Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Revitiko 14:1-20

Revitiko 14:1-20 SUB1949

Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: Ndiwo murairo womunhu unamaperembudzi nomusi wokunatswa kwake: Unofanira kuiswa kumuprista; ɀino muprista unofanira kuɓuɗa kunze kwemisasa, muprista agocerekedza munhu uyu; kana akaʋona kuti hosha yamaperembudzi yapora hayo kumunhu unamaperembudzi; muprista unofanira kuraira kuti unoɗa kunatswa atorerwe shiri mbiri mhenyu dzakanaka, neɗanda romusidari, nomuceka mutȿuku, nehisopi. Ɀino muprista araire kuti shiri imŋe iʋurawe muhari yevu, pamsoro pemvura inoyerera. Ɀino unofanira kutora shiri mhenyu, neɗanda romusidari, nomuceka mutȿuku, nehisopi, ndokuɀinyika pamŋe cete neshiri mhenyu muropa reshiri yakaʋurawa pamsoro pemvura inoyerera. Ɀino unofanira kurisasa kanomŋe pamsoro pomunhu unoɗa‐kunatswa pamaperembudzi ake, ndokureʋa kuti wakanaka; ipapo woregedza shiri mhenyu, iende hayo kusaŋgo. Ɀino munhu unoɗa‐kunatswa unofanira kusuka ŋguʋo dzake, nokuʋeʋura vudzi rake rose, ndokushamba mumvura, agoʋa wakanaka; pashure unofanira kupinda mukati memisasa, asi ŋgaagare kunze kwetente rake mazuʋa manomŋe. Nomusi wecinomŋe unofanira kuʋeʋura vudzi rake rose romusoro wake, nendebvu dzake, netsiye dzake, aʋeʋure vudzi rake rose; ɀino ŋgaasuke ŋguʋo dzake, ndokushamba muʋiri wake, agoʋa wakanaka. Nomusi worusere unofanira kutora makwaiana maʋiri amakondobge, asinemhoȿa, negwaiana rimŋe reshece rinegore rimŋe, risinemhoȿa, neɀegumi ɀitatu ɀeefa yoʋupfu bgakatsetseka, ciʋe cipiriso coʋupfu, bgakakanyiwa namafuta, nerogi imŋe yamafuta. Ɀino muprista, unomunatsa, unofanira kuisa munhu unoɗa‐kunatswa pamberi paJehova, pamŋe cete neɀinhu iɀi, pamukoʋa wetente rokusoŋgana; muprista ndokutora rimŋe ramakwaiana amakondobge, ndokuriɓayira, ciʋe cipiriso cemhoȿa, nerogi yamafuta, agoɀizuŋguzira, ciʋe cipiriso cokuzuŋguzira pamberi paJehova; ɀino unofanira kuʋuraya gwaiana regondobge paʋanoʋurayira cipiriso ceɀiʋi necipiriso cinopiswa panɀimbo tȿene; nokuti cipiriso cemhoȿa ndecomuprista secipiriso ceɀiʋi; citȿene kwaɀo. Ipapo muprista unofanira kutora rimŋe ropa recipiriso cemhoȿa, muprista agoriisa pamuceto wenzeʋe yorudyi yomunhu unonatswa, napagunwe roruʋoko rwake rworudyi, napagunwe rorutsoka rwake rworudyi; ɀino muprista unofanira kutora mamŋe mafuta erogi, ndokuaɗira mucanza coruʋoko rwake rworuɓoshwe; ɀino muprista ŋgaanyike mutendeka wake worudyi mumafuta ari muruʋoko rwake rworuɓoshwe, asase mamŋe mafuta nomunwe wake kanomŋe pamberi paJehova; mamŋe mafuta akasara muruʋoko rwake muprista unofanira kuaisa pamuceto wenzeʋe yorudyi yomunhu unonatswa, napagunwe roruʋoko rwake rworudyi, napagunwe rorutsoka rwake rworudyi, pamsoro peropa recipiriso cemhoȿa; mamŋe mafuta akasara muruʋoko rwomuprista unofanira kuaisa pamusoro womunhu unonatswa; kuti muprista amuyananisire pamberi paJehova. Muprista unofanira kupisa cipiriso ceɀiʋi, kuti ayananisire munhu unonatswa, nokuɗa kwokusanaka kwake; pashure unofanira kuʋuraya cipiriso cinopiswa; muprista unofanira kupisa cipiriso cinopiswa, necipiriso coʋupfu pamsoro peartari, kuti muprista amuyananisire, anake.

Verenga chikamu Revitiko 14