Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mupiro 14:1-20

Mupiro 14:1-20 SCLBD

Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Uyu ndiwo murao wemunhu ane chirwere chamapere pazuva raanochenurwa, ngaaunzwe kumupristi. Mupristi ngaaende naye kunze kwematendhe amuongorore kana chirwere chamapere chiya chapora, mupristi ngaati paunzwe shiri mbiri dzisina kun'ora nechimuti chomusidhari netambo tsvuku nekabazi komuhisopi. Mupristi ngaati shiri imwe iurayirwe nechapamusoro pehari yevhu ine mvura yakanaka yakachena. Ngaatore shiri mhenyu pamwechete nechimuti chomusidhari netambo tsvuku nekabazi komuhisopi azvinyike pamwechete muropa reshiri iya yaurayirwa pamusoro pehari yevhu ine mvura yakanaka yakachena. Mupristi ngaasase ropa iroro kanomwe pamunhu uya anenge achenurwa pachirwere chamapere. Mupristi ngaataure pachena kuti haachisina kun'ora. Ipapo ngaabhururutse shiri mhenyu iya itetereke zvayo nesango. Nyakuchenurwa iyeyo ngaasuke hanzu dzake aveure vhudzi nemvere dzomuviri wose ashambe nemvura. Saka achava munhu akachenurwa. Angachizodzokera hake kumatendhe asi anofanira kugara kunze kwetendhe rake kwamazuva manomwe. Pazuva rechinomwe ngaaveurezve musoro wake nendebvu netsiye nevhudzi rose romuviri wake. Ngaasuke hanzu dzake nomuviri wake, ipapo achava munhu achenurwa. “Pazuva rorusere ngaaunze hwayana, hono mbiri nedunzvi rehwai dzisina chinoshoreka padziri dzine gore rimwechete namakirogiramu matatu eupfu hwakanywa namafuta eorivhi uye mafuta eorivhi anokwana chikamu chepakati nepakati cherita. Mupristi iyeyo ari kuchenura munhu ngaaise munhu iyeyo nezvinhu izvi pana Tenzi pamusuo wetendhe rokusanganira. Mupristi ngaatore hwayana hono pamwechete namafuta anokwana chikamu chepakati nepakati cherita apire Mwari mupiro wokutsiva chakatadzwa. Ngaaite mupiro unosumudzwa uchipirwa Mwari. Ngaaurayire hwayana iyoyo panzvimbo paya panourayirwa zvibayiro zvomupiro wokupfupira zvitadzo nomupiro wokupisa panzvimbo inoera. Chibayiro chomupiro wokupfupira zvitadzo ndechomupristi sezvakangoitawo chibayiro chomupiro wokuripa mhosva. Chinoera kwazvo. Mupristi ngaatore ropa rehwayana yomupiro wokuripa mhosva arizore kwokupedzesera kwenzeve yokurudyi yomunhu ari kuchenurwa nepachara chechanza chake chokurudyi nepachigunwe chake chikuru chetsoka yake yokurudyi. Mupristi ngaadururire mafuta eorivhi muchanza chake iye pachake choruboshwe. Ngaanyike munwe wake wokurudyi mumafuta iwayo ari muchanza chake choruboshwe, aasase kanomwe mutendhe rinoera pana Tenzi. Mafuta anenge asara ari muchanza chomupristi ngaazore kuwedzera paropa romupiro wokuripa mhosva kwokupedzesera kwenzeve yokurudyi yomunhu ari kuchenurwa nepachigunwe chake chokurudyi. Mafuta ose anenge asara ari muchanza chake ngaadire pamusoro pemunhu ari kuchenurwa. Mupristi anobva apfupira zvitadzo zvaiyeyo pana Tenzi, zvomunhu akanga aine chirwere chamapere. “Mupristi ngaaite mupiro wokupfupira zvitadzo, achiripira munhu ari kuchenurwa pakun'ora kwake. Kana aita izvozvo, ngaauraye chibayiro chemupiro wokupisa. Mupristi ngaapire mupiro wokupisa nomupiro wembesanwa paatari. Nokudaro mupristi achamuripira, munhu iyeyo anobva achenurwa.

Verenga chikamu Mupiro 14