Numeri 18
18
Maɓasa aʋaprista naʋaRevi, nokurarama kwaʋo.
1Ɀino Jehova akati kunaAroni: Iwe naʋanakomana ʋako, naʋeimba yaɓaɓa ʋako pamŋe cete newe, munofanira kutakura ɀakaipa ɀeimba tȿene; iwe naʋanakomana ʋako pamŋe cete newe munofanira kutakura ɀakaipa ɀoʋuprista bgenyu. 2Nehama dzako dzorudzi rwaRevi, dzorudzi rwaɓaɓa ʋako, udzisweɗedze pamŋe cete newe, dziʋe newe, dzikuɓatire; asi iwe naʋanakomana ʋako pamŋe cete newe, munofanira kuʋa pamberi petente recipupuriro. 3Ʋanofanira kukuceŋgeta iwe nokuceŋgeta Tente rose; asi haʋafaniri kusweɗera kunhumbi dzeimba tȿene neartari, kuti ʋarege kufa, kana iʋo kana imi. 4Ʋanofanira kuʋa newe, nokuceŋgeta tente rokusoŋgana, nokuita maɓasa ose eTente; usina‐kufanira haafaniri kusweɗera kwamuri. 5Munofanira kuceŋgeta imba tȿene, nokuceŋgeta artari, kuti kutsamŋa kurege kuʋuya pamsoro paʋana ʋaIsraeri. 6Ini ndimene, tarirai, ndakatsaura hama dzenyu ʋaRevi pakati paʋana ʋaIsraeri, ʋaʋe cipo kwamuri, ʋanhu ʋakapiwa Jehova, kuti ʋaɓate maɓasa etente rokusoŋgana. 7Iwe naʋana ʋako pamŋe cete newe munofanira kuɓate‐ɓasa roʋuprista bgenyu paɀinhu ɀose ɀeartari, neɀose ɀiri mukati mecidzitiro; ndipo pamunofanira kuɓata; ndinokupai ʋuprista, ciʋe cipo ceɓasa; asi usina‐kufanira, unosweɗera, unofanira kuʋurawa.
8Jehova akataura ʋo naAroni, akati: Ini, tarira, ndakakupa ɓasa rokuceŋgeta ɀipiriso ɀaŋgu ɀinotsaurwa, iɀo ɀinhu ɀose ɀakatsaurwa ɀaʋana ʋaIsraeri; ndakakupa iɀo uʋe mugoʋe wako nowaʋanakomana ʋako nokusiŋgaperi. 9Ɀinhu iɀi ndiɀo ɀinofanira kuʋa ɀako paɀinhu ɀitȿene ɀikuru, ɀakasara kana ɀimŋe ɀapiswa, ɀinoti: Ɀipo ɀaʋo ɀose, iɀo ɀipiriso ɀaʋo ɀose ɀoʋupfu, neɀipiriso ɀaʋo ɀose ɀeɀiʋi, neɀipiriso ɀaʋo ɀose ɀemhoȿa, ɀaʋanondipa, iɀo ɀinofanira kuʋa ɀitȿene ɀikuru kwauri nokuʋanakomana ʋako. 10Munofanira kuɀidya panɀimbo tȿene‐tȿene; ʋarume ʋose ʋanofanira kuɀidya; ɀinofanira kuʋa ɀitȿene kwamuri. 11Iɀi ndiɀo ɀako: Cipiriso cinotsaurwa ceɀipo ɀaʋo, iɀo ɀipiriso ɀose ɀinozuŋguzirwa ɀaʋana ʋaIsraeri; ndakakupa iɀo, iwe, naʋanakomana ʋako, naʋanasikana ʋako pamŋe cete newe, ɀiʋe ɀenyu nokusiŋgaperi; ʋose ʋakanaka mumba mako ʋaŋgaɀidya. 12Ndakakupa mafuta ose akaiȿo‐naka, newaini yakaiȿo‐naka, neɀiyo ɀose ɀakaiȿo‐naka, iɀo ɀitȿa ɀaɀo ɀaʋanopa Jehova. 13Ɀiɓereko ɀitȿa ɀose ɀeɀose ɀiri munyika yaʋo, ɀaʋanoʋuya naɀo kunaJehova, ɀinofanira kuʋa ɀako; mumŋe nomumŋe wakanaka mumba mako uŋgaɀidya. 14Ɀose ɀakayeriswa pakati paIsraeri ɀinofanira kuʋa ɀako. 15Ɀose ɀinotaŋga kuzarura ciɀaro, panyama yose yaʋanoʋuyisa kunaJehova, kana ɀiri ɀaʋanhu, kana ɀeɀipfuwo, ɀinofanira kuʋa ɀako; kunyaŋge ɀakaɗaro mataŋgwe aʋanhu unofanira kuadzikinura; ʋana ʋose ʋemhoŋgora dzeɀipfuwo unofanira kuʋadzikinura ʋo. 16Ɀose ɀinofanira kudzikinurwa paɀiri, ɀomŋedzi mumŋe neɀinopfuʋura, unofanira kuɀidzikinura seɀaunotara iwe, nemari inoȿika pamashekeri#18:16 Shekeri rimŋe mari ineŋge mashereni maʋiri nesisipenzi. mashanu, ɀicienzaniswa neshekeri rapaimba tȿene (rakaenzana namagera anamakumi maʋiri). 17Asi usadzikinura mŋana wemhoŋgora yeŋombe, kana yegwai, kana yembudzi; ɀitȿene; unofanira kusasa ropa raɀo pamsoro peartari, nokupisa mafuta aɀo, ciʋe cipiriso cinopiswa, ciʋe cinonhuwira ɀakanaka kunaJehova. 18Asi nyama yaɀo inofanira kuʋa yako, ɀinofanira kuʋa ɀako secityu cinozuŋguzirwa neɓandauko rorudyi. 19Ɀipiriso ɀose ɀinotsaurwa ɀeɀinhu ɀinopiwa Jehova naʋana ʋaIsraeri, ndakakupa iɀo, iwe naʋanakomana ʋako naʋanasikana ʋako pamŋe cete newe, ɀiʋe ɀako nokusiŋgaperi; isuŋgano yomunyu nokusiŋgaperi pamberi paJehova, kwauri naʋazukuru ʋako pamŋe cete newe. 20Ɀino Jehova akati kunaAroni: Iwe hauŋgaʋi nenhaka panyika yaʋo, hauŋgaʋi nomugoʋe pakati paʋo; ini ndiri mugoʋe wako nenhaka yako pakati paʋana ʋaIsraeri.
21Tarira, ʋana ʋaRevi ndakaʋapa ɀegumi ɀeɀose ɀaʋana ʋaIsraeri, iʋe nhaka yaʋo, uʋe muɓayiro weɓasa raʋanoɓata, iro ɓasa rapatente rokusoŋgana. 22Kubva ɀino ʋana ʋaIsraeri ŋgaʋarege kusweɗera kutente rukosoŋgana, kuti ʋarege kuʋa nemhoȿa yeɀiʋi ɀaʋo, ʋakafa. 23Asi ʋaRevi ʋanofanira kuɓate‐ɓasa rapatente rokusoŋgana, iʋo ʋanofanira kutakura ɀakaipa ɀaʋo; unofanira kuʋa mutemo nokusiŋgaperi kuȿikira kumarudzi enyu ose; haʋaŋgaʋi nenhaka pakati paʋana ʋaIsraeri. 24Nokuti ɀegumi ɀaʋana ʋaIsraeri ɀaʋanopa Jehova, ɀiʋe ɀipiriso ɀinotsaurwa, ndiɀo ɀandakapa ʋaRevi, kuti iʋe nhaka yaʋo; naiɀoɀo ndakati kwaʋari, haʋaŋgaʋi nenhaka pakati paʋana ʋaIsraeri.
25Ɀino Jehova akataura naMosesi, akati: 26Taura naʋaRevi, uti kwaʋari: Kana mucitora kuʋana ʋaIsraeri ɀegumi ɀaʋo ɀandakakupai, kuti iʋe nhaka yenyu, munofanira kupa Jehova cegumi ceɀegumi iɀo, ciʋe cipiriso cinotsaurwa. 27Cipiriso cenyu cinotsaurwa cicaʋereŋgwa kwamuri seɀiyo ɀiri paɓuriro, ʋuye sewaini izere muciȿiniro cewaini. 28Saiɀoɀo nemi ʋo mucapa Jehova cipiriso cinotsaurwa ceɀegumi ɀenyu ɀose ɀamunopiwa naʋana ʋaIsraeri; ɀino kunaiɀoɀo munofanira kupa Aroni muprista cipiriso cinotsaurwa caJehova. 29Paɀose ɀamunopiwa, munofanira kupa Jehova ɀipiriso ɀenyu ɀose ɀinotsaurwa, mucitsaura ɀakaiȿo‐naka kwaɀiri, mugoʋe wakatsaurwa pakati paɀo. 30Naiɀoɀo uti kwaʋari: Kana matsaura ɀakaiȿo‐naka kwaɀiri, ɀinofanira kuʋereŋgerwa ʋaRevi seɀakapurwa paɓuriro, neɀakaȿiniwa paciȿiniro cewaini. 31Munofanira kuɀidya panɀimbo dzose, imi nemhuri dzenyu; nokuti ndiwo muɓairo wenyu weɓasa ramunoɓata patente rokusoŋgana. 32Hamuŋgazoʋi neɀiʋi nokuɗa kwaɀo, kana mambotsaura ɀakaiȿo‐naka kwaɀiri; hamufaniri kuɀidza ɀinhu ɀitȿene ɀaʋana ʋaIsraeri, kuti murege kufa.
Zvasarudzwa nguva ino
Numeri 18: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018