Numeri 20:14-29
Numeri 20:14-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mozisi akatuma nhume ari kuKadheshi kuna mambo weEdhomu, achiti: “Zvanzi nomununʼuna wako Israeri: Iwe unoziva matambudziko ose akatiwira. Madzibaba edu akaburuka achienda kuIjipiti, tikandogarako kwamakore mazhinji. VaIjipita vakatibata zvakaipa isu namadzibaba edu, asi takati tadana kuna Jehovha, akatinzwa akatuma mutumwa akatibudisa muIjipiti. “Zvino tiri pano paKadheshi, guta riri kumucheto wenyika yenyu. Tapota titendereiwo kupfuura nomunyika yenyu. Hatizopindi nomuminda ipi zvayo kana minda yemizambiringa kana kunwa zvako mvura mutsime ripi zvaro. Tichafamba hedu nomunzira huru yamambo uye hatingatsaukiri kurudyi kana kuruboshwe kusvikira tapfuura nomunyika yenyu.” Asi Edhomu akapindura akati: “Hamupfuuri napano; kana mukaedza, tichabuda tigokurwisai nomunondo.” VaIsraeri vakapindura vakati: “Tichaenda nenzira huru, uye kana isu kana zvipfuwo zvedu zvikanwa mvura yenyu, ticharipa. Tinongoda kupfuura tichifamba netsoka, hapanazve chimwe.” Vakapindurazve vachiti: “Hamungapfuuri.” Ipapo Edhomu akauya kuzovarwisa nehondo huru uye ine simba. Sezvo Edhomu akaramba kuvabvumira kupfuura nomunyika yavo, vaIsraeri vakatsauka havo kubva kwavari. Ungano yose yeIsraeri yakasimuka kubva kuKadheshi uye vakasvika paGomo reHori. PaGomo reHori, pedyo nomuganhu weEdhomu, Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, “Aroni achachengetwa kuvanhu vokwake. Haangapindi munyika yandakapa vaIsraeri, nokuti mose muri vaviri makamukira murayiro wangu pamvura yepaMeribha. Tora Aroni nomwanakomana wake Ereazari ukwire navo muGomo reHori. Ubvise nguo dzaAroni udzipfekedze mwanakomana wake Ereazari nokuti Aroni achasanganiswa navanhu vokwake; achafira ipapo.” Mozisi akaita sezvaakanga arayirwa naJehovha: Vakakwira muGomo reHori pamberi peungano yose. Mozisi akabvisa nguo dzaAroni akadzipfekedza mwanakomana wake Ereazari. Uye Aroni akafira ipapo pamusoro pegomo. Ipapo Mozisi naEreazari vakaburuka kubva mugomo. Uye ungano yose yakati yazvinzwa kuti Aroni akanga afa, imba yose yeIsraeri yakamuchema kwamazuva makumi matatu.

Numeri 20:14-29 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Mosesi akatuma nhume, dzaibva Kadheshi, kuna mambo weEdhomu, achiti, “Zvanzi nomun’una wako Isiraeri, ‘Unoziva nhamo dzose dzakatiwira; kuti madzibaba edu akaburukira Ijipiti, tikagara Ijipiti nguva huru, vaIjipiti vakatiitira zvakaipa, isu namadzibaba edu; zvino takati tichichema kuna Jehovha, iye akanzwa mazwi edu, akatuma mutumwa kutibudisa paIjipiti; zvino tarirai, tiri paKadheshi, paguta riri pamuganhu wenyika yako; dotitendera kupfuura napanyika yako; hatingafambi napaminda, kana napaminda yemizambiringa; hatinganwi mvura yamatsime; tichafamba nenzira huru yamambo; hatingatsaukiri kurudyi kana kuruboshwe, kusvikira tabuda panyika yako.’ ” Ipapo Edhomu akati kwaari, “Haungapfuuri nokwandiri, kuti ndirege kuuya kuzorwa newe nomunondo.” Vana vaIsiraeri vakati kwaari, “Tichakwira nenzira huru; kana tikanwa mvura yako, ini nezvipfuwo zvangu, ndicharipa mutengo wayo; nditendere kwoga kupfuura namakumbo angu, hakuna rimwe shoko.” Iye akati, “Haungapfuuri.” Zvino Edhomu akauya kuzorwa naye navanhu vazhinji, noruoko rune simba. Naizvozvo Edhomu akaramba kutendera vaIsiraeri kupfuura napanyika yake. Ipapo vaIsiraeri vakatsauka kwaari. Zvino vakasimuka paKadheshi, vana vaIsiraeri, iyo ungano yose, vakasvika pagomo reHori. Ipapo Jehovha akataura naMosesi naAroni pagomo reHori, pamuganhu wenyika yaEdhomu, akati, “Aroni uchasanganiswa navanhu vake, nokuti haangapindi munyika yandakapa vana vaIsiraeri, nokuti makaramba shoko rangu pamvura yeMeribha. Tora Aroni nomwanakomana wake Ereazari, ukwire navo pagomo reHori; zvino ubvise nguo dzake, ugodzifukidza Ereazari mwanakomana wake; ipapo Aroni achasanganiswa navanhu vake, achafirapo.” Mosesi akaita sezvaakarairwa naJehovha; vakakwira pagomo reHori pamberi peungano yose. Zvino Mosesi wakabvisa nguo dzaAroni, akadzifukidza Ereazari mwanakomana wake; Aroni akafirapo pamusoro wegomo; Mosesi naEreazari vakaburuka havo pagomo. Zvino ungano yose yakati ichiona kuti Aroni afa, vakachema Aroni mazuva makumi matatu, iyo imba yose yaIsiraeri.
Numeri 20:14-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mosesi akatuma nhume kubva kuKadheshi dzichienda kuna mambo weEdhomu kundoti, “Zvanzi nehama yenyu Isiraeri, munoziva nhamo dzose dzakatiwira. Madzitateguru edu akaenda kuIjipiti kwatakagara kwenguva ndefu. VaIjipiti vakaonesa nhamo isu namadzitateguru edu. Patakachema kuna Tenzi akanzwa kuchema kwedu, akatitumira mutumwa wake, akatibudisa muIjipiti. Iye zvino tiri paKadheshi, guta riri kumucheto kwenyika yenyu. Zvino mungatibvumirewo here kupfuura nomunyika yenyu. Isu hatizobudi munzira tichipinda nomuminda yenyu yembesanwa kana yemigirepisi, kana kunwa mvura yetsime renyu zvaro. Ticharamba tiri Mumugwagwa Mukuru Wamambo, hatizotsaukiri kurudyi kana kuruboshwe kusvikira tabuda munyika yenyu.” Asi Edhomu akati, “Haupfuuri nomangu muno. Kana ukangodaro ndinokuvinga nehondo yangu.” VaIsiraeri vakati, “Ticharamba tiri mumugwagwa mukuru chete. Kana isu nezvipfuwo zvedu tikanwa mvura yenyu, tinoiripa. Tiregei tingotsikawo nomunyika yenyu. Ndicho chichemo chedu choga.” Asi Edhomu akati, “Hazviitiki kuti mupfuure nomuno.” Akabva avabudira nehondo yake yakasimba, ina varwi vazhinji zhinji. Ndiko kuramba kwakaita Edhomu kuti vaIsiraeri vapfuure nomunyika yake, vaIsiraeri vakasiya zveEdhomu vakaenda nokumwe. Chita chose chavaIsiraeri chakasimuka paKadheshi, chikandosvika pagomo reHoru. Pagomo reHoru ipapo pamuganhu wenyika yaEdhomu, Tenzi akataurira Mosesi naAroni achiti, “Nguva yokuti Aroni afe, achienda kune vamwe vake vachakabvu yasvika. Haasiri kuzopinda munyika yandakapa vaIsiraeri nokuti makapikisana nezvandakareva paMeribha. Tora Aroni nomwanakomana wake Ereazari, ukwire navo mugomo reHoru. Bvisa Aroni hanzu dzake dzoupristi, upfekedze mwana wake Ereazari. Aroni achafira ipapo achibva aenda kune vamwe vake vachakabvu.” Mosesi akaita zvaakaudzwa naTenzi. Vakakwira mugomo reHoru vaIsiraeri vose vakatarisa. Mosesi akabvisa Aroni hanzu dziya, ndokudzipfekedza Ereazari mwanakomana waAroni. Aroni akabva afira pamusoro pegomo ipapo. Mosesi naEreazari vakaburuka mugomo. Gungano rose rakaona kuti Aroni afa. Vose vemhuri yaIsiraeri vakamuchema kwamazuva makumi matatu.
Numeri 20:14-29 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Mosesi akatuma nhume, dzaibva Kadeshi, kunamambo weEdomi, aciti: Ɀanzi nomunuŋuna wako Israeri: Unoziʋa nhamo dzose dzakatiwira; kuti madziɓaɓa eɗu akaɓurukira Egipita, tikagara Egipita ŋguʋa huru, ʋaEgipita ʋakatiitira ɀakaipa, isu namadziɓaɓa eɗu; ɀino takati ticicema kunaJehova, iye akanzwa manzwi eɗu, akatuma mutumŋa kutiɓuɗisa paEgipita; ɀino tarirai, tiri paKadeshi, paguta riri pamuganho wenyika yako; ɗotitendera kupfuʋura napanyika yako; hatiŋgafambi napaminda, kana napaminda yemizambiriŋga; hatiŋganwi mvura yamatsime; ticafamba nenzira huru yamambo; hatiŋgatsaukiri kurudyi kana kuruɓoshwe, kuȿikira taɓuɗa panyika yako. Ipapo Edomi akati kwaari: Hauŋgapfuʋuri nokwandiri, kuti ndirege kuʋuya kuzorwa newe nomunondo. Ʋana ʋaIsraeri ʋakati kwaari: Ticakwira nenzira huru; kana tikanwa mvura yako, ini neɀipfuwo ɀaŋgu, ndicaripa muteŋgo wayo; nditendere kwoga kupfuʋura namakumbo aŋgu, hakunerimŋe shoko. Iye akati: Hauŋgapfuʋuri. Ɀino Edomi akaʋuya kuzorwa naye naʋanhu ʋazhinji, noruʋoko runesimba. Naiɀoɀo Edomi wakaramba kutendera ʋaIsraeri kupfuʋura napanyika yake. Ipapo ʋaIsraeri ʋakatsauka kwaari. Ɀino ʋakasimuka paKadeshi, ʋana ʋaIsraeri, iyo ʋuŋgano yose, ʋakaȿika pagomo reHori. Ipapo Jehova akataura naMosesi naAroni pagomo reHori, pamuganho wenyika yaEdomi, akati: Aroni ucasoŋganiswa naʋanhu ʋake, nokuti haaŋgapindi munyika yandakapa ʋana ʋaIsraeri, nokuti makaramba shoko raŋgu pamvura yeMeriba. Tora Aroni nomŋanakomana wake Ereazari, ukwire naʋo pagomo reHori; ɀino ubvise ŋguʋo dzake, ugodzifukidza Ereazari mŋanakomana wake; ipapo Aroni ucasoŋganiswa naʋanhu ʋake, ucafira’po. Mosesi akaita seɀaakarairwa naJehova; ʋakakwira pagomo reHori pamberi peʋuŋgano yose. Ɀino Mosesi wakabvisa ŋguʋo dzaAroni, akadzifukidza Ereazari mŋanakomana wake; Aroni akafira’po pamusoro wegomo; Mosesi naEreazari ʋakaɓuruka haʋo pagomo. Ɀino ʋuŋgano yose yakati iciʋona kuti Aroni wafa, ʋakacema Aroni mazuʋa makumi matatu, iyo imba yose yaIsraeri.
Numeri 20:14-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)