Numeri 20
20
Mvura yeMeriba.
1Ɀino ʋana ʋaIsraeri, ʋuŋgano yose, ʋakaȿika murenje reZini nomŋedzi wokutaŋga, ʋanhu ʋakagara paKadeshi. Miriami akafira’po, akaʋigwa ʋo ’po. 2Ipapo pakaŋga pasine‐mvura yokunwa yeʋuŋgano yose; ɀino ʋanhu ʋakaʋuŋganira kunaMosesi naAroni. 3Ʋanhu ʋakarwa naMosesi, ʋakataura, ʋaciti: Ƌai takafa heɗu ŋguʋa yakafa hama dzeɗu pamberi paJehova! 4Makaʋuyisireiko ʋuŋgano yaJehova murenje rino, kuti tifire’mo, isu neɀipfuwo ɀeɗu? 5Makatiɓuɗisireiko muEgipita, kuzotiisa panɀimbo iyi yakaipa? Haizi nɀimbo yembeu, kana yamaʋonde, kana yemizambiriŋga, kana yamatamba; nemvura yokunwa hapana. 6Ipapo Mosesi naAroni ʋakabva paʋuŋgano, ʋakaenda kumukoʋa wetente rokusoŋgana, ʋakawira pasi neɀiso ɀaʋo; kubginya kwaJehova kukaratidzwa kwaʋari. 7Ɀino Jehova akataura naMosesi, akati: 8Tora tȿimbo, uʋuŋganidze ʋuŋgano, iwe naAroni mukuru wako, mutaure neɗombo pamberi paʋo, kuti riɓuɗise mvura yaro; unofanira kuʋaɓuɗisira mvura paɗombo, unwise ʋuŋgano neɀipfuwo ɀaʋo. 9Ipapo Mosesi akatora tȿimbo, yakaŋga iri pamberi paJehova, seɀaakaŋga arairwa naye. 10Mosesi naAroni ʋakaʋuŋganidza ʋuŋgano pamberi peɗombo, akati kwaʋari: Ɀino, cinzwai, imi ʋokumukira Jehova, ko tiŋgakuɓuɗisirai mvura paɗombo iri here? 11Ipapo Mosesi akasimudza ruʋoko rwake, akaroʋa ɗombo kaʋiri netȿimbo yake, mvura ikaɓuɗa zhinji‐zhinji, ʋuŋgano ikanwa, neɀipfuwo ɀaʋo. 12Ipapo Jehova akati kunaMosesi naAroni: Ɀamusina‐kutenda kwandiri, kunditsaura pamberi paʋana ʋaIsraeri, hamuŋgapinzi ʋuŋgano iyi munyika yandakaipa. 13Ndiyo mvura yeMeriba, nokuti ʋana ʋaIsraeri ʋakarwa naJehova, akaɀiratidza kwaʋari ari Mutȿene.
14Ɀino Mosesi akatuma nhume, dzaibva Kadeshi, kunamambo weEdomi, aciti: Ɀanzi nomunuŋuna wako Israeri: Unoziʋa nhamo dzose dzakatiwira; 15kuti madziɓaɓa eɗu akaɓurukira Egipita, tikagara Egipita ŋguʋa huru, ʋaEgipita ʋakatiitira ɀakaipa, isu namadziɓaɓa eɗu; 16ɀino takati ticicema kunaJehova, iye akanzwa manzwi eɗu, akatuma mutumŋa kutiɓuɗisa paEgipita; ɀino tarirai, tiri paKadeshi, paguta riri pamuganho wenyika yako; 17ɗotitendera kupfuʋura napanyika yako; hatiŋgafambi napaminda, kana napaminda yemizambiriŋga; hatiŋganwi mvura yamatsime; ticafamba nenzira huru yamambo; hatiŋgatsaukiri kurudyi kana kuruɓoshwe, kuȿikira taɓuɗa panyika yako. 18Ipapo Edomi akati kwaari: Hauŋgapfuʋuri nokwandiri, kuti ndirege kuʋuya kuzorwa newe nomunondo. 19Ʋana ʋaIsraeri ʋakati kwaari: Ticakwira nenzira huru; kana tikanwa mvura yako, ini neɀipfuwo ɀaŋgu, ndicaripa muteŋgo wayo; nditendere kwoga kupfuʋura namakumbo aŋgu, hakunerimŋe shoko. 20Iye akati: Hauŋgapfuʋuri. Ɀino Edomi akaʋuya kuzorwa naye naʋanhu ʋazhinji, noruʋoko runesimba. 21Naiɀoɀo Edomi wakaramba kutendera ʋaIsraeri kupfuʋura napanyika yake. Ipapo ʋaIsraeri ʋakatsauka kwaari.
Kufa kwaAroni.
22Ɀino ʋakasimuka paKadeshi, ʋana ʋaIsraeri, iyo ʋuŋgano yose, ʋakaȿika pagomo reHori. 23Ipapo Jehova akataura naMosesi naAroni pagomo reHori, pamuganho wenyika yaEdomi, akati: 24Aroni ucasoŋganiswa naʋanhu ʋake, nokuti haaŋgapindi munyika yandakapa ʋana ʋaIsraeri, nokuti makaramba shoko raŋgu pamvura yeMeriba. 25Tora Aroni nomŋanakomana wake Ereazari, ukwire naʋo pagomo reHori; 26ɀino ubvise ŋguʋo dzake, ugodzifukidza Ereazari mŋanakomana wake; ipapo Aroni ucasoŋganiswa naʋanhu ʋake, ucafira’po. 27Mosesi akaita seɀaakarairwa naJehova; ʋakakwira pagomo reHori pamberi peʋuŋgano yose. 28Ɀino Mosesi wakabvisa ŋguʋo dzaAroni, akadzifukidza Ereazari mŋanakomana wake; Aroni akafira’po pamusoro wegomo; Mosesi naEreazari ʋakaɓuruka haʋo pagomo. 29Ɀino ʋuŋgano yose yakati iciʋona kuti Aroni wafa, ʋakacema Aroni mazuʋa makumi matatu, iyo imba yose yaIsraeri.
Zvasarudzwa nguva ino
Numeri 20: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018