Zvino Mosesi akatuma nhume, dzaibva Kadheshi, kuna mambo weEdhomu, achiti, “Zvanzi nomun’una wako Isiraeri, ‘Unoziva nhamo dzose dzakatiwira; kuti madzibaba edu akaburukira Ijipiti, tikagara Ijipiti nguva huru, vaIjipiti vakatiitira zvakaipa, isu namadzibaba edu; zvino takati tichichema kuna Jehovha, iye akanzwa mazwi edu, akatuma mutumwa kutibudisa paIjipiti; zvino tarirai, tiri paKadheshi, paguta riri pamuganhu wenyika yako; dotitendera kupfuura napanyika yako; hatingafambi napaminda, kana napaminda yemizambiringa; hatinganwi mvura yamatsime; tichafamba nenzira huru yamambo; hatingatsaukiri kurudyi kana kuruboshwe, kusvikira tabuda panyika yako.’ ” Ipapo Edhomu akati kwaari, “Haungapfuuri nokwandiri, kuti ndirege kuuya kuzorwa newe nomunondo.” Vana vaIsiraeri vakati kwaari, “Tichakwira nenzira huru; kana tikanwa mvura yako, ini nezvipfuwo zvangu, ndicharipa mutengo wayo; nditendere kwoga kupfuura namakumbo angu, hakuna rimwe shoko.” Iye akati, “Haungapfuuri.” Zvino Edhomu akauya kuzorwa naye navanhu vazhinji, noruoko rune simba. Naizvozvo Edhomu akaramba kutendera vaIsiraeri kupfuura napanyika yake. Ipapo vaIsiraeri vakatsauka kwaari.
Zvino vakasimuka paKadheshi, vana vaIsiraeri, iyo ungano yose, vakasvika pagomo reHori. Ipapo Jehovha akataura naMosesi naAroni pagomo reHori, pamuganhu wenyika yaEdhomu, akati, “Aroni uchasanganiswa navanhu vake, nokuti haangapindi munyika yandakapa vana vaIsiraeri, nokuti makaramba shoko rangu pamvura yeMeribha. Tora Aroni nomwanakomana wake Ereazari, ukwire navo pagomo reHori; zvino ubvise nguo dzake, ugodzifukidza Ereazari mwanakomana wake; ipapo Aroni achasanganiswa navanhu vake, achafirapo.” Mosesi akaita sezvaakarairwa naJehovha; vakakwira pagomo reHori pamberi peungano yose. Zvino Mosesi wakabvisa nguo dzaAroni, akadzifukidza Ereazari mwanakomana wake; Aroni akafirapo pamusoro wegomo; Mosesi naEreazari vakaburuka havo pagomo. Zvino ungano yose yakati ichiona kuti Aroni afa, vakachema Aroni mazuva makumi matatu, iyo imba yose yaIsiraeri.