Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Revitiko 14

14
Mirairo pamsoro pokunatswa kwomunhu unamaperembudzi.
1Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: 2Ndiwo murairo womunhu unamaperembudzi nomusi wokunatswa kwake: Unofanira kuiswa kumuprista; 3ɀino muprista unofanira kuɓuɗa kunze kwemisasa, muprista agocerekedza munhu uyu; kana akaʋona kuti hosha yamaperembudzi yapora hayo kumunhu unamaperembudzi; 4muprista unofanira kuraira kuti unoɗa kunatswa atorerwe shiri mbiri mhenyu dzakanaka, neɗanda romusidari, nomuceka mutȿuku, nehisopi. 5Ɀino muprista araire kuti shiri imŋe iʋurawe muhari yevu, pamsoro pemvura inoyerera. 6Ɀino unofanira kutora shiri mhenyu, neɗanda romusidari, nomuceka mutȿuku, nehisopi, ndokuɀinyika pamŋe cete neshiri mhenyu muropa reshiri yakaʋurawa pamsoro pemvura inoyerera. 7Ɀino unofanira kurisasa kanomŋe pamsoro pomunhu unoɗa‐kunatswa pamaperembudzi ake, ndokureʋa kuti wakanaka; ipapo woregedza shiri mhenyu, iende hayo kusaŋgo. 8Ɀino munhu unoɗa‐kunatswa unofanira kusuka ŋguʋo dzake, nokuʋeʋura vudzi rake rose, ndokushamba mumvura, agoʋa wakanaka; pashure unofanira kupinda mukati memisasa, asi ŋgaagare kunze kwetente rake mazuʋa manomŋe. 9Nomusi wecinomŋe unofanira kuʋeʋura vudzi rake rose romusoro wake, nendebvu dzake, netsiye dzake, aʋeʋure vudzi rake rose; ɀino ŋgaasuke ŋguʋo dzake, ndokushamba muʋiri wake, agoʋa wakanaka. 10Nomusi worusere unofanira kutora makwaiana maʋiri amakondobge, asinemhoȿa, negwaiana rimŋe reshece rinegore rimŋe, risinemhoȿa, neɀegumi ɀitatu ɀeefa#14:10 Efa imŋe aneŋge magaroni mapfumbamŋe. yoʋupfu bgakatsetseka, ciʋe cipiriso coʋupfu, bgakakanyiwa namafuta, nerogi#14:10 Garoni rinamarogi masere. imŋe yamafuta. 11Ɀino muprista, unomunatsa, unofanira kuisa munhu unoɗa‐kunatswa pamberi paJehova, pamŋe cete neɀinhu iɀi, pamukoʋa wetente rokusoŋgana; 12muprista ndokutora rimŋe ramakwaiana amakondobge, ndokuriɓayira, ciʋe cipiriso cemhoȿa, nerogi yamafuta, agoɀizuŋguzira, ciʋe cipiriso cokuzuŋguzira pamberi paJehova; 13ɀino unofanira kuʋuraya gwaiana regondobge paʋanoʋurayira cipiriso ceɀiʋi necipiriso cinopiswa panɀimbo tȿene; nokuti cipiriso cemhoȿa ndecomuprista secipiriso ceɀiʋi; citȿene kwaɀo. 14Ipapo muprista unofanira kutora rimŋe ropa recipiriso cemhoȿa, muprista agoriisa pamuceto wenzeʋe yorudyi yomunhu unonatswa, napagunwe roruʋoko rwake rworudyi, napagunwe rorutsoka rwake rworudyi; 15ɀino muprista unofanira kutora mamŋe mafuta erogi, ndokuaɗira mucanza coruʋoko rwake rworuɓoshwe; 16ɀino muprista ŋgaanyike mutendeka wake worudyi mumafuta ari muruʋoko rwake rworuɓoshwe, asase mamŋe mafuta nomunwe wake kanomŋe pamberi paJehova; 17mamŋe mafuta akasara muruʋoko rwake muprista unofanira kuaisa pamuceto wenzeʋe yorudyi yomunhu unonatswa, napagunwe roruʋoko rwake rworudyi, napagunwe rorutsoka rwake rworudyi, pamsoro peropa recipiriso cemhoȿa; 18mamŋe mafuta akasara muruʋoko rwomuprista unofanira kuaisa pamusoro womunhu unonatswa; kuti muprista amuyananisire pamberi paJehova. 19Muprista unofanira kupisa cipiriso ceɀiʋi, kuti ayananisire munhu unonatswa, nokuɗa kwokusanaka kwake; pashure unofanira kuʋuraya cipiriso cinopiswa; 20muprista unofanira kupisa cipiriso cinopiswa, necipiriso coʋupfu pamsoro peartari, kuti muprista amuyananisire, anake.
21Kana ari murombo, asiŋgagoni kuwana ɀizhinji ɀakaɗai, unofanira kutora gwaiana rimŋe regondobge, ciʋe cipiriso cemhoȿa cokuzuŋguzira, kumuyananisira, necegumi ceefa yoʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa namafuta, ciʋe cipiriso coʋupfu, pamŋe cete nerogi yamafuta; 22nenjiʋa mbiri, notwana tuʋiri twenjiʋa, seɀaanogona kuwana; imŋe ciʋe cipiriso ceɀiʋi, imŋe ciʋe cipiriso cinopiswa; 23nomusi worusere unofanira kuʋuya naɀo kumuprista pamsoro pokunatswa kwake, kumukoʋa wetente rokusoŋgana pamberi paJehova. 24Ɀino muprista unofanira kutora gwaiana recipiriso cemhoȿa, nerogi yamafuta, muprista agoɀizuŋguzira, ciʋe cipiriso cinozuŋguzirwa pamberi paJehova; 25ɀino ŋgaaʋuraye gwaiana recipiriso cemhoȿa, agotora rimŋe ropa recipiriso cemhoȿa, ariise pamuceto wenzeʋe yomunhu unonatswa, napagunwe roruʋoko rworudyi, napagunwe rorutsoka rwake rworudyi; 26ɀino muprista ŋgaaɗire mamŋe mafuta mucanza coruʋoko rwake rworuɓoshwe; 27muprista agosasa nomutendeka wake worudyi mamŋe mafuta ari muruʋoko rwake rworuɓoshwe kanomŋe pamberi paJehova. 28Ɀino muprista ŋgaaise mamŋe mafuta ari muruʋoko rwake pamuceto wenzeʋe yorudyi yomunhu unonatswa, napagunwe roruʋoko rwake rworudyi, napagunwe rorutsoka rwake rworudyi, panɀimbo yeropa recipiriso cemhoȿa. 29Mamŋe mafuta akasara muruʋoko rwomuprista unofanira kuaisa pamusoro womunhu unonatswa, kuti amuyananisire pamberi paJehova. 30Ɀino unofanira kuɓayira njiʋa imŋe, kana kana kenjiʋa, seɀaanogona kuwana; 31seɀaanogona kuwana, imŋe ciʋe cipiriso ceɀiʋi, imŋe cipiriso cinopiswa, pamŋe cete necipiriso coʋupfu; kuti muprista ayananisire munhu unonatswa pamberi paJehova. 32Ndiwo murairo wehosha yamaperembudzi kumunhu usiŋgagoni kuwana ɀakakwanisira kunatswa kwake.
Maperembudzi padzimba.
33Ɀino Jehova wakataura naMosesi naAroni, akati: 34Kana maȿika kunyika yeKanani, iyo yandakupai, kuti iʋe yenyu, kana ndikaisa hosha yamaperembudzi muimba yenyika yenyu; 35muridzi weimba unofanira kuʋuya kuzoʋudza muprista, aciti: Ndinoʋona kuti imba yaŋgu ineŋge inehosha. 36Ipapo muprista unofanira kuraira kuti ʋaɓuɗise ɀose ɀiri mumba, iye muprista asina‐kupinda kundotarira hosha, kuti ɀose ɀiri mumba ɀirege kuȿiɓiswa; pashure muprista apinde kundotarira imba iyo. 37Ɀino ŋgaacerekedze hosha; kana akaʋona kuti hosha iri mumadziro eimba; inamaʋara akapinda, akaita samatema kana matȿuku, akaita saakapinda mukati mamadziro, 38muprista unofanira kuɓuɗa paimba, ndokuenda kumukoʋa weimba, ndokupfiga imba mazuʋa manomŋe; 39ɀino muprista unofanira kudzoka ɀe nezuʋa recinomŋe, kuti acerekedze; kana akaʋona kuti hosha yakapararira pamadziro eimba; 40muprista unofanira kuraira kuti ʋabvise mabge anehosha paari, ʋaakandire panɀimbo isina‐kunaka kunze kweguta; 41ipapo ŋgaaraire kuti imba iparwe mukati mayo kunhiʋi dzose, mavu aʋanopara agoɗururirwa kunze kweguta panɀimbo isina‐kunaka; 42ɀino mamŋe mabge atorwe, aiswe panɀimbo yamamŋe iwayo, iye atore rimŋe ivu aʋuwe imba naro. 43Kana hosha ikadzoka ɀe, ikaɓuɗa muimba iyo, mabge ambobviswa, imba yaparwa nokuʋuyiwa, 44muprista unofanira kupinda nokucerekedza; kana akaʋona kuti hosha yapararira mumba, ndiwo maperembudzi akaipa kwaɀo, yaʋa yakaipa. 45Ɀino unofanira kuputsa imba, namabge ayo, namatanda ayo, nevu rose reimba, ndokuɀitakurira kunze kweguta kunɀimbo isina‐kunaka. 46Ʋuye aninani unopinda mumba paŋguʋa yose yokupfigwa kwayo ucaʋa usina‐kunaka kuȿikira maɗeko. 47Munhu wakaʋata muimba iyo, unofanira kusuka ŋguʋo dzake. 48Kana muprista akapinda, akatarira, akaʋona kuti hosha haina‐kupararira mumba, kubva pakuʋuyiwa kweimba, muprista unofanira kureʋa kuti imba yakanaka, nokuti hosha yapora. 49Ɀino unofanira kutora shiri mbiri, neɗanda romusidari, nomuceka mutȿuku, nehisopi, kuti anatse imba; 50ipapo ŋgaaʋuraye shiri imŋe muhari yevu pamsoro pemvura inoyerera, 51ndokutora ɗanda romusidari, nehisopi, nomuceka mutȿuku, neshiri mhenyu, aɀinyike muropa reshiri yakaʋurawa ʋuye mumvura inoyerera, ndokusasa imba kanomŋe; 52unofanira kunatsa imba neropa reshiri nemvura inoyerera neshiri mhenyu, neɗanda romusidari, nehisopi nomuceka mutȿuku; 53asi shiri mhenyu unofanira kuiregedza, kuti iende hayo kunze kweguta kusaŋgo; saiɀoɀo unofanira kuyananisira imba iyo, kuti iʋe yakanaka.
54Ndiwo murairo wamarudzi ose amaperembudzi napakafunuka; 55nowamaperembudzi eŋguʋo, neeimba, 56nowapakaɀimba, nowapakafunuka, noweciʋara, 57kuziʋisa muprista kana cinhu cisina‐kunaka kana cakanaka. Ndiwo murairo wamaperembudzi.

Zvasarudzwa nguva ino

Revitiko 14: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda