Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Numeri 19

19
Tsiru dɀuku rinofanira kupiswa.
1Ɀino Jehova wakataura naMosesi naAroni, akati: 2Ndiwo murairo wakarairwa naJehova, aciti: Taura naʋana ʋaIsraeri ʋaʋuye kwauri netsiru dɀuku risinemhoȿa, risina‐kuremara, risina‐kumboiswa joko. 3Ɀino munofanira kuripa Ereazari muprista, iye ariɓuɗise kunze kwemisasa, rigoʋurawa pamberi pake. 4Ipapo Ereazari muprista unofanira kutora ropa raro nomunwe wake, nokusasa ropa raro kanomŋe kurutiʋi rwemberi rwetente rokusoŋgana; 5ɀino tsiru rinofanira kupiswa pamberi pake; ɗebge raro, nenyama yaro, neropa raro, pamŋe cete namaɀiɀi aro, ɀinofanira kupiswa. 6Ɀino muprista unofanira kutora rutanda rwomusidari nehisopi, nomuceka mutȿuku, ndokuɀikandira pakati pomŋoto unopisa tsiru. 7Ipapo muprista unofanira kusuka ŋguʋo dzake, nokushambidza muʋiri wake nemvura, ndokuzopinda mumisasa, muprista agoʋa usina‐kunaka kuȿikira maɗeko. 8Nomunhu unoripisa unofanira kusuka ŋguʋo dzake nemvura, nokushambidza muʋiri wake nemvura, agoʋa usina‐kunaka kuȿikira maɗeko. 9Ɀino mumŋe munhu wakanaka unofanira kuʋuŋganidza maɗota etsiru, ndokuaceŋgeta kunze kwemisasa panɀimbo yakanaka, kuti aceŋgeterwe ʋuŋgano yaʋana ʋaIsraeri, kuzoita nawo mvura yokunatsa nayo; cipiriso ceɀiʋi. 10Ɀino iye wakaʋuŋganidza maɗota etsiru, unofanira kusuka ŋguʋo dzake, agoʋa usina‐kunaka kuȿikira maɗeko; unofanira kuʋa mutemo usiŋgaperi kuʋana ʋaIsraeri nokuʋatorwa ʋagere pakati paʋo. 11Munhu unoɓata citunha comunhu upi noupi, unofanira kuʋa usina‐kunaka mazuʋa manomŋe. 12Iye unofanira kuɀinatsa nayo nezuʋa retatu, agoʋa wakanaka nezuʋa recinomŋe; asi kana asiŋgaɀinatsi nezuʋa retatu, haaŋgaʋi wakanaka nezuʋa recinomŋe. 13Aninani unoɓata wakafa, ciri citunha comunhu upi noupi wakafa, akasaɀinatsa, unoȿiɓisa tabernakeri yaJehova; munhu uyo unofanira kubviswa pakati paʋaIsraeri; mvura inonatsa ɀaisinakusaswa pamsoro pake, unofanira kuʋa usina‐kunaka; tȿina yake iciri kwaari. 14Ndiwo murairo kana munhu akafa mutente: Mumŋe nomumŋe unopinda mutente, nomumŋe nomumŋe uri mutente, ucaʋa usina‐kunaka mazuʋa manomŋe. 15Nemidziyo yose yakashama, isinecifunhiro cakasuŋgirwa, icaʋa isina‐kunaka. 16Aninani unoɓata munhu wakaʋurawa kusaŋgo nomunondo, kana citunha, kana fupa romunhu, kana bgiro, ucaʋa usina‐kunaka mazuʋa manomŋe. 17Ɀino munhu usina‐kunaka unofanira kundotorerwa maɗota ecipiriso ceɀiʋi cakapiswa, mvura inoyerera igoɗirwa pamsoro pawo mumudziyo, 18ɀino munhu wakanaka unofanira kutora hisopi, ndokuinyika mumvura, ndokuisasa patente, napanhumbi dzose, napaʋanhu ʋose ʋaiʋa’po, napamunhu wakaɓata fupa, kana wakaŋga aʋurawa, kana wakafa, kana bgiro; 19ɀino munhu wakanaka unofanira kusasa munhu usina‐kunaka nezuʋa retatu nerecinomŋe; nezuʋa recinomŋe unofanira kumunatsa; ɀino iye unofanira kusuka ŋguʋo dzake, nokuɀishambidza nemvura, agoʋa wakanaka maɗeko. 20Asi kana munhu akaȿiɓiswa akasaɀinatsa, munhu uyo unofanira kubviswa pakati peʋuŋgano, nokuti waȿiɓisa imba tȿene yaJehova; mvura inonatsa haina‐kusaswa pamsoro pake; haana‐kunaka. 21Unofanira kuʋa mutemo usiŋgaperi kwaʋari. Munhu unosasa mvura inonatsa, unofanira kusuka ŋguʋo dzake; naiye unoɓata mvura inonatsa, ucaʋa usina‐kunaka kuȿikira maɗeko. 22Neɀose ɀinoɓatwa nomunhu usina‐kunaka, ɀicaʋa ɀisina‐kunaka; nomunhu unoɀiɓata ucaʋa usina‐kunaka kuȿikira maɗeko.

Zvasarudzwa nguva ino

Numeri 19: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda