1
Numeri 21:8
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Jehova akati kunaMosesi: Uɀiitire nyoka inopeŋga, ugoiturika paɗanda; ɀino mumŋe nomumŋe wakarumŋa kana akaitarira, ucararama.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Numeri 21:9
Mosesi akaita nyoka yendarira, akaiturika paɗanda; ɀino mumŋe nomumŋe wakati kana arumŋa, akatarira nyoka iyo yendarira, wakararama.
3
Numeri 21:5
Ipapo ʋanhu ʋakapopotera Mŋari naMosesi, ʋakati: Makatiɓuɗisireiko Egipita, kuti tifire murenje? Nokuti hapane‐ɀokudya, hapane‐mvura; mŋeya yeɗu inosema ɀokudya iɀi ɀakaipa.
4
Numeri 21:6
Jehova akatuma nyoka dzinopeŋga pakati paʋanhu, dzikaruma ʋanhu, ʋanhu ʋazhinji ʋaIsraeri ʋakafa.
5
Numeri 21:7
Ɀino ʋanhu ʋakaʋuya kunaMosesi, ʋakati: Takatadza, nokuti takapopotera Jehova nemi; kumbirai kunaJehova kuti abvise nyoka kwatiri. Mosesi akakumbirira ʋanhu.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo