Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Revitiko 13

13
Mirairo yamaperembudzi paʋanhu napaŋguʋo.
1Ɀino Jehova wakataura naMosesi naAroni, akati: 2Kana munhu anapakaɀimba kana panofunuka, kana ciʋara paganda romuʋiri wake, pakaita sehosha yamaperembudzi paganda romuʋiri wake, unofanira kuiswa kunaAroni muprista, kana kunomumŋe waʋanakomana ʋake ʋaprista; 3muprista ɀino unofanira kucerekedza hosha iri paganda romuʋiri wake; kana mvere dziri panehosha dzakashanduka dzikaʋa cena, hosha ikaʋonekwa kuti yakapinda kwaɀo mukati meganda romuʋiri wake, ihosha yamaperembudzi; muprista ŋgaamucerekedze, agoreʋa kuti haana‐kunaka. 4Kana ciʋara ciri cicena paganda romuʋiri wake, cikaʋonekwa kuti hacina‐kupinda mukati meganda kwaɀo, mvere dzisina‐kushanduka, dzikaʋa cena, muprista unofanira kupfigira munhu uyo unehosha mazuʋa manomŋe; 5nomusi wecinomŋe muprista unofanira kumucerekedza; kana akaʋona kuti hosha yakaita seyamira, kuti hosha haina‐kunyeŋga paganda, ɀino muprista unofanira kumupfigira mamŋe mazuʋa manomŋe ɀe; 6ɀino muprista unofanira kumucerekedza nezuʋa recinomŋe; kana akaʋona kuti hosha yaita nani, kuti hosha haina‐kunyeŋga paganda, ɀino muprista ucareʋa kuti munhu wakanaka hake; pakaŋga pakafunuka hapo; ipapo unofanira kusuka ŋguʋo dzake agoʋa wakanaka. 7Asi kana pakafunuka paciramba pacinyeŋga paganda, amboɀiratidza kumuprista kuti anzi wakanaka, ipapo unofanira kuɀiratidza ɀe kumuprista; 8ɀino muprista unofanira kucerekedza; kana akaʋona kuti pakafunuka panyeŋga paganda, ipapo muprista unofanira kureʋa kuti haana‐kunaka, maperembudzi.
9Kana hosha yamaperembudzi iri pamunhu, unofanira kuiswa kumuprista; 10ɀino muprista unofanira kucerekedza; kana akaʋona kuti panapakaɀimba pacena paganda, mvere dzikashanduka, dzikaita cena, pakaɀimba pakaʋa nenyama yakatȿuka, 11ndiwo maperembudzi aŋguʋa aʋa’po paganda romuʋiri wake, ɀino muprista ŋgaarege kumupfigira, nokuti haana‐kunaka, ŋgaareʋe kuti haana‐kunaka. 12Kana maperembudzi akaɓuɗa pose‐pose paganda, maperembudzi akafukidza ganda rose romunhu unehosha, kubva pamusoro wake kuȿikira kutsoka dzake, pose panoʋonekwa nomuprista; 13ɀino muprista unofanira kutarira; kana akaʋona kuti maperembudzi akazadza muʋiri wake wose, unofanira kureʋa kuti munhu unehosha wakanaka, ɀose ɀashanduka ɀacena, wakanaka hake. 14Asi kana nyama yakatȿuka ikaʋonekwa kwaari, ucaʋa usina‐kunaka; 15Kana muprista akaʋona nyama yakatȿuka, unofanira kureʋa kuti haana‐kunaka; nyama yakatȿuka haina‐kunaka, maperembudzi. 16Kana nyama yakatȿuka ikashanduka ɀe, ikaita cena, unofanira kuʋuya kumuprista. 17Ipapo muprista unofanira kumucerekedza; kana akaʋona kuti hosha yashanduka, ikaita cena, muprista unofanira kureʋa kuti unehosha yakanaka, wakanaka hake.
18Ɀino kana nyama inemota paganda, pakapora, 19panɀimbo yemota pakaʋuya pakaɀimba pakacena, kana ciʋara cakaita secitȿuku, ɀinofanira kuratidzwa muprista; 20ɀino muprista unofanira kucerekedza; kana akaʋona kuti pakadzika pasi peganda, mvere dza’po dzikashanduka dzikaita cena, muprista unofanira kureʋa kuti haana‐kunaka; ihosha yamaperembudzi yaɓuɗa napamota. 21Asi kana muprista akapacerekedza, akaʋona kuti hakunemvere cena ipapo, pasina‐kudzika pasi peganda, asi paʋa nani; muprista unofanira kumupfigira mazuʋa manomŋe. 22Kana pakanyeŋga pose paganda, muprista unofanira kureʋa kuti haana‐kunaka; ihosha. 23Asi kana ciʋara cikarambira panɀimbo yaco, cikasanyeŋga, iʋaŋga haro remota; muprista unofanira kuti wakanaka.
24Kana nyama yomunhu inapakatȿa paganda rake, nyama yakatȿuka ya’po ikaita ciʋara cicena cakaita secitȿuku kana cicena, 25muprista unofanira kupacerekedza; kana akaʋona kuti mvere dzapaciʋara dzashanduka, dzikaita cena, akaʋona kuti pakaita sapakadzika paganda, aʋa maperembudzi akaɓuɗa napakatȿa; muprista unofanira kureʋa kuti haana‐kunaka; ihosha yamaperembudzi. 26Asi kana muprista akapacerekedza, akaʋona kuti hapanemvere cena paciʋara, ʋuye kuti hapanakudzika pasi peganda, asi paʋa nan hapo, muprista unofanira kumupfigira mazuʋa manomŋe. 27Ɀino muprista unofanira kumucerekedza nezuʋa recinomŋe; kana pakaramba pacinyeŋga paganda, muprista unofanira kureʋa kuti haana‐kunaka; ihosha yamaperembudzi. 28Kana ciʋara cikaramba ciri panɀimbo yaco, cikasanyeŋga paganda, asi caʋa nani, ndiko kuɀimba kwokutȿa hako, muprista unofanira kureʋa kuti wakanaka hake, nokuti ciʋara cokutȿa.
29Kana murume kana mukadzi anehosha pamusoro kana pandebvu, 30muprista unofanira kucerekedza hosha; kana akaʋona kuti yakapinda mukati, pasi peganda, mvere dziri’po dziri tȿuku dzakaita secena, dziri nhete, muprista unofanira kureʋa kuti haana‐kunaka; pafunuka, ndiwo maperembudzi omusoro kana endebvu. 31Kana muprista akacerekedza hosha yakafunuka, akaʋona kuti haina‐kupinda mukati pasi peganda, pasinemvere nhema ipapo, muprista unofanira kupfigira munhu unehosha yokufunuka mazuʋa manomŋe. 32Nomusi wecinomŋe muprista unofanira kucerekedza hosha; kana akaʋona kuti pakafunuka hapana‐kunyeŋga, pasinemvere tȿuku, dzakaita secena, akaʋona kuti haina‐kupinda mukati pasi peganda, 33unofanira kuʋeʋurwa, asi ŋgaarege kuʋeʋura pakafunuka; ɀino muprista unofanira kupfigira munhu unapakafunuka mamŋe mazuʋa manomŋe ɀe; 34nomusi wecinomŋe muprista unofanira kucerekedza pakafunuka; kana akaʋona kuti pakafunuka hapana‐kunyeŋga paganda, ʋuye kuti hapana‐kupinda mukati pasi peganda, muprista unofanira kureʋa kuti wakanaka hake; ɀino iye ŋgaasuke ŋguʋo dzake, anake. 35Asi kana pakafunuka pakanyeŋga pose paganda shure kwokunatswa kwake; 36muprista unofanira kumucerekedza; kana akaʋona kuti pakafunuka panyeŋga paganda, ŋgaarege hake kutȿaka mvere tȿuku dzakaita secena; haana‐kunaka. 37Asi kana iye akaʋona kuti pakafunuka paita sapamira, nemvere nhema dzaɓuɗa’po, pakafunuka papora hapo, wanaka; muprista unofanira kureʋa kuti wakanaka hake.
38Kana murume kana mukadzi ʋaneɀiʋara paganda renyama yaʋo, ɀiri ɀiʋara ɀicena; 39muprista unofanira kuɀicerekedza; kana akaʋona kuti ɀiʋara paganda renyama ɀiri ɀicena, ɀisiŋgabginyi, imhizi dzakaɓuɗa paganda, ʋakanaka haʋo.
40Kana vudzi romunhu rakabva pamusoro wake, waʋa nemhazha; asi wakanaka hake. 41Kana vudzi rake rakabva pamusoro wake necemberi, unemhazha pahuma, asi wakanaka hake. 42Asi kana pamhazha, kana pamhazha yapahuma, panehosha cena yakaita setȿuku, maperembudzi anoɓuɗa pamhazha, kana pamhazha yapahuma. 43Ɀino muprista unofanira kumucerekedza; kana akaʋona kuti pakaɀimba pehosha pacena pakaita sapatȿuku pamhazha yake, kana pamhazha yake yapahuma, pakafanana namaperembudzi paganda renyama, 44munhu uyo unamaperembudzi, haana‐kunaka; muprista unofanira kureʋa kwaɀo kuti haana‐kunaka; hosha yake iri pamusoro wake.
45Ɀino munhu unamaperembudzi, unehosha iyo, ŋguʋo dzake dzinofanira kubvarurwa, nevudzi romusoro wake rinofanira kusunuŋgurwa, ʋuye unofanira kufukidza muromo wake wokumsoro, agoɗanidzira, aciti: Ndakaipa, ndakaipa! 46Mazuʋa ose aanehosha iyo, ucaʋa usina‐kunaka; haana‐kunaka; ŋgaagare ari oga; pokugara kwake panofanira kuʋa kunze kwemisasa.
47Ŋguʋo ʋo inehosha yamaperembudzi, kana iri ŋguʋo yamakushe amakwai, kana iri ŋguʋo yomuceka; 48kana iri yakarukwa, kana yakakoshwa; kana yomuceka, kana yamakushe amakwai; kana yeɗebge, kana cinhu cakaitwa neɗebge; 49kana hosha yakaita senhema, kana tȿuku paŋguʋo, kana paɗebge, kana paneɀakarukwa, kana paneɀakakoshwa, kana pacinhu cipi necipi ceɗebge; ihosha yamaperembudzi inofanira kuratidzwa muprista; 50ɀino muprista unofanira kucerekedza hosha iyo, agopfigira cinhu cinehosha mazuʋa manomŋe; 51ɀino unofanira kucerekedza hosha nezuʋa recinomŋe; kana hosha yakanyeŋga paŋguʋo, kana iri yakarukwa, kana yakakoshwa, kana yeɗebge, rineɓasa ripi neripi; hosha iyo ndeyamaperembudzi akaipa kwaɀo; haina‐kunaka. 52Ɀino unofanira kupisa ŋguʋo, kana iri yakarukwa, kana yakakoshwa, kana yamakushe amakwai, kana yomuceka, kana ipi neipi yeɗebge, inehosha iyo; nokuti maperembudzi akaipa kwaɀo; inofanira kupiswa nomŋoto. 53Kana muprista akatarira, akaʋona kuti hosha haina‐kunyeŋga paŋguʋo, kana pakarukwa, kana pakakoshwa, kana pacinhu cipi necipi ceɗebge; 54muprista unofanira kuraira kuti ʋasuke cinhu cinehosha, ɀino acipfigire mamŋe mazuʋa manomŋe ɀe; 55muprista agocerekedza ɀe kana hosha yasukwa; kana akaʋona kuti hosha haina‐kushanduka ruʋara rwayo, ʋuye kuti hosha haina‐kunyeŋga, hacina‐kunaka; unofanira kucipisa nomŋoto; yapinda mukati kwaɀo, kana necapamsoro kana necapanyasi. 56Kana muprista akacerekedza, akaʋona kuti hosha yaʋa nani pakusukwa kwayo, unofanira kubvarura ŋguʋo kupabvisa’po, kana paɗebge, kana pakarukwa, kana pakakoshwa; 57asi kana ikaramba iciʋonekwa paŋguʋo, kana pakarukwa, kana pakakoshwa, kana pacinhu cipi necipi ceɗebge, ihosha inoɓuɗa; unofanira kupisa cinhu ico cinehosha nomŋoto; 58asi ŋguʋo yaunosuka, kana pakarukwa, kana pakakoshwa, kana ciri cinhu cipi necipi ceɗebge, kana hosha ikabva kwaciri, cinofanira kusukwa rwecipiri, cigoʋa cakanaka. 59Ndiwo murairo wehosha yamaperembudzi paŋguʋo yamakushe amakwai, kana yomuceka, kana cinhu cipi necipi ceɗebge, kuti cigonzi cakanaka, kana hacina‐kunaka.

Zvasarudzwa nguva ino

Revitiko 13: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda