Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Revitiko 15

15
Mirairo yaʋarume naʋakadzi ʋasina‐kunaka.
1Ɀino Jehova wakataura naMosesi naAroni, akati: 2Taurai naʋana ʋaIsraeri, muti kwaʋari: Kana murume aneɀimŋe ɀinoyerera, ɀinoɓuɗa pamuʋiri wake, ucaʋa usina‐kunaka nokuɗa kwokuyerera kwake. 3Ndiko kusanaka kwokuyerera kwake: Kana muʋiri wake uciɓuɗisa ɀinoyerera, kana muʋiri warega hawo kuɓuɗisa ɀinoyerera, ndiko kusanaka kwokuyerera kwake. 4Nhoʋo imŋe neimŋe yaanoʋata pamsoro payo icaʋa isina‐kunaka; necinhu cimŋe necimŋe caanogara cicaʋa cisina‐kunaka. 5Aninani unoɓata nhoʋo dzake, ŋgaasuke ŋguʋo dzake, aɀishambidze nemvura, aʋe usina‐kunaka kuȿikira maɗeko. 6Munhu unogara pacinhu cakagarwa naiye uneɀinoyerera, ŋgaasuke ŋguʋo dzake, aɀishambidze nemvura, aʋe usina‐kunaka kuȿikira maɗeko. 7Munhu unoɓata muʋiri waiye uneɀinoyerera, ŋgaasuke ŋguʋo dzake, aɀishambidze nemvura, aʋe usina‐kunaka kuȿikira maɗeko. 8Kana munhu uneɀinoyerera akapfira mumŋe wakanaka mate, iye ŋgaasuke ŋguʋo dzake, aɀishambidze nemvura, aʋe usina‐kunaka kuȿikira maɗeko. 9Cigaro cipi necipi cinogarwa nomunhu uneɀinoyerera cicaʋa cisina‐kunaka. 10Aninani unoɓata cinhu cakaŋga ciri pasi pake, ucaʋa usina‐kunaka kuȿikira maɗeko; kunyaŋge wakatakura ɀinhu iɀo ŋgaasuke ŋguʋo dzake, aɀishambidze nemvura, aʋe usina‐kunaka kuȿikira maɗeko. 11Aninani unoɓatwa nomunhu uneɀinoyerera, kana asina‐kumboshamba maʋoko ake nemvura, ŋgaasuke ŋguʋo dzake, aɀishambidze nemvura, aʋe usina‐kunaka kuȿikira maɗeko. 12Hari yevu inoɓatwa nomunhu uneɀinoyerera ŋgaiputswe; kana uri mudziyo wamatanda, mumŋe nomumŋe unofanira kusukurudzwa nemvura. 13Kanamunhu uneɀinoyerera akanatswa pakuyerera kwake, unofanira kuɀitarira mazuʋa manomŋe okuɀinatsa kwake, ɀino asuke ŋguʋo dzake, ndokushambidza muʋiri wake nemvura inoyerera, anake.
14Nomusi worusere unofanira kutora njiʋa mbiri kana twana tuʋiri twenjiʋa, aʋuye pamberi paJehova pamukoʋa wetente rokusoŋgana, ape muprista idzedzo; 15ɀino muprista unofanira kudziɓayira, imŋe ciʋe cipiriso ceɀiʋi, imŋe cipiriso cinopiswa; muprista amuyananisire pamberi paJehova pamsoro pokuyerera kwake.
16Kana mbeu yomurume upi noupi ikaɓuɗa kwaari, unofanira kushambidza muʋiri wake wose nemvura, agoʋa usina‐kunaka kuȿikira maɗeko. 17Ŋguʋo ipi neipi, neɗebge ripi neripi, ɀaɗonherwa nembeu, ɀinofanira kusukwa nemvura, ɀiʋe ɀisina‐kunaka kuȿikira maɗeko. 18Mukadzi ʋo wakaʋata nomurume nembeu, ʋose ʋari ʋaʋiri ʋanofanira kuɀishambidza nemvura, ʋaʋe ʋasina‐kunaka kuȿikira maɗeko.
19Kana mukadzi aneɀinoyerera, ɀinoyerera pamuʋiri wake riri ropa, ucaʋa pakusanaka kwake mazuʋa manomŋe; aninani unomuɓata ucaʋa usina‐kunaka kuȿikira maɗeko. 20Cinhu cipi necipi caanoʋata pamsoro paco pakusanaka kwake cicaʋa cisina‐kunaka, ʋuye cinhu cipi necipi caanogara cicaʋa cisina‐kunaka. 21Aninani unoɓata nhoʋo dzake unofanira kusuka ŋguʋo dzake, aɀishambidze nemvura, aʋe usina‐kunaka kuȿikira maɗeko. 22Aninani unoɓata cinhu cipi necipi caanogara, unofanira kusuka ŋguʋo dzake, aɀishambidze nemvura, aʋe usina‐kunaka kuȿikira maɗeko. 23Kana akaɓata cinhu ciri panhoʋo, kana cinhu cipi necipi caanogara, ucaʋa usina‐kunaka kuȿikira maɗeko. 24Ʋuye murume upi noupi kana akaʋata naye aciri pakusanaka kwake, ucaʋa usina‐kunaka mazuʋa manomŋe; nhoʋo dzose dzaanoʋata pamsoro padzo dzicaʋa dzisina‐kunaka.
25Kana mukadzi anokuyerera kweropa rake mazuʋa mazhinji paŋguʋa isati iri yokuʋa kwake kumŋedzi, ʋuye kana aneɀinoyerera kuɗarika ŋguʋa yokuʋa kwake kumŋedzi, mazuʋa ose okuyerera kwokusanaka kwake unofanira kuita seɀaanoita pamazuʋa okuʋa kwake kumŋedzi. Waʋa usina‐kunaka. 26Nhoʋo ipi neipi yaanoʋata pamsoro payo mazuʋa ose okuyerera kwake icaʋa kwaari senhoʋo yokuʋa kwake kumŋedzi; cinhu cipi necipi caanogara cicaʋa cisina‐kunaka, sapaŋguʋa yokusanaka kwokuʋa kwake kumŋedzi. 27Aninani unoɓata ɀinhu iɀo ucaʋa usina‐kunaka, ŋgaasuke ŋguʋo dzake, aɀishambidze nemvura, aʋe usina‐kunaka kuȿikira maɗeko. 28Asi kana anatswa pakuyerera kwake, unofanira kuɀitarira mazuʋa manomŋe; kana iwo apera ucaʋa wakanaka. 29Nomusi worusere unofanira kutora njiʋa mbiri, kana twana tuʋiri twenjiʋa, aʋuye nadzo kumuprista, kumukoʋa wetente rokusoŋgana. 30Ɀino muprista unofanira kuʋuraya imŋe, ciʋe cipiriso ceɀiʋi, imŋe ciʋe cipiriso cinopiswa; muprista amuyananisire pamberi paJehova pamsoro pokuyerera kwokusanaka kwake.
31Saiɀoɀo munofanira kuparadzanisa ʋana ʋaIsraeri pakusanaka kwaʋo, kuti ʋarege kufa pakusanaka kwaʋo, kana ʋaciȿiɓisa tabernakeri yaŋgu iri pakati paʋo.
32Ndiwo murairo womunhu uneɀinoyerera, nounoɓuɗisa mbeu yake, akazoʋa usina‐kunaka naɀo; 33nounorwara nokuʋa kwake kumŋedzi, nouneɀinoyerera, kana ari murume, kana ari mukadzi, nowounoʋata naiye usina‐kunaka.

Zvasarudzwa nguva ino

Revitiko 15: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda