Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakafamba, ʋakandodzika matente aʋo pamapani eMoabi, mhiri kwaJoridani paJeriko.
Ɀino Baraki, mŋanakomana waZipori, wakaŋga aʋona ɀose ɀakaitirwa ʋaAmori naʋaIsraeri. Moabi akatya ʋanhu aʋo kwaɀo, nokuti ʋakaŋga ʋari ʋazhinji; Moabi akavunduka nokuɗa kwaʋana ʋaIsraeri. Ipapo Moabi akati kuʋakuru ʋaMidiani: Ɀino ʋanhu aʋa ʋazhinji ʋacananɀa ɀose ɀakatipoteredza, seŋombe inonanɀa ʋuswa bgesaŋgo; Baraki, mŋanakomana waZipori ndiye wakaŋga ari mambo waMoabi neŋguʋa iyo. Ipapo akatuma nhume kunaBarami, mŋanakomana waBeori, paPetori paRwizi, kunyika yaʋana ʋorudzi rwake, kuzomuɗana, aciti: Tarira, pano panaʋanhu ʋakabva Egipita; tarira, ʋakafukidza nyika yose, ɀino ʋoɗa kurwa neni. Naiɀoɀo ɗoʋuya hako ɀino, unditukire ʋanhu aʋa; nokuti ʋanondikurira nesimba; ɀimŋe ndiŋgagona kuʋakunda, ndiʋadziŋge munyika ino; nokuti ndinoziʋa kuti munhu wakaropafadzwa newe, wakaropafadzwa kwaɀo, ʋuye munhu wakatukwa newe, wakatukwa kwaɀo. Ipapo ʋakuru ʋaMoabi naʋakuru ʋaMidiani ʋakaenda ʋakaɓata shanu yokuʋuka mumaʋoko aʋo, ʋakaȿika kunaBarami, ʋakamuʋudza mashoko aBaraki. Iye akati kwaʋari: Ʋatai ʋusiku bguno pano, ndikudzoserei neshoko, seɀandicaʋudzwa naJehova; macinda aMoabi akagara’po kunaBaraki. Ɀino Mŋari akaʋuya kunaBarami, akati: Ʋanhu aʋa ʋari kwauri ndiʋananiko? Barami akati kunaMŋari: Baraki, mŋanakomana waZipori, mambo waMoabi, wakatuma shoko kwandiri, aciti: Tarira, ʋanhu ʋakabva Egipita ʋakafukidza nyika yose; ɀino, ʋuya unditukire iʋo; ɀimŋe ndiŋgagona kurwa naʋo, nokuʋadziŋga. Ipapo Mŋari akati kunaBarami: Haufaniri kuenda naʋo; haufaniri kutuka ʋanhu aʋo; nokuti ʋakaropafadzwa. Barami akamuka maŋgwanani, akati kumacinda aBaraki: Endai kunyika yenyu, nokuti Jehova unoramba kunditendera kuenda nemi. Ipapo macinda aMoabi akasimuka, akaenda kunaBaraki, akati: Barami waramba kuʋuya nesu.