Revhitiko 14:1-20
Revhitiko 14:1-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jehovha wakataura naMosesi akati, “Ndiwo murayiro womunhu una maperembudzi nomusi wokunatswa kwake: Unofanira kuiswa kumupristi; zvino mupristi anofanira kubuda kunze kwemisasa, mupristi ugocherekedza munhu uyu; kana akaona kuti hosha yamaperembudzi yapora hayo kumunhu una maperembudzi; mupristi anofanira kuraira kuti unoda kunatswa atorerwe shiri mbiri mhenyu dzakanaka, nedanda romusidhari, nomucheka mutsvuku, nehisopi. Zvino mupristi araire kuti shiri imwe iurawe muhari yevhu, pamusoro pemvura inoyerera. Zvino anofanira kutora shiri mhenyu, nedanda romusidhari, nomucheka mutsvuku, nehisopi, ndokuzvinyika pamwechete neshiri mhenyu muropa reshiri yakaurawa pamusoro pemvura inoyerera. Zvino anofanira kurisasa kanomwe pamusoro pomunhu unoda kunatswa pamaperembudzi ake, ndokureva kuti wakanaka; ipapo woregedza shiri mhenyu, iende hayo kusango. Zvino munhu unoda kunatswa anofanira kusuka nguo dzake, nokuveura vhudzi rake rose, ndokushamba mumvura, agova wakanaka; pashure anofanira kupinda mukati memisasa, asi ngaagare kunze kwetende mazuva manomwe. Nomusi wechinomwe anofanira kuveura vhudzi rake rose romusoro wake, nendebvu dzake, netsiye dzake, aveure vhudzi rake rose; zvino ngaasuke nguo dzake, ndokushamba muviri wake, agova wakanaka. Nomusi worusere anofanira kutora makwayana maviri amakondohwe, asina mhosva, negwayana rimwe resheche rine gore rimwe, risina mhosva, nezvegumi zvitatu zveefa youpfu hwakatsetseka, chive chipiriso choupfu, hwakakanyiwa namafuta, nerogi imwe yamafuta. “Zvino mupristi, unomunatsa, anofanira kuisa munhu unoda kunatswa pamberi paJehovha, pamwechete nezvinhu izvi, pamukova wetende rokusangana; mupristi ndokutora rimwe ramakwayana amakondohwe, ndokuribayira, chive chipiriso chemhosva, nerogi yamafuta, agozvizunguzira, chive chipiriso chokuzunguzira pamberi paJehovha; zvino anofanira kuuraya gwayana regondohwe pavanourayira chipiriso chezvivi nechipiriso chinopiswa panzvimbo tsvene; nokuti chipiriso chemhosva ndechomupristi sechipiriso chezvivi; chitsvene kwazvo. Ipapo mupristi anofanira kutora rimwe ropa rechipiriso chemhosva, mupristi agoriisa pamucheto wenzeve yorudyi yomunhu unonatswa, napagunwe rorutsoka rwake rworudyi; zvino mupristi anofanira kutora mamwe mafuta erogi, ndokuadira muchanza choruoko rwake rworuboshwe; zvino mupristi ngaanyike mutendeka wake worudyi mumafuta ari muruoko rwake rworuboshwe, asase mamwe mafuta nomunwe wake kanomwe pamberi paJehovha; mamwe mafuta akasara muruoko rwake mupristi anofanira kuaisa pamucheto wenzeve yorudyi yomunhu unonatswa, napagunwe roruoko rwake rworudyi, napagunwe rorutsoka rwake rworudyi, pamusoro peropa rechipiriso chemhosva; mamwe mafuta akasara muruoko rwomupristi anofanira kuaisa pamusoro womunhu unonatswa; kuti mupristi amuyananisire pamberi paJehovha. Mupristi anofanira kupisa chipiriso chezvivi, kuti ayananisire munhu unonatswa, nokuda kwokusanaka kwake; pashure anofanira kuuraya chipiriso chinopiswa; mupristi anofanira kupisa chipiriso chinopiswa, nechipiriso choupfu pamusoro peatari, kuti mupristi amuyananisire, anake.
Revhitiko 14:1-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jehovha akati kuna Mozisi: “Iyi ndiyo mirayiro yomunhu ane chirwere panguva yake yokucheneswa kana auyiswa kumuprista: Muprista anofanira kuenda kunze kwomusasa agonomuongorora. Kana munhu aporeswa kubva kumaperembudzi, muprista acharayira kuti shiri mbiri mhenyu dzakachena, nedanda romusidhari, nomucheka mutsvuku, nehisopi zviuyiswe kuti acheneswe. Ipapo muprista acharayirwa kuti imwe yeshiri idzi iurayiwe pamusoro pemvura yakachena muhari yevhu. Anofanira zvino kutora shiri mhenyu oinyika pamwe chete nedanda romusidhari, mucheka mutsvuku nehisopi muropa reshiri yaurayiwa pamusoro pemvura yakachena. Achasasa uyo anofanira kucheneswa kubva kuchirwere chamaperembudzi kanomwe, agozivisa kuti akachena. Ipapo anofanira kuregera shiri mhenyu ichienda musango. “Munhu anofanira kucheneswa anofanira kusuka nguo dzake agoveura bvudzi rake rose agoshamba nemvura, ipapo achava akacheneswa. Mushure maizvozvi anogona kuuya mumusasa asi anofanira kugara kunze kwetende rake kwamazuva manomwe. Pazuva rechinomwe anofanira kuveura bvudzi rake rose. Anofanira kuveura musoro wake, ndebvu dzake, tsiye dzake, nerimwe bvudzi rake rose. Anofanira kusuka nguo dzake agozvishambidza nemvura uye achava akachena. “Pazuva rorusere anofanira kuuya namakwayana maviri amakondobwe nesheshe imwe chete, dzose dzine gore dzisina kuremara, pamwe chete nezvikamu zvitatu kubva mugumi zveefa zvoupfu hwakatsetseka hwakasanganiswa namafuta sechipiriso chezviyo nerogi imwe chete yamafuta. Muprista achazivisa kuti akachena, anofanira kuuya nouya anofanira kucheneswa nezvipiriso zvake pamberi paJehovha pamusuo weTende Rokusangana. “Ipapo muprista anofanira kutora gwayana rimwe chete gono agoripa sechipiriso chemhosva pamwe chete nerogi ramafuta; achazvininira pamberi paJehovha sechipiriso chokuninira. Anofanira kubaya gwayana panzvimbo tsvene apo panobayirwa chipiriso chezvivi nechipiriso chinopiswa. Sezvakaita chipiriso chezvivi, chipiriso chemhosva ndechomuprista, chitsvene-tsvene. Muprista anofanira kutora rimwe ropa rechipiriso chemhosva agoriisa pamucheto wenzeve yokurudyi yomunhu anocheneswa, pamunwe wake mukuru wokuruoko rwokurudyi uye napachigunwe chikuru chetsoka yake yokurudyi. Ipapo muprista achatora imwe rogi yamafuta agodira muchanza choruoko rwake rworuboshwe, agonyika munwe wake wokutendeka nawo wokurudyi mumafuta ari muchanza choruoko rwake agosasa mamwe acho nomunwe kanomwe pamberi paJehovha. Muprista achaisa mamwe mafuta anosara muchanza panzeve yokurudyi youyo anofanira kucheneswa, pamunwe mukuru woruoko rwake rwokurudyi nepachigunwe chikuru chegumbo rake rokurudyi pamusoro peropa rechipiriso chemhosva. Mamwe mafuta ose ari muchanza make muprista achaaisa pamusoro pouyo achada kucheneswa, agomuyananisira pamberi paJehovha. “Ipapo muprista achabayira chipiriso chechivi agoyananisira uyo anofanira kucheneswa kubva pakusachena kwake. Mushure maizvozvo muprista achabaya chipiriso chinopiswa agochipa paaritari pamwe chete nechipiriso chezviyo, agomuyananisira, uye achava akachena.
Revhitiko 14:1-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jehovha wakataura naMosesi akati, “Ndiwo murayiro womunhu una maperembudzi nomusi wokunatswa kwake: Unofanira kuiswa kumupristi; zvino mupristi anofanira kubuda kunze kwemisasa, mupristi ugocherekedza munhu uyu; kana akaona kuti hosha yamaperembudzi yapora hayo kumunhu una maperembudzi; mupristi anofanira kuraira kuti unoda kunatswa atorerwe shiri mbiri mhenyu dzakanaka, nedanda romusidhari, nomucheka mutsvuku, nehisopi. Zvino mupristi araire kuti shiri imwe iurawe muhari yevhu, pamusoro pemvura inoyerera. Zvino anofanira kutora shiri mhenyu, nedanda romusidhari, nomucheka mutsvuku, nehisopi, ndokuzvinyika pamwechete neshiri mhenyu muropa reshiri yakaurawa pamusoro pemvura inoyerera. Zvino anofanira kurisasa kanomwe pamusoro pomunhu unoda kunatswa pamaperembudzi ake, ndokureva kuti wakanaka; ipapo woregedza shiri mhenyu, iende hayo kusango. Zvino munhu unoda kunatswa anofanira kusuka nguo dzake, nokuveura vhudzi rake rose, ndokushamba mumvura, agova wakanaka; pashure anofanira kupinda mukati memisasa, asi ngaagare kunze kwetende mazuva manomwe. Nomusi wechinomwe anofanira kuveura vhudzi rake rose romusoro wake, nendebvu dzake, netsiye dzake, aveure vhudzi rake rose; zvino ngaasuke nguo dzake, ndokushamba muviri wake, agova wakanaka. Nomusi worusere anofanira kutora makwayana maviri amakondohwe, asina mhosva, negwayana rimwe resheche rine gore rimwe, risina mhosva, nezvegumi zvitatu zveefa youpfu hwakatsetseka, chive chipiriso choupfu, hwakakanyiwa namafuta, nerogi imwe yamafuta. “Zvino mupristi, unomunatsa, anofanira kuisa munhu unoda kunatswa pamberi paJehovha, pamwechete nezvinhu izvi, pamukova wetende rokusangana; mupristi ndokutora rimwe ramakwayana amakondohwe, ndokuribayira, chive chipiriso chemhosva, nerogi yamafuta, agozvizunguzira, chive chipiriso chokuzunguzira pamberi paJehovha; zvino anofanira kuuraya gwayana regondohwe pavanourayira chipiriso chezvivi nechipiriso chinopiswa panzvimbo tsvene; nokuti chipiriso chemhosva ndechomupristi sechipiriso chezvivi; chitsvene kwazvo. Ipapo mupristi anofanira kutora rimwe ropa rechipiriso chemhosva, mupristi agoriisa pamucheto wenzeve yorudyi yomunhu unonatswa, napagunwe rorutsoka rwake rworudyi; zvino mupristi anofanira kutora mamwe mafuta erogi, ndokuadira muchanza choruoko rwake rworuboshwe; zvino mupristi ngaanyike mutendeka wake worudyi mumafuta ari muruoko rwake rworuboshwe, asase mamwe mafuta nomunwe wake kanomwe pamberi paJehovha; mamwe mafuta akasara muruoko rwake mupristi anofanira kuaisa pamucheto wenzeve yorudyi yomunhu unonatswa, napagunwe roruoko rwake rworudyi, napagunwe rorutsoka rwake rworudyi, pamusoro peropa rechipiriso chemhosva; mamwe mafuta akasara muruoko rwomupristi anofanira kuaisa pamusoro womunhu unonatswa; kuti mupristi amuyananisire pamberi paJehovha. Mupristi anofanira kupisa chipiriso chezvivi, kuti ayananisire munhu unonatswa, nokuda kwokusanaka kwake; pashure anofanira kuuraya chipiriso chinopiswa; mupristi anofanira kupisa chipiriso chinopiswa, nechipiriso choupfu pamusoro peatari, kuti mupristi amuyananisire, anake.
Revhitiko 14:1-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Uyu ndiwo murao wemunhu ane chirwere chamapere pazuva raanochenurwa, ngaaunzwe kumupristi. Mupristi ngaaende naye kunze kwematendhe amuongorore kana chirwere chamapere chiya chapora, mupristi ngaati paunzwe shiri mbiri dzisina kun'ora nechimuti chomusidhari netambo tsvuku nekabazi komuhisopi. Mupristi ngaati shiri imwe iurayirwe nechapamusoro pehari yevhu ine mvura yakanaka yakachena. Ngaatore shiri mhenyu pamwechete nechimuti chomusidhari netambo tsvuku nekabazi komuhisopi azvinyike pamwechete muropa reshiri iya yaurayirwa pamusoro pehari yevhu ine mvura yakanaka yakachena. Mupristi ngaasase ropa iroro kanomwe pamunhu uya anenge achenurwa pachirwere chamapere. Mupristi ngaataure pachena kuti haachisina kun'ora. Ipapo ngaabhururutse shiri mhenyu iya itetereke zvayo nesango. Nyakuchenurwa iyeyo ngaasuke hanzu dzake aveure vhudzi nemvere dzomuviri wose ashambe nemvura. Saka achava munhu akachenurwa. Angachizodzokera hake kumatendhe asi anofanira kugara kunze kwetendhe rake kwamazuva manomwe. Pazuva rechinomwe ngaaveurezve musoro wake nendebvu netsiye nevhudzi rose romuviri wake. Ngaasuke hanzu dzake nomuviri wake, ipapo achava munhu achenurwa. “Pazuva rorusere ngaaunze hwayana, hono mbiri nedunzvi rehwai dzisina chinoshoreka padziri dzine gore rimwechete namakirogiramu matatu eupfu hwakanywa namafuta eorivhi uye mafuta eorivhi anokwana chikamu chepakati nepakati cherita. Mupristi iyeyo ari kuchenura munhu ngaaise munhu iyeyo nezvinhu izvi pana Tenzi pamusuo wetendhe rokusanganira. Mupristi ngaatore hwayana hono pamwechete namafuta anokwana chikamu chepakati nepakati cherita apire Mwari mupiro wokutsiva chakatadzwa. Ngaaite mupiro unosumudzwa uchipirwa Mwari. Ngaaurayire hwayana iyoyo panzvimbo paya panourayirwa zvibayiro zvomupiro wokupfupira zvitadzo nomupiro wokupisa panzvimbo inoera. Chibayiro chomupiro wokupfupira zvitadzo ndechomupristi sezvakangoitawo chibayiro chomupiro wokuripa mhosva. Chinoera kwazvo. Mupristi ngaatore ropa rehwayana yomupiro wokuripa mhosva arizore kwokupedzesera kwenzeve yokurudyi yomunhu ari kuchenurwa nepachara chechanza chake chokurudyi nepachigunwe chake chikuru chetsoka yake yokurudyi. Mupristi ngaadururire mafuta eorivhi muchanza chake iye pachake choruboshwe. Ngaanyike munwe wake wokurudyi mumafuta iwayo ari muchanza chake choruboshwe, aasase kanomwe mutendhe rinoera pana Tenzi. Mafuta anenge asara ari muchanza chomupristi ngaazore kuwedzera paropa romupiro wokuripa mhosva kwokupedzesera kwenzeve yokurudyi yomunhu ari kuchenurwa nepachigunwe chake chokurudyi. Mafuta ose anenge asara ari muchanza chake ngaadire pamusoro pemunhu ari kuchenurwa. Mupristi anobva apfupira zvitadzo zvaiyeyo pana Tenzi, zvomunhu akanga aine chirwere chamapere. “Mupristi ngaaite mupiro wokupfupira zvitadzo, achiripira munhu ari kuchenurwa pakun'ora kwake. Kana aita izvozvo, ngaauraye chibayiro chemupiro wokupisa. Mupristi ngaapire mupiro wokupisa nomupiro wembesanwa paatari. Nokudaro mupristi achamuripira, munhu iyeyo anobva achenurwa.
Revhitiko 14:1-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: Ndiwo murairo womunhu unamaperembudzi nomusi wokunatswa kwake: Unofanira kuiswa kumuprista; ɀino muprista unofanira kuɓuɗa kunze kwemisasa, muprista agocerekedza munhu uyu; kana akaʋona kuti hosha yamaperembudzi yapora hayo kumunhu unamaperembudzi; muprista unofanira kuraira kuti unoɗa kunatswa atorerwe shiri mbiri mhenyu dzakanaka, neɗanda romusidari, nomuceka mutȿuku, nehisopi. Ɀino muprista araire kuti shiri imŋe iʋurawe muhari yevu, pamsoro pemvura inoyerera. Ɀino unofanira kutora shiri mhenyu, neɗanda romusidari, nomuceka mutȿuku, nehisopi, ndokuɀinyika pamŋe cete neshiri mhenyu muropa reshiri yakaʋurawa pamsoro pemvura inoyerera. Ɀino unofanira kurisasa kanomŋe pamsoro pomunhu unoɗa‐kunatswa pamaperembudzi ake, ndokureʋa kuti wakanaka; ipapo woregedza shiri mhenyu, iende hayo kusaŋgo. Ɀino munhu unoɗa‐kunatswa unofanira kusuka ŋguʋo dzake, nokuʋeʋura vudzi rake rose, ndokushamba mumvura, agoʋa wakanaka; pashure unofanira kupinda mukati memisasa, asi ŋgaagare kunze kwetente rake mazuʋa manomŋe. Nomusi wecinomŋe unofanira kuʋeʋura vudzi rake rose romusoro wake, nendebvu dzake, netsiye dzake, aʋeʋure vudzi rake rose; ɀino ŋgaasuke ŋguʋo dzake, ndokushamba muʋiri wake, agoʋa wakanaka. Nomusi worusere unofanira kutora makwaiana maʋiri amakondobge, asinemhoȿa, negwaiana rimŋe reshece rinegore rimŋe, risinemhoȿa, neɀegumi ɀitatu ɀeefa yoʋupfu bgakatsetseka, ciʋe cipiriso coʋupfu, bgakakanyiwa namafuta, nerogi imŋe yamafuta. Ɀino muprista, unomunatsa, unofanira kuisa munhu unoɗa‐kunatswa pamberi paJehova, pamŋe cete neɀinhu iɀi, pamukoʋa wetente rokusoŋgana; muprista ndokutora rimŋe ramakwaiana amakondobge, ndokuriɓayira, ciʋe cipiriso cemhoȿa, nerogi yamafuta, agoɀizuŋguzira, ciʋe cipiriso cokuzuŋguzira pamberi paJehova; ɀino unofanira kuʋuraya gwaiana regondobge paʋanoʋurayira cipiriso ceɀiʋi necipiriso cinopiswa panɀimbo tȿene; nokuti cipiriso cemhoȿa ndecomuprista secipiriso ceɀiʋi; citȿene kwaɀo. Ipapo muprista unofanira kutora rimŋe ropa recipiriso cemhoȿa, muprista agoriisa pamuceto wenzeʋe yorudyi yomunhu unonatswa, napagunwe roruʋoko rwake rworudyi, napagunwe rorutsoka rwake rworudyi; ɀino muprista unofanira kutora mamŋe mafuta erogi, ndokuaɗira mucanza coruʋoko rwake rworuɓoshwe; ɀino muprista ŋgaanyike mutendeka wake worudyi mumafuta ari muruʋoko rwake rworuɓoshwe, asase mamŋe mafuta nomunwe wake kanomŋe pamberi paJehova; mamŋe mafuta akasara muruʋoko rwake muprista unofanira kuaisa pamuceto wenzeʋe yorudyi yomunhu unonatswa, napagunwe roruʋoko rwake rworudyi, napagunwe rorutsoka rwake rworudyi, pamsoro peropa recipiriso cemhoȿa; mamŋe mafuta akasara muruʋoko rwomuprista unofanira kuaisa pamusoro womunhu unonatswa; kuti muprista amuyananisire pamberi paJehova. Muprista unofanira kupisa cipiriso ceɀiʋi, kuti ayananisire munhu unonatswa, nokuɗa kwokusanaka kwake; pashure unofanira kuʋuraya cipiriso cinopiswa; muprista unofanira kupisa cipiriso cinopiswa, necipiriso coʋupfu pamsoro peartari, kuti muprista amuyananisire, anake.
Revhitiko 14:1-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)