Numeri 21
21
Nyoka yendarira.
1Ɀino mambo weAradi, muKanani, wakaŋga agere kunyika yeZasi, wakati anzwa kuti ʋaIsraeri ʋoʋuya nenzira yeAtarimi, akarwa naʋaIsraeri, akatapa ʋamŋe ʋaʋo. 2Ipapo ʋaIsraeri ʋakapikira Jehova mhiko, ʋakati: Kana mukapa ʋanhu aʋa mumaʋoko eɗu, ticaparadza maguta aʋo cose. 3Jehova akaterera inzwi raʋaIsraeri, akaʋapa ʋaKanani; ʋakaʋaparadza cose namaguta aʋo; nɀimbo iyo ikanzi Horma.
4Ɀino ʋakasimuka pagomo reHori, ʋakafamba nenzira inoenda kuGuŋgwa Dɀuku, kuti ʋanyenyeredze nyika yaEdomi; ʋanhu ʋakapera mŋoyo kwaɀo panzira. 5Ipapo ʋanhu ʋakapopotera Mŋari naMosesi, ʋakati: Makatiɓuɗisireiko Egipita, kuti tifire murenje? Nokuti hapane‐ɀokudya, hapane‐mvura; mŋeya yeɗu inosema ɀokudya iɀi ɀakaipa. 6Jehova akatuma nyoka dzinopeŋga pakati paʋanhu, dzikaruma ʋanhu, ʋanhu ʋazhinji ʋaIsraeri ʋakafa. 7Ɀino ʋanhu ʋakaʋuya kunaMosesi, ʋakati: Takatadza, nokuti takapopotera Jehova nemi; kumbirai kunaJehova kuti abvise nyoka kwatiri. Mosesi akakumbirira ʋanhu. 8Ipapo Jehova akati kunaMosesi: Uɀiitire nyoka inopeŋga, ugoiturika paɗanda; ɀino mumŋe nomumŋe wakarumŋa kana akaitarira, ucararama. 9Mosesi akaita nyoka yendarira, akaiturika paɗanda; ɀino mumŋe nomumŋe wakati kana arumŋa, akatarira nyoka iyo yendarira, wakararama. 10Ʋana ʋaIsraeri ʋakafamba, ʋakandodzika matente aʋo paOboti. 11Ʋakabva Oboti, ʋakandodzika matente aʋo paIje‐abarimi, murenje riri pamberi paMoabi, kumabvazuʋa. 12Ʋakafamba ʋacibva ipapo, ʋakandodzika matente aʋo pamupata weZeredi. 13Ʋakafamba ʋacibva ipapo, ʋakandodzika matente aʋo kumhiri kwaArnoni, rwizi rwaiʋa murenje, rwaibva kunyika yaʋaAmori; nokuti Arnoni ndiwo muganho waʋaMoabi, pakati paMoabi naʋaAmori. 14Naiɀoɀo pabuku yeHondo dzaJehova panoti:
Vahebi paSufa,
Nemipata yaArnoni,
15Nemikwidzwa yemipata
Inorerekera kunɀimbo yeAri,
Inosendamira pamuganho waMoabi.
16Ʋakafamba ʋacibva ipapo, ʋakaenda Beeri; ndiro tsime rakanzi naJehova kunaMosesi: Ʋuŋganidza ʋanhu, ndicaʋapa mvura.
17Ɀino ʋaIsraeri ʋakaimba rwiyo urwu:
Civaira, iwe tsime; imi muriimbire;
18Ndiro tsime rakacerwa namacinda,
Rakacerwa naʋakuru ʋaʋanhu
Netȿimbo yoʋushe, ʋuye netȿimbo dzaʋo.
Ʋakabva murenje, ʋakaenda Matana; 19ʋakabva Matana, ʋakaenda Naharieri; ʋakabva Naharieri, ʋakaenda Bamoti; 20ʋakabva Bamoti, ʋakaenda kumupata uri kuɓani raMoabi, kuȿikira kumusoro wegomo rePisga, rinotarira pasi kurenje.
21Ɀino ʋaIsraeri ʋakatuma nhume kunaSihoni, mambo waʋaAmori, ʋaciti: 22Nditendere kupfuʋura napanyika yako; hatiŋgatsaukiri kumunda kana kumunda wemizambiriŋga; hatiŋganwi mvura yamatsime; ticafamba nenzira huru yamambo, kuȿikira taɓuɗa panyika yako. 23Asi Sihoni wakaramba kutendera ʋaIsraeri kupfuʋura napanyika yake; Sihoni akaʋuŋganidza ʋanhu ʋake ʋose, akaenda kurenje kundorwa naʋaIsraeri, akaȿika paJahazi; akarwa naʋaIsraeri. 24Asi ʋaIsraeri ʋakamukunda neminondo inopinza, ʋakatora nyika yake kubva paArnoni kuȿikira paJaboki, kuȿikira paʋana ʋaAmoni; nokuti muganho waʋana ʋaAmoni wakaŋga wakasimba. 25Naiɀoɀo ʋaIsraeri ʋakakunda maguta iwayo ose; ʋaIsraeri ʋakagara mumaguta ose aʋaAmori, muHeshboni napamisha yaro yose. 26Nokuti Heshboni rakaŋga riri guta raSihoni, mambo waʋaAmori, iye wakaŋga arwa namambo wokutaŋga waMoabi, akamutorera nyika yake yose kuȿikira paArnoni. 27Naiɀoɀo ʋanotaura neshumo ʋanoti:
Ʋuyai muHeshboni,
Guta raSihoni ŋgariʋakwe, risimbiswe;
28Nokuti mŋoto wakaɓuɗa muHeshboni,
Nomuraɀo paguta raSihoni,
Ukaparadza Ari waMoabi,
Madzishe enɀimbo dzakakwirira dzaArnoni.
29Unenhamo iwe Moabi!
Mapera imi ʋanhu ʋeKemoshi;
Wakapa Sihoni ʋanakomana ʋake ʋatize,
Naʋanasikana ʋake ʋatapxe,
Sihoni, mambo waʋaAmori.
30Takaʋafura; Heshboni raparadzwa kuȿikira paDiboni,
Takaparadza kuȿikira paNofa,
Mŋoto ukaȿika paMedeba.
31Naiɀoɀo ʋaIsraeri ʋakagara munyika yaʋaAmori. 32Ɀino Mosesi akatuma ʋanhu kundoshora Jazeri, ʋakakunda misha yaro, ʋakadziŋga ʋaAmori ʋakaŋga ʋagere’mo. 33Ipapo ʋakadzoka, ʋakakwira nenzira inoenda Bashani; ɀino Ogi, mambo weBashani, akaʋuya kuzorwa naʋo paEdrei, iye naʋanhu ʋake ʋose. 34Ipapo Jehova akati kunaMosesi: Usamutya hako, nokuti ndakamupa mumaʋoko ako, iye naʋanhu ʋake ʋose, nenyika yake; unofanira kumuitira iye seɀawakaitira Sihoni, mambo waʋaAmori, waigara paHeshboni. 35Naiɀoɀo ʋakamukunda, iye naʋanakomana ʋake ʋose, kudzimana asina‐kusarirwa nomumŋe; ʋakatora nyika yake.
Zvasarudzwa nguva ino
Numeri 21: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018