Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mupiro 14

14
Kunatswa kwomunhu aiva nechirwere cheganda
1Tenzi akataurira Mosesi achiti, 2“Uyu ndiwo murao wemunhu ane chirwere chamapere pazuva raanochenurwa, ngaaunzwe kumupristi. 3Mupristi ngaaende naye kunze kwematendhe amuongorore kana chirwere chamapere chiya chapora, 4mupristi ngaati paunzwe shiri mbiri dzisina kun'ora nechimuti chomusidhari netambo tsvuku nekabazi komuhisopi. 5Mupristi ngaati shiri imwe iurayirwe nechapamusoro pehari yevhu ine mvura yakanaka yakachena. 6Ngaatore shiri mhenyu pamwechete nechimuti chomusidhari netambo tsvuku nekabazi komuhisopi azvinyike pamwechete muropa reshiri iya yaurayirwa pamusoro pehari yevhu ine mvura yakanaka yakachena. 7Mupristi ngaasase ropa iroro kanomwe pamunhu uya anenge achenurwa pachirwere chamapere. Mupristi ngaataure pachena kuti haachisina kun'ora. Ipapo ngaabhururutse shiri mhenyu iya itetereke zvayo nesango. 8Nyakuchenurwa iyeyo ngaasuke hanzu dzake aveure vhudzi nemvere dzomuviri wose ashambe nemvura. Saka achava munhu akachenurwa. Angachizodzokera hake kumatendhe asi anofanira kugara kunze kwetendhe rake kwamazuva manomwe. 9Pazuva rechinomwe ngaaveurezve musoro wake nendebvu netsiye nevhudzi rose romuviri wake. Ngaasuke hanzu dzake nomuviri wake, ipapo achava munhu achenurwa.
10“Pazuva rorusere ngaaunze hwayana, hono mbiri nedunzvi rehwai dzisina chinoshoreka padziri dzine gore rimwechete namakirogiramu matatu eupfu hwakanywa namafuta eorivhi uye mafuta eorivhi anokwana chikamu chepakati nepakati cherita. 11Mupristi iyeyo ari kuchenura munhu ngaaise munhu iyeyo nezvinhu izvi pana Tenzi pamusuo wetendhe rokusanganira. 12Mupristi ngaatore hwayana hono pamwechete namafuta anokwana chikamu chepakati nepakati cherita apire Mwari mupiro wokutsiva chakatadzwa. Ngaaite mupiro unosumudzwa uchipirwa Mwari. 13Ngaaurayire hwayana iyoyo panzvimbo paya panourayirwa zvibayiro zvomupiro wokupfupira zvitadzo nomupiro wokupisa panzvimbo inoera. Chibayiro chomupiro wokupfupira zvitadzo ndechomupristi sezvakangoitawo chibayiro chomupiro wokuripa mhosva. Chinoera kwazvo. 14Mupristi ngaatore ropa rehwayana yomupiro wokuripa mhosva arizore kwokupedzesera kwenzeve yokurudyi yomunhu ari kuchenurwa nepachara chechanza chake chokurudyi nepachigunwe chake chikuru chetsoka yake yokurudyi. 15Mupristi ngaadururire mafuta eorivhi muchanza chake iye pachake choruboshwe. 16Ngaanyike munwe wake wokurudyi mumafuta iwayo ari muchanza chake choruboshwe, aasase kanomwe mutendhe rinoera pana Tenzi. 17Mafuta anenge asara ari muchanza chomupristi ngaazore kuwedzera paropa romupiro wokuripa mhosva kwokupedzesera kwenzeve yokurudyi yomunhu ari kuchenurwa nepachigunwe chake chokurudyi. 18Mafuta ose anenge asara ari muchanza chake ngaadire pamusoro pemunhu ari kuchenurwa. Mupristi anobva apfupira zvitadzo zvaiyeyo pana Tenzi, zvomunhu akanga aine chirwere chamapere.
19“Mupristi ngaaite mupiro wokupfupira zvitadzo, achiripira munhu ari kuchenurwa pakun'ora kwake. Kana aita izvozvo, ngaauraye chibayiro chemupiro wokupisa. 20Mupristi ngaapire mupiro wokupisa nomupiro wembesanwa paatari. Nokudaro mupristi achamuripira, munhu iyeyo anobva achenurwa.
21“Kana munhu iyeyo ari murombo asingakwanisi kuwana izvi zvose ngaaunze hwayana hono imwechete yomupiro wake wokuripa mhosva unosimudzirwa uchipirwa Mwari wokumuripira. Ngaaunzewo upfu hwemupiro wembesanwa hunorema kirogiramu rimwechete hwakakanywa nemafuta eorivhi pamwechete nechikamu chepakati nepakati cherita remafuta eorivhi. 22Ngaaunzewo njiva mbiri kana man'ana maviri ehangaiwa dzaangakwanise kuwana yomupiro wokupfupira zvitadzo neyomupiro wokupisa. 23Pazuva rorusere ngaauye nadzo kumupristi kuti ichenurwe kumusuo wetendhe rokusanganira. 24Mupristi ngaatore hwayana yomupiro wokuripa mhosva nechikamu chepakati nepakati perita ramafuta eorivhi aite mupiro unosimudzirwa uchipirwa Tenzi. 25Ngaauraye hwayana yomupiro wokuripa mhosva, atore ropa rayo arizore kwokupedzesera kwenzeve yokurudyi yomunhu ari kuchenurwa nepachara chake chokurudyi napachigunwe chake chikuru chokurudyi. 26Mupristi ngaadururire mafuta muchanza chake iye pachake chokuruboshwe, 27Mupristi ngaanyike munwe wake worudyi mumafuta ari muchanza chake choruboshwe aasase kanomwe pana Mwari ipapo mutendhe rinoera. 28Mupristi ngaazorewo mafuta paya paazora ropa, romupiro wokuripa mhosva kwokupedzesera kwenzeve yomunhu ari kuchenurwa yokurudyi nepachara chake chokurudyi napachigunwe chake chikuru chokurudyi. 29Mafuta ose anenge asara muchanza chomupristi ngaadire pamusoro womunhu ari kuchenurwa achimuripira pana Tenzi. 30Mupristi ngaapire njiva kana hangaiwa dzichiri duku, dzaangakwanise kuwana, 31imwe ive yomupiro wokupfupira zvitadzo, imwe ive yomupiro wokupisa pamwechete noupfu hwemupiro wembesanwa. Nokudaro mupristi achapira mupiro wokuripira pana Tenzi wokuitira munhu ari kuchenurwa. 32Uyu ndiwo murao womunhu anenge aine chirwere chamapere asi asingakwanisi kuwana chokuti achenurwe nacho.”
Chiundudzi pamadziro eimba
33Tenzi akataurira Mosesi naAroni kuti, 34“Kana masvika munyika yeKanani yandiri kukupai kuti ive yenyu, ndikaita kuti imba yomunhu ive nechiundudzi chechirwere munyika yenyu imomo, 35muridzi wayo ngaauye kumupristi amutaurire kuti, ‘Ndiri kuona zvinenge chiundudzi chechirwere mumba mangu.’ 36Mupristi ngaati zvose zviri muimba yacho zviburitswe panze asati apindamo kundoongorora chiundudzi chacho nokuti akasadaro zvose zvirimo zvingazonzi zvakan'ora. Mushure maizvozvo mupristi ngaapindemo kundoongorora imba iyoyo. 37Ngaaongorore chiundudzi chacho, kana akaona chisiri pamusoro chete, chakapinda mukati memadziro, chiine ruvara rwamashizha kana kuti rwakatsvukuruka, 38mupristi ngaabude mumba imomo aipfige igare yakapfigwa kudaro kwamazuva manomwe. 39Pazuva rechinomwe mupristi ngaadzokere kuimba iya kundoiongororazve. Kana akaona chiundudzi chapararira madziro emba iyoyo, 40mupristi ngaati vabvise mabwe ane chiundudzi andokandwa kunze kweguta kunorasirwa marara.
41“Mupristi ngaati madziro ose omukati memba iyoyo aparwe. Zvakwakwanuka zvacho ngazvindorasirwa kunze kweguta kunorasirwa marara. 42Ngavatore mamwe mabwe vaaise pakabviswa mabwe aye, vadzurure madziro iwayo patsva.
43“Kana chiundudzi ichocho chikadzokazve mumba muya makambobviswa mabwe mukaparwa mukadzururwa patsva, 44mupristi ngaandoiona. Kana mavara echiundudzi ichocho apararira, nemba iyoyo, chinenge chiri chiundudzi chechirwere chinoparadza, imba iyoyo yaton'ora. 45Ngaapaze imba iyoyo. Mabwe ayo namapango ayo nevhu rayo ngazvitakurwe zviendwe nazvo kunze kweguta kunorasirwa marara. 46Ani naani anopinda mumba iyo panguva yainombonzi igare yakapfigwa achava akan'ora kusvikira zuva ridoke. 47Ani naani anorara mumba imomo uye ani naani anodyiramo ngaasuke hanzu dzake.
48“Asi kana mupristi akauya kuzoongorora akaona chiundudzi chisina kupararira nemba iya ngaataure pachena kuti haina kun'ora nokuti chiundudzi chose chinenge chapera. 49Mupristi ngaatore man'ana maviri nechimuti chemusidhari netambo tsvuku nakabazi kemuhisopu zvokundochenurisa imba iyoyo. 50Ngaaurayire shiri imwe pamusoro pehari yevhu ine mvura yakanaka yakachena. 51Ngaatore chimuti chomusidhari nekabazi komuhisopi netambo tsvuku pamwechete neshiri mhenyu azvinyike muropa reshiri yauraiwa mumvura yakanaka yakachena arisase kanomwe mumadziro emba iya. 52Nokudaro achachenura imba iyoyo neropa reshiri iya, nemvura iya yakanaka yakachena, neshiri mhenyu nechimuti chemusidhari nakabazi kemuhisopi netambo tsvuku. 53Ngaaende kunze kweguta aibhururutse itetereke zvayo nesango. Ndiko kuchenura kwaachaita imba iyoyo, ichibva yava isina kun'ora.
54“Iwoyu ndiwo murao wechirwere chamapere chingave chezvisasa 55kana chiundudzi chepahanzu kana chomumba 56kana chokuzvimba kana chamatuzu, kana chevara. 57Murao iwoyo unobatsira kuziva kuti chinhu ichi chakan'ora here kana kuti kwete. Uyu ndiwo murao wechirwere chamapere.”

Zvasarudzwa nguva ino

Mupiro 14: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda