1
Numeri 20:12
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Jehova akati kunaMosesi naAroni: Ɀamusina‐kutenda kwandiri, kunditsaura pamberi paʋana ʋaIsraeri, hamuŋgapinzi ʋuŋgano iyi munyika yandakaipa.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Numeri 20:8
Tora tȿimbo, uʋuŋganidze ʋuŋgano, iwe naAroni mukuru wako, mutaure neɗombo pamberi paʋo, kuti riɓuɗise mvura yaro; unofanira kuʋaɓuɗisira mvura paɗombo, unwise ʋuŋgano neɀipfuwo ɀaʋo.
3
Numeri 20:11
Ipapo Mosesi akasimudza ruʋoko rwake, akaroʋa ɗombo kaʋiri netȿimbo yake, mvura ikaɓuɗa zhinji‐zhinji, ʋuŋgano ikanwa, neɀipfuwo ɀaʋo.
4
Numeri 20:10
Mosesi naAroni ʋakaʋuŋganidza ʋuŋgano pamberi peɗombo, akati kwaʋari: Ɀino, cinzwai, imi ʋokumukira Jehova, ko tiŋgakuɓuɗisirai mvura paɗombo iri here?
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo