Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Revitiko 17

17
Kwaʋanofanira kuɓayira.
1Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: 2Taura naAroni naʋanakomana ʋake naʋana ʋaIsraeri ʋose, uti kwaʋari: Ndiro shoko rakarairwa naJehova: 3Munhu upi noupi kunaʋeimba yaIsraeri unoʋuraya nzombe, kana gwaiana, kana mbudzi, mukati memisasa, kana unoɀiʋuraya kunze kwemisasa, 4asina‐kuɀiisa pamukoʋa wetente rokusoŋgana, kuɀiisa pamberi petabernakeri yaJehova kuti ciʋe cipo kunaJehova, munhu uyu unofanira kubviswa pakati porudzi rwake; 5kuti ʋana ʋaIsraeri ʋaʋuye neɀiɓayiro ɀaʋo ɀaʋanoɓayira kusaŋgo, ʋaʋuye naɀo kunaJehova kumukoʋa wetente rokusoŋgana kumuprista, kuti ʋaɀiɓayire Jehova, ɀiʋe ɀiɓayiro ɀeɀipiriso ɀokuyananisira. 6Ɀino muprista ŋgaasase ropa raɀo paartari yaJehova, pamukoʋa wetente rokusoŋgana; apise ʋo mafuta, kuti ɀinhuwire ɀakanaka pamberi paJehova. 7Haʋafaniri kuzoɓayira nhoŋgo ɀiɓayiro ɀaʋo, idzo dzaʋaiteʋera pakupata kwaʋo. Uyo unofanira kuʋa murairo usiŋgaperi kwaʋari kuȿikira kumarudzi aʋo ose.
8Iwe unofanira kuti kwaʋari: Munhu upi noupi waʋeimba yaIsraeri, kana waʋatorwa ʋagere pakati paʋo, unopisira cipiriso cinopiswa kana cimŋe ciɓayiro, 9asiŋgaʋuyi naco kumukoʋa wetente rokusoŋgana, kuti aciɓayire Jehova, munhu uyo unofanira kubviswa pakati porudzi rwake.
Ropa harifaniri kudyiwa.
10Munhu upi noupi waʋeimba yaIsraeri, kana waʋatorwa ʋagere pakati paʋo, unodya ropa ripi neripi, ndicatoŋga munhu uyo unodya ropa, ndimubvise pakati porudzi rwake. 11Nokuti ʋupenyu bgenyama bguri muropa; ndakakupai iro paartari, kuti riyananisire mŋeya yenyu; nokuti iropa rinoyananisira nokuɗa kwoʋupenyu bguri’mo. 12Naiɀoɀo ndakati kuʋana ʋaIsraeri: Kurege kuʋa nomumŋe wenyu ucadya ropa, kana mutorwa upi noupi ugere pakati penyu, ŋgaarege kudya ropa.
13Munhu upi noupi kuʋana ʋaIsraeri, kana kuʋatorwa ʋagere pakati paʋo, wakaɓata pakuvima kwake mhuka ipi neipi kana shiri inodyiwa, unofanira kuɗurura ropa rayo, ndokurifukidza neguruʋa. 14Nokuti kana bguri ʋupenyu bgenyama yose, ropa raɀo ndibgo ʋupenyu bgaɀo, naiɀoɀo ndakati kuʋana ʋaIsraeri: Regai kudya ropa raɀo; aninani unoridya unofanira kubviswa. 15Munhu upi noupi unodya cinhu cakaŋgofa coga, kana cakaʋurawa neɀikara, kana ari munhu wakaɓerekerwa pakati penyu, kana ari mutorwa, unofanira kusuka ŋguʋo dzake, nokuɀishambidza nemvura, aʋe usina‐kunaka kuȿikira maɗeko; ipapo ucazoʋa wakanaka. 16Asi kana asiŋgadzisuki, kana kushambidza muʋiri wake, ucafanira kuʋa nemhoȿa yake.

Zvasarudzwa nguva ino

Revitiko 17: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda