Revitiko 18
18
Mimŋe mirairo pamsoro peɀinhu ɀisiŋgatenderwi.
1Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: 2Taura naʋana ʋaIsraeri, uti kwaʋari: Ndini Jehova, Mŋari wenyu. 3Regai kuita seɀakaŋga ɀiciitwa panyika yeEgipita mamakaŋga mugere, ʋuye regai kuita seɀinoitwa panyika yeKanani, kwandicazokuisai; musafamba netsika dzaʋo. 4Itai ɀandakatoŋga ini, ceŋgetai ɀireʋo ɀaŋgu, kuti mufambe maɀiri; ndini Jehova, Mŋari wenyu. 5Naiɀoɀo ceŋgetai ɀireʋo ɀaŋgu, neɀandakatoŋga; kana munhu akaɀiita ucararama naɀo; ndini Jehova.
6Ŋgakurege kuʋa nomunhu unosweɗera kuhama yake yomumba, kuti amufukure, ndini Jehova. 7Usafukura ɓaɓa ʋako, namai ʋako; ndimai ʋako, usaʋafukura. 8Usafukura mukadzi waɓaɓa ʋako; ndiko kufukura ɓaɓa ʋako. 9Usafukura hanɀadzi yako, mŋanasikana waɓaɓa ʋako, kana mŋanasikana wamai ʋako, kana ʋakaɓerekerwa mumusha, kana ʋakaɓerekerwa kumŋe. 10Usafukura mŋanasikana womŋanakomana wako, kana mŋanasikana womŋanasikana wako; nokuti kufukurwa kwaʋo ndiko kwako. 11Usafukura mŋanasikana womukadzi waɓaɓa ʋako, wakaɓerekwa naɓaɓa ʋako, ihanɀadzi yako. 12Usafukura ʋatete ʋako; ihama yomumba maɓaɓa ʋako. 13Usafukura mainini ʋako, nokuti ihama yomumba mamai ʋako. 14Usafukura ɓaɓamunini ʋako, usasweɗera kumukadzi wake, ndimainini ʋako. 15Usafukura mukadzi womŋanakomana wako, ndimukadzi womŋanakomana wako; usamufukura. 16Usafukura mukadzi womunuŋuna wako, ndiko kufukurwa kwomŋanakomana wako. 17Usafukura mukadzi pamŋe cete nomŋanasikana wake; usatora mŋanasikana womŋanakomana wake, kana mŋanasikana womŋanasikana wake, kuti umufukure; ihama dzomumba; ɀakashata. 18Usatora mukadzi pamŋe cete nomunuŋuna wake, arwidzane naye, kuti umufukure pamŋe cete nomumŋe aciri mupenyu. 19Usasweɗera kumukadzi kuti umufukure, acakaipa nokuʋa kumŋedzi kwake. 20Usaʋata nomukadzi wowokwako, kuti uɀiȿiɓise naye. 21Usapa mumŋe waʋana ʋako kuti apinde mumŋoto kunaMoreki, ʋuye usamhura zita raMŋari wako; ndini Jehova. 22Usaʋata nomurume seɀinoʋatwa nomukadzi; ɀinonyaŋgadza. 23Usaʋata necipfuʋo cipi necipi kuti uɀiȿiɓise naco; nomukadzi ŋgaarege kumira pamberi pecipfuwo kuti akwirwe naco; ɀinonyaŋgadza kwaɀo.
24Regai kuɀiȿiɓisa kunecinhu cimŋe caiɀoɀi; nokuti ʋahedeni ʋakaȿiɓiswa neɀinhu iɀi ɀose, iʋo ʋandakadziŋga pamberi penyu; 25nenyika yakaȿiɓiswa; naiɀoɀo ndinoiroʋa pamsoro peɀakaipa ɀayo, nyika irutse ʋanhu ʋagere’mo. 26Naiɀoɀo imi ceŋgetai mitemo yaŋgu neɀandakatoŋga, kuti murege kuita cinhu cimŋe caiɀoɀo ɀinonyaŋgadza; kana ari wakaɓerekerwa munyika yenyu, kana ari mutorwa ugere pakati penyu. 27(Nokuti ʋanhu ʋenyika ino, ʋakakutaŋgirai, ʋakaita ɀinhu iɀi ɀose ɀinonyaŋgadza, nyika ikaȿiɓiswa;) 28kuti nyika irege kukurutsai ʋo, kana muciiȿiɓisa, seɀayakarutsa ʋanhu ʋakakutaŋgirai. 29Nokuti aninani unoita cinhu cimŋe caiɀoɀi ɀinonyaŋgadza, ʋanhu ʋanoɀiita ʋacabviswa pakati porudzi rwaʋo. 30Naiɀoɀo ceŋgetai ɀandakakurairai, kuti murege kuita tsika idzo dzose dzinonyaŋgadza, dzaiitwa musati maʋa’po, kuti murege kuɀiȿiɓisa naɀo; ndini Jehova Mŋari wenyu.
Zvasarudzwa nguva ino
Revitiko 18: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018