Ɀino Mosesi akatuma nhume, dzaibva Kadeshi, kunamambo weEdomi, aciti: Ɀanzi nomunuŋuna wako Israeri: Unoziʋa nhamo dzose dzakatiwira; kuti madziɓaɓa eɗu akaɓurukira Egipita, tikagara Egipita ŋguʋa huru, ʋaEgipita ʋakatiitira ɀakaipa, isu namadziɓaɓa eɗu; ɀino takati ticicema kunaJehova, iye akanzwa manzwi eɗu, akatuma mutumŋa kutiɓuɗisa paEgipita; ɀino tarirai, tiri paKadeshi, paguta riri pamuganho wenyika yako; ɗotitendera kupfuʋura napanyika yako; hatiŋgafambi napaminda, kana napaminda yemizambiriŋga; hatiŋganwi mvura yamatsime; ticafamba nenzira huru yamambo; hatiŋgatsaukiri kurudyi kana kuruɓoshwe, kuȿikira taɓuɗa panyika yako. Ipapo Edomi akati kwaari: Hauŋgapfuʋuri nokwandiri, kuti ndirege kuʋuya kuzorwa newe nomunondo. Ʋana ʋaIsraeri ʋakati kwaari: Ticakwira nenzira huru; kana tikanwa mvura yako, ini neɀipfuwo ɀaŋgu, ndicaripa muteŋgo wayo; nditendere kwoga kupfuʋura namakumbo aŋgu, hakunerimŋe shoko. Iye akati: Hauŋgapfuʋuri. Ɀino Edomi akaʋuya kuzorwa naye naʋanhu ʋazhinji, noruʋoko runesimba. Naiɀoɀo Edomi wakaramba kutendera ʋaIsraeri kupfuʋura napanyika yake. Ipapo ʋaIsraeri ʋakatsauka kwaari.
Ɀino ʋakasimuka paKadeshi, ʋana ʋaIsraeri, iyo ʋuŋgano yose, ʋakaȿika pagomo reHori. Ipapo Jehova akataura naMosesi naAroni pagomo reHori, pamuganho wenyika yaEdomi, akati: Aroni ucasoŋganiswa naʋanhu ʋake, nokuti haaŋgapindi munyika yandakapa ʋana ʋaIsraeri, nokuti makaramba shoko raŋgu pamvura yeMeriba. Tora Aroni nomŋanakomana wake Ereazari, ukwire naʋo pagomo reHori; ɀino ubvise ŋguʋo dzake, ugodzifukidza Ereazari mŋanakomana wake; ipapo Aroni ucasoŋganiswa naʋanhu ʋake, ucafira’po. Mosesi akaita seɀaakarairwa naJehova; ʋakakwira pagomo reHori pamberi peʋuŋgano yose. Ɀino Mosesi wakabvisa ŋguʋo dzaAroni, akadzifukidza Ereazari mŋanakomana wake; Aroni akafira’po pamusoro wegomo; Mosesi naEreazari ʋakaɓuruka haʋo pagomo. Ɀino ʋuŋgano yose yakati iciʋona kuti Aroni wafa, ʋakacema Aroni mazuʋa makumi matatu, iyo imba yose yaIsraeri.