Mosesi akatuma nhume kubva kuKadheshi dzichienda kuna mambo weEdhomu kundoti, “Zvanzi nehama yenyu Isiraeri, munoziva nhamo dzose dzakatiwira. Madzitateguru edu akaenda kuIjipiti kwatakagara kwenguva ndefu. VaIjipiti vakaonesa nhamo isu namadzitateguru edu. Patakachema kuna Tenzi akanzwa kuchema kwedu, akatitumira mutumwa wake, akatibudisa muIjipiti. Iye zvino tiri paKadheshi, guta riri kumucheto kwenyika yenyu. Zvino mungatibvumirewo here kupfuura nomunyika yenyu. Isu hatizobudi munzira tichipinda nomuminda yenyu yembesanwa kana yemigirepisi, kana kunwa mvura yetsime renyu zvaro. Ticharamba tiri Mumugwagwa Mukuru Wamambo, hatizotsaukiri kurudyi kana kuruboshwe kusvikira tabuda munyika yenyu.” Asi Edhomu akati, “Haupfuuri nomangu muno. Kana ukangodaro ndinokuvinga nehondo yangu.” VaIsiraeri vakati, “Ticharamba tiri mumugwagwa mukuru chete. Kana isu nezvipfuwo zvedu tikanwa mvura yenyu, tinoiripa. Tiregei tingotsikawo nomunyika yenyu. Ndicho chichemo chedu choga.” Asi Edhomu akati, “Hazviitiki kuti mupfuure nomuno.” Akabva avabudira nehondo yake yakasimba, ina varwi vazhinji zhinji. Ndiko kuramba kwakaita Edhomu kuti vaIsiraeri vapfuure nomunyika yake, vaIsiraeri vakasiya zveEdhomu vakaenda nokumwe. Chita chose chavaIsiraeri chakasimuka paKadheshi, chikandosvika pagomo reHoru. Pagomo reHoru ipapo pamuganhu wenyika yaEdhomu, Tenzi akataurira Mosesi naAroni achiti, “Nguva yokuti Aroni afe, achienda kune vamwe vake vachakabvu yasvika. Haasiri kuzopinda munyika yandakapa vaIsiraeri nokuti makapikisana nezvandakareva paMeribha. Tora Aroni nomwanakomana wake Ereazari, ukwire navo mugomo reHoru. Bvisa Aroni hanzu dzake dzoupristi, upfekedze mwana wake Ereazari. Aroni achafira ipapo achibva aenda kune vamwe vake vachakabvu.” Mosesi akaita zvaakaudzwa naTenzi. Vakakwira mugomo reHoru vaIsiraeri vose vakatarisa. Mosesi akabvisa Aroni hanzu dziya, ndokudzipfekedza Ereazari mwanakomana waAroni. Aroni akabva afira pamusoro pegomo ipapo. Mosesi naEreazari vakaburuka mugomo. Gungano rose rakaona kuti Aroni afa. Vose vemhuri yaIsiraeri vakamuchema kwamazuva makumi matatu.
Verenga chikamu Kuverengwa 20
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Kuverengwa 20:14-29
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo