Revitiko 19
19
1Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: 2Taura neʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri, uti kwaʋari: Iʋai ʋatȿene, nokuti ini Jehova Mŋari wenyu ndiri mutȿene. 3Mumŋe nomumŋe wenyu unofanira kutya mai ʋake naɓaɓa ʋake, ʋuye munofanira kuceŋgeta masaɓata aŋgu; ndini Jehova Mŋari wenyu. 4Musaʋa nehanya neɀifananidzo, kana kuɀiitira ʋamŋari ʋakaʋumbga; ndini Jehova Mŋari wenyu. 5Kana mucipa Jehova ciɓayiro ceɀipiriso ɀokuyananisa, munofanira kucipa kuti mugamucirwe. 6Cinofanira kudyiwa nomusi wamunocipa nawo, ʋuye nomusi unoteʋera; kana ɀimŋe ɀikasara kuȿikira pazuʋa retatu, ɀinofanira kupiswa nomŋoto. 7Kana cikatoŋgodyiwa nezuʋa retatu, ɀinonyaŋgadza; hacigamucirwi. 8Asi mumŋe nomumŋe unocidya, ucaʋa nemhoȿa, nokuti wamhura cinhu citȿene caJehova; munhu uyu unofanira kubviswa pakati porudzi rwake.
9Kana mucikohwa gohwa reminda yenyu, rega kukohwa miceto yomunda wako, ʋuye usaʋuŋganidza ɀawira pasi pakukohwa kwako. 10Usakohwa ɀose pamunda wako wemizambiriŋga, ʋuye usaʋuŋganidza micero yawira pasi yomunda wako wemizambiriŋga; unofanira kuɀisiyira ʋarombo naʋaeni; ndini Jehova Mŋari wenyu. 11Musaɓa; musanyeŋgera, musareʋerana nhema. 12Musapika nhema nezita raŋgu, kuti usamhura zita raMŋari wako; ndini Jehova. 13Usamanikidza wokwako, kana kumutorera; haufaniri kugara ʋusiku bgose kuȿikira maŋgwana nomuɓayiro womuranda unokuɓatira. 14Usatuka matsi, kana kupiŋganidza ɓofu; asi unofanira kutya Mŋari wako; ndini Jehova. 15Musaita ɀisakarurama pakutoŋga; usatsaura murombo, kana kukudza unesimba; asi unofanira kutoŋga wokwako nokururama. 16Usafamba‐famba pakati paʋanhu ʋokwako, uciʋacera; usapupurira ropa rowokwako; ndini Jehova. 17Usaʋeŋga hama yako mumŋoyo mako; unofanira kuraira wokwako kwaɀo, kuti urege kuʋa neɀiʋi nokuɗa kwake. 18Usatsiʋa, kana kugara wakatsamŋira ʋana ʋaʋanhu ʋokwako, asi unofanira kuɗa wokwako seɀaunoɀiɗa iwe; ndini Jehova. 19Ceŋgetai mitemo yaŋgu. Usaɓerekesa ɀipfuwo ɀako norumŋe rudzi; usadɀara mbeu dzamarudzi maʋiri mumunda mako; usafuka ŋguʋo yakarukwa neɀinhu ɀamarudzi maʋiri. 20Aninani unoʋata nomukadzi ari murandakadzi, wakanyeŋgwa nomurume, asina‐kudzikinurwa kwaɀo, kana kusunuŋgurwa, ʋanofanira kurobga; asi haʋafaniri kuʋurawa, nokuti wakaŋga asina‐kusunuŋgurwa. 21Ŋgaaʋuye necipiriso cemhoȿa kunaJehova pamukoʋa wetente rokusoŋgana, riʋe gondobge recipiriso cemhoȿa. 22Ɀino muprista unofanira kumuyananisira negondobge recipiriso cemhoȿa pamberi paJehova pamsoro peɀiʋi ɀake ɀaakatadza; ipapo ucakaŋganwirwa ɀiʋi ɀake ɀaakatadza. 23Kana muciȿika munyika, mukasima miti yamarudzi ose anodyiwa, munofanira kuti micero yayo yakaita seisina‐kudziŋgiswa; makore matatu icaʋa kwamuri seisina‐kudziŋgiswa; haifaniri kudyiwa. 24Asi negore recinna micero yayo yose icaʋa mitȿene, kuti murumbidze Jehova naɀo. 25Negore recishanu muŋgadya micero yayo, kuti irambe icimuɓerekera micero yayo; ndini Jehova Mŋari wenyu. 26Musadya cinhu cineropa raco; musaita mazaŋgo, kana kutenda mashura. 27Musaʋeʋura misoro yenyu muciita matendeʋure, ʋuye musashatsa nhiʋi dzendebvu dzenyu. 28Musaɀiceka miʋiri yenyu nokuɗa kwaʋakafa, kana kuɀitema nyora; ndini Jehova. 29Usaisa mŋanasikana wako, ucimuita cifeʋe; kuti nyika irege kupata, nyika izare neɀakaipa. 30Ceŋgetai masaɓata aŋgu, nokutya imba yaŋgu tȿene; ndini Jehova. 31Musaʋa nehanya namaȿikiro, kana naʋaʋuki; musaʋatȿaka, kuti muȿiɓiswe naʋo; ndini Jehova Mŋari wenyu. 32Unofanira kusimukira wacena vudzi, nokukudza mutana, ʋuye utye Mŋari wako; ndini Jehova. 33Kana mutorwa agere newe panyika yenyu, usamuitira ɀakaipa. 34Mutorwa ugere nemi ŋgaaʋe kwamuri somunhu wakaɓerekerwa pakati penyu, unofanira kumuɗa seɀaunoɀiɗa iwe, nokuti nemi ʋo makaŋga muri ʋatorwa munyika yeEgipita; ndini Jehova Mŋari wenyu. 35Musaita ɀisina‐kururama pakutoŋga, kana pakuyera necitanda, kana pakuyera kurema, kana paciyero. 36Iʋai neɀiyero ɀakarurama, neɀokuenzanisa naɀo ɀakarurama, neefa yakarurama, nehini yakarurama; ndini Jehova Mŋari wenyu, wakakuɓuɗisai munyika yeEgipita. 37Ceŋgetai mitemo yaŋgu yose, neɀandakatoŋga ɀose, kuti muɀiite; ndini Jehova.
Zvasarudzwa nguva ino
Revitiko 19: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018