Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Revitiko 16

16
Zuʋa guru rokuyananisira.
1Ɀino Jehova wakataura naMosesi, shure kwokufa kwaʋanakomana ʋaʋiri ʋaAroni, musi waʋakasweɗera pamberi paJehova, ʋakafa; 2Jehova akati kunaMosesi: Taura naAroni mukuru wako, kuti arege kupinda ŋguʋa dzose panɀimbo tȿene mukati mecidzitiro, pamberi pecifunhiro cokuyananisa, ciri pamsoro peareka, kuti arege kufa; nokuti ndicaɀiratidza mugore pamsoro pecifunhiro cokuyananisa. 3Ɀino Aroni ŋgaapinde munɀimbo tȿene neɀinhu iɀi: Nzombe ɗuku, ciʋe cipiriso ceɀiʋi, negondobge, ciʋe cipiriso cinopiswa. 4Unofanira kufuka jasi dɀene romuceka, aʋe ʋo namaburuku omuceka pamuʋiri wake, nokuɀisuŋga ciʋuno cake nebanhire romuceka, nokudzika ʋo ŋgoani yomuceka; ndidzo ŋguʋo tȿene; ŋgaashambidze muʋiri wake nemvura, agoɀifuka. 5Ɀino unofanira kutora kuʋuŋgano yaʋana ʋaIsraeri nhoŋgo mbiri dzembudzi, ciʋe cipiriso ceɀiʋi, negondobge rimŋe, ciʋe cipiriso cinopiswa. 6Aroni unofanira kuʋuya nenzombe yake ɗuku yecipiriso ceɀiʋi, kuti aɀiyananisire, iye naʋeimba yake. 7Ɀino ŋgaatore mbudzi mbiri, adziise pamberi paJehova pamukoʋa wetente rokusoŋgana; 8Aroni ɀino unofanira kukanda mijenya pamsoro pembudzi mbiri, mumŋe mujenya waJehova, mumŋe waAzazeri. 9Ɀino Aroni unofanira kuʋuya nembudzi yakaɓatwa nomujenya pamberi paJehova, ndokuiɓayira ciʋe cipiriso ceɀiʋi. 10Asi mbudzi yakaɓatwa nomujenya waAzazeri, inofanira kuiswa iri mhenyu pamberi paJehova kuti ayananisire pamsoro payo, igoregedzwa iende kurenje, iʋe yaAzazeri. 11Ɀino Aroni unofanira kuʋuya nenzombe ɗuku yake yecipiriso ceɀiʋi, kuti aɀiyananisire nayo, iye naʋeimba yake, aʋuraye nzombe yake yecipiriso ceɀiʋi; 12ipapo ŋgaatore haryana yeɀinonhuwira, izere namazimbe omŋoto uri paartari pamberi paJehova, namaʋoko ake azere neɀinonhuwira ɀakanaka ɀakakuyiwa, aʋuye naɀo mukati mecidzitiro; 13ɀino ŋgaaise ɀinonhuwira pamsoro pomŋoto pamberi paJehova, kuti gore roʋutsi bgeɀinonhuwira rifukidze cifunhiro cokuyananisa ciri pamsoro pecipupuriro, kuti arege kufa; 14ɀino ŋgaatore rimŋe ropa renzombe, arisase nomunwe wake pamsoro pecifunhiro cokuyananisa, kurutiʋi rwamabvazuʋa, nerimŋe ropa arisase nomunwe wake kanomŋe pamberi pecifunhiro cokuyananisa. 15Ipapo unofanira kuʋuraya mbudzi yecipiriso ceɀiʋi caʋanhu, ndokuʋuya neropa rayo mukati mecidzitiro, agoita neropa rayo seɀaakaita neropa renzombe, arisase pamsoro pecifunhiro cokuyananisa; 16unofanira kuyananisira ʋo nɀimbo tȿene nokuɗa kwokusanaka kwaʋana ʋaIsraeri, ʋuye nokuɗa kwokuɗarika kwaʋo neɀiʋi ɀaʋo ɀose; saiɀoɀo unofanira kuitira ʋo tente rokusoŋgana rinogara naʋo pakati pokusanaka kwaʋo. 17Ŋgakurege kuʋa nomunhu mutente rokusoŋgana, kana iye acipinda’mo kundoyananisira panɀimbo tȿene kuȿikira aɓuɗa, apedza kuɀiyananisira iye naʋeimba yake, neʋuŋgano yose yaʋaIsraeri. 18Ipapo unofanira kuɓuɗa kuartari iri pamberi paJehova, agondoiyananisira; ŋgaatore rimŋe ropa renzombe, nerimŋe ropa rembudzi, ariise panyaŋga dzeartari panhiʋi dzose. 19Rimŋe ropa ŋgaarisase kanomŋe pamsoro payo nomunwe wake, kuti ainatse nokuiita tȿene pakusanaka kwaʋana ʋaIsraeri. 20Kana apedza kuyananisira nɀimbo tȿene netente rokusoŋgana, neartari, ŋgaaʋuye nembudzi mhenyu, 21Aroni agoisa maʋoko ake ose pamusoro wembudzi mhenyu, ndokureʋurura pamsoro payo ɀakaipa ɀose ɀaʋana ʋaIsraeri nokuɗarika kwaʋo kwose, iɀo ɀiʋi ɀaʋo ɀose; ŋgaaɀiise pamusoro wembudzi, ndokuiregedza, itumŋe kurenje nomunhu wakaŋga arairwa. 22Mbudzi iyo inofanira kutakurira ɀakaipa ɀaʋo ɀose kunyika isinaʋanhu; unofanira kuregedza mbudzi iyo murenje. 23Ɀino Aroni unofanira kupinda mutente rokusoŋgana, unofanira kubvisa ŋguʋo dzake dzomuceka, idzo dzaakaŋga akafuka pakupinda kwake panɀimbo tȿene, agodzisiya’po. 24Unofanira kushambidza muʋiri wake nemvura munɀimbo tȿene, ndokufuka ŋguʋo dzake ndokuɓuɗa, agoɓayira cipiriso cake cinopiswa necipiriso cinopiswa caʋanhu, kuti aɀiyananisire iye naʋanhu. 25Ɀino ŋgaapise mafuta ecipiriso ceɀiʋi pamsoro peartari. 26Uya munhu unondoregedza mbudzi yaAzazeri unofanira kusuka ŋguʋo dzake, nokushambidza muʋiri wake nemvura, agozopinda mumisasa pashure. 27Asi nzombe yecipiriso ceɀiʋi, nembudzi yecipiriso ceɀiʋi ɀakaisirwa ropa raɀo panɀimbo tȿene kuti ɀiyananisire, ɀinofanira kutakurirwa kunze kwemisasa; ɀino ʋanofanira kupisa matebge aɀo nenyama yaɀo namaɀiɀi aɀo nomŋoto. 28Nomunhu unoɀipisa unofanira kusuka ŋguʋo dzake, nokushambidza muʋiri wake nemvura, agozopinda mumisasa pashure.
29Unofanira kuʋa murairo usiŋgaperi kwamuri: Nomŋedzi wecinomŋe, nezuʋa regumi romŋedzi, munofanira kucema pamŋeya yenyu, nokusaɓata maɓasa ose, kana ari munhu wakaɓerekerwa pakati penyu, kana ari mutorwa ugere pakati penyu; 30nokuti munofanira kuyananisirwa nezuʋa iro, kuti munatswe; munofanira kunatswa paɀiʋi ɀenyu ɀose pamberi paJehova. 31Rinofanira kuʋa saɓata rokuzorora kwaɀo kwamuri, munofanira kucema pamŋeya yenyu; murairo usiŋgaperi. 32Muprista ucazozodzwa nokugadzwa paʋuprista panɀimbo yaɓaɓa ʋake, iye unofanira kuyananisira nokufuka ŋguʋo dzomuceka, idzo ŋguʋo tȿene; 33unofanira kuyananisira nɀimbo tȿene, ʋuye unofanira kuyananisira tente rokusoŋgana neartari; ʋuye unofanira kuyananisira ʋaprista naʋanhu ʋose ʋeʋuŋgano. 34Uyu unofanira kuʋa murairo usiŋgaperi kwamuri, kuyananisira ʋana ʋaIsraeri kamŋe cete pagore pamsoro peɀiʋi ɀaʋo. Akaita seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova.

Zvasarudzwa nguva ino

Revitiko 16: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda