Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Numeri 22:1-14

Numeri 22:1-14 SNA2002

Zvino vana vaIsiraeri vakafamba, vakandodzika matende avo pamapani eMoabhu, mhiri kwaJorodhani paJeriko. Zvino Bharaki, mwanakomana waZipori, akanga aona zvose zvakaitirwa vaAmori navaIsiraeri. Moabhu akatya vanhu avo kwazvo, nokuti vakanga vari vazhinji; Moabhu akavhunduka nokuda kwavana vaIsiraeri. Ipapo Moabhu akati kuvakuru vaMidhiani, “Zvino vanhu ava vazhinji vachananzva zvose zvakatipoteredza, semombe inonanzva uswa hwesango”; Bharaki, mwanakomana waZipori ndiye akanga ari mambo waMoabhu nenguva iyo. Ipapo akatuma nhume kuna Bharamu, mwanakomana waBheori, paPetori paRwizi, kunyika yavana vorudzi rwake, kuzomudana, achiti, “Tarira, pano pana vanhu vakabva Ijipiti; tarira, vakafukidza nyika yose, zvino voda kurwa neni. Naizvozvo douya hako zvino, unditukire vanhu ava; nokuti vanondikurira nesimba; zvimwe ndingagona kuvakunda, ndivadzinge munyika ino; nokuti ndinoziva kuti munhu akaropafadzwa newe, akaropafadzwa kwazvo, uye munhu akatukwa newe, wakatukwa kwazvo.” Ipapo vakuru vaMoabhu navakuru vaMidhiani vakaenda vakabata shanu yokuuka mumaoko avo, vakasvika kuna Bharamu, vakamuudza mashoko aBharaki. Iye akati kwavari, “Vatai usiku huno pano, ndikudzoserei neshoko, sezvandichaudzwa naJehovha;” machinda aMoabhu akagarapo kuna Bharamu. Zvino Mwari akauya kuna Bharamu, akati, “Vanhu ava vari kwauri ndivananiko?” Bharamu akati kuna Mwari, “Bharaki, mwanakomana waZipori, mambo waMoabhu, akatuma shoko kwandiri, achiti, ‘Tarira, vanhu vakabva Ijipiti vakafukidza nyika yose; zvino uya unditukire ivo; zvimwe ndingagona kurwa navo, nokuvadzinga.’ ” Ipapo Mwari akati kuna Bharamu, “Haufaniri kuenda navo; haufaniri kutuka vanhu avo; nokuti vakaropafadzwa.” Bharamu akamuka mangwanani, akati kumachinda aBharaki, “Endai kunyika yenyu, nokuti Jehovha anoramba kunditendera kuenda nemi.” Ipapo machinda aMoabhu vakasimuka, vakaenda kuna Bharaki, vakati, “Bharamu aramba kuuya nesu.”

Verenga chikamu Numeri 22