoabhu mhiri kwaJorodhani pakatarisana neJeriko. 2Ipapo Bharaki mwana waZipori mambo weMoabhu akaona zvakanga zvaitwa navaIsiraeri kuvaAmori, 3VaMoabhu vakavatya zvikuru nokuti vakanga vakawanda kwazvo. VaMoabhu vakadedera vaIsiraeri zvikuru. 4VaMoabhu ndokutaurira vakuru vakuru vavaMidhiani vachiti, “Zvino gurumwandira ravanhu ava richaparadza zvose zvakatipoteredza semombe dzapinda mumunda.” Naizvozvo Bharaki mwana waZipori akanga ari mambo wavaMoabhu panguva iyoyo 5akatuma nhume kuna Bhiriamu mwanakomana waBheori, aigara kuPetori pedyo norwizi munyika yeAmawu kundomudaidza achiti, “Inzwaiwo zvava kuno, kune rumwe rudzi rwavanhu vakabva Ijipiti, vakawanda zvokuzadza nyika, vagere pakatarisana nemi. 6Zvino ndapota uyai muzondirengererawo, vanhu ava rushambwa nokuti vane simba kupinda isu. Zvimwe ndingavakunde ndikavadzinga munyika. Ndinoziva kuti ani naani wamunokomborera anokomborerwa, uye wamunorengerera rushambwa anobva aona chinomuwana.”
7Vakuru vakuru vavaMoabhu, navakuru vakuru vavaMidhiani vakaenda vakabata mari yomuripo wokurengerera rushambwa mumaoko. Vakasvika kuna Bhiriamu vakamuudza shoko raBharaki. 8Bhiriamu ndokuti, “Imi chirarai zvenyu pano, mangwana ndinozokuudzai zvandinenge ndataurirwa naTenzi.” Saka machinda aMoabhu akararapo paBhiriamu.
9Mwari akauya kuna Bhiriamu akati, “Ko varume ava vaunavo ndivanaani?” 10Bhiriamu ndokupindura Mwari achiti, “Bharaki mwanakomana waZipori mambo weMoabhu akanditumira shoko achiti, 11kune rumwe rudzi rwavanhu vakabva Ijipiti, vakawanda zvokuzadza nyika. Ndapota uyai muzovarengerera rushambwa nokuti vane simba kupinda ini. Zvimwe tingavakunde tikavadzinga munyika yedu.”
12Mwari akati kuna Bhiriamu, “Usaende navanhu ava. Rega kundorengerera rushambwa kuvanhu ivavo nokuti vakakomborerwa.”
13Mangwana acho Bhiriamu akafumoudza machinda aBharaki kuti, “Dzokerai zvenyu kunyika yenyu. Tenzi aramba kuti ndiende nemi.” 14Machinda avaMoabhu akasimuka akaenda kuna Bharaki akasvikoti, “Bhiriamu aramba kuuya nesu.” 15Bharaki akatumazve mamwe machinda akapfuura aya aya uwandi nechiremera, 16vakaenda kuna Bhiriamu vakandoti, “Zvanzi naBharaki mwana waZipori pasava nechinokutadzisai kuuya kwandiri, 17nokuti ndichakupai mubairo mukuru kwazvo. Chero chamunoreva ndichachiita. Saka chiuyai zvenyu muzondirengererera rushambwa vanhu ava.”
18Bhiriamu akapindura varanda vaBharaki achiti, “Kunyange Bharaki akandipa imba yake izere sirivha nendarama, handingatsaudziri shoko raTenzi Mwari wangu ndichiritapudza kana kuriwedzera. 19Zvino ndapota imiwo raraiwo pano nhasi kuti ndigoziva kuti Tenzi achandiudza zvimwe here.”
Kutaura kwedhongi raBhiriamu
20Mwari akauya kuna Bhiriamu usiku ihwohwo akati, “Kana varume ava vakauya kuzokudaidza, simuka zvako uende navo. Asi zvandinokuudza ndizvo chete zvauchaita.”
21Naizvozvo Bhiriamu akamuka mangwanani ndokusungirira chityaro padhongi ndokuenda namachinda eMoabhu.
22Asi kuenda kwake kwakashatirisa Mwari. Zvaaifamba akatasva dhongi rake aina varanda vake vaviri, mutumwa waTenzi akandomira munzira kumudzivisa. 23Dhongi parakaona mutumwa waMwari akamira munzira akabata mumaoko bakatwa rakavhomorwa, rakabva ratsauka roenda musango. Bhiriamu ndokurirova achiridzorera munzira. 24Mutumwa waTenzi akandomira pakanzira kakanga kari pakati peminda yemigirepisi paiti uku rusvingo uku rusvingo. 25Dhongi parakaona mutumwa waTenzi rakasebera nokurusvingo rikadzvanyidzira gumbo raBhiriamu kurusvingo rwuya. Ndokubva arirova zvakare. 26Mutumwa waTenzi akaenda mberi akandomira pakamanikana pakanga pasina nzvimbo yokutsaukira kurudyi kana kuruboshwe. 27Dhongi parakaona mutumwa waTenzi, rakarara pasi, Bhiriamu akaritasva kudaro. Bhiriamu akaviruka nehasha akarova dhongi netsvimbo yake. 28Ipapo Tenzi akapa dhongi kuti ritaure richiti, “Ko ndaiteko kuzondirova kudai katatu kose?”
29Bhiriamu ndokuti kwariri, “Nokuti uri kutoita zvako zvokutamba neni. Dai ndanga ndiine bakatwa rangu ndingadai ndakuuraya iye zvino uno.”
30Dhongi rakapindura Bhiriamu richiti, “Handisiri ini dhongi renyu here ramakatasva upenyu hwenyu hwose kusvikira nhasi? Makambondiona ndichikuitirai zvakadai here?” Akati, “Kwete.”
31Tenzi akabva apengenutsa meso aBhiriamu akaona mutumwa waMwari amire munzira, akabata mumaoko bakatwa rakavhomorwa. Bhiriamu akakotamisa musoro wake ndokubva azvambarara. 32Mutumwa waTenzi ndokuti, “Waroverei dhongi rako katatu kose? Chinzwa, ini ndauya kuzokudzivisa nokuti zvauri kufambira zvakaipa.” 33Asi dhongi randiona rikandinyenyeredza katatu kose. Dai risina kundinyenyeredza ndingadai ndatokuuraya iro ndarirega riri benyu.
34Bhiriamu ndokupindura mutumwa waTenzi achiti, “Inga ndaita chitadzo. Ndanga ndisingazivi kuti imi manga mumire munzira muchindidzivisa. Zvino kana muchiona zvakaipa, ndodzokera zvangu.”
35Mutumwa waTenzi ndokupindura Bhiriamu achiti, “Enda zvako navo. Asi chandinenge ndakuudza ndicho chete chauchataura.” Naizvozvo Bhiriamu akaenda zvake namachinda aya aBharaki.
Bharaki anochingura Bhiriamu
36Bharaki zvaakanzwa kuti Bhiriamu ari kuuya, akaenda kundomuchingura kuguta reMoabhu riri kuna Arinoni rwizi ruri pamuganhu wenyika yake. 37Bharaki akati kuna Bhiriamu, “Ko inga ndakakutumirai nhume kuzokudaidzai wani, makaregererei kuuya? Chokwadi handikwanisi here ini kukupai mubairo?”
38Bhiriamu akati kuna Bharaki, “Hezvinoka ndauya. Asi ndingataure here chero chandingangoda kutaura? Shoko randinenge ndapiwa naMwari ndiro chete randichataura.” 39Bhiriamu ndokuenda naBharaki vakasvika kuKiriatihuzoti. 40Bharaki akapira mombe nehwai akabvisawo chokupa Bhiriamu namachinda aakanga anawo.
Kuporofita kwaBhiriamu kwokutanga
41Ramangwana racho Bharaki akatora Bhiriamu akakwira naye kunzvimbo yakakwirira yeBhamotibhaari, ari ipapo aikwanisa kuona chikamu chavaIsiraeri.

Zvasarudzwa nguva ino

Kuverengwa 22: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda