Mupiro 15
15
Kubuda kwezvinon'oresa mumuviri womunhu
1Mwari akataurira Mosesi naAroni achiti, 2“Taurira vaIsiraeri kuti, ‘Kana munhurume anezvinobuda maari kubuda kwazvo ikoko kwakan'ora.’ 3Uyu ndiwo mutemo pamusoro pokun'ora kunokonzerwa nokuzvirotera: kunyange zvinobuda izvozvo zvichibuda kamwechete kana kuramba zvichibuda, zvose zvinongomun'oresa. 4Uvato hwose hunovatwa nomunhu anobudisa izvozvo hunon'ora. Chinhu chose chaanogara chinobva chan'ora. 5Ani naani anobata uvato hwake anobva an'ora kusvikira zuva ridoke. Ngaatogeza zvipfeko zvake nomuviri wake. 6Ani naani anogara pambogarwa nomunhu ane zviri kubuda maari, atova munhu akan'ora. Achaswera zuva rose ari munhu akan'ora kusvikira zuva ridoke. Ngaasuke hanzu dzake ashambe muviri wake. Achava munhu akan'ora kusvikira manheru. 7Ani naani anobata muviri womunhu ane zvinobuda maari izvozvo anofanira kusuka hanzu dzake ashambe nemvura achava munhu akan'ora kusvikira manheru. 8Kana munhurume uya ane zviri kubuda maari akapfira mate pamunhu asina kun'ora, apfirwa mate wacho atova munhu akan'ora kusvikira zuva ridoke. 9Chityaro chose chose zvacho chinenge changogarwa nomunhurume ane zviri kubuda maari chaton'ora. 10Ani naani anobata chinenge chambogarwa nomunhu iyeyo atova munhu akan'ora kusvikira zuva ridoke. Anenge atakura chinhu chakadaro, ngaasuke hanzu dzake ashambe muviri wake nemvura. Achava munhu akan'ora kusvikira manheru. 11Kana munhu abatwa nomurume ane zviri kubuda maari asina kushamba maoko nemvura ngaasuke hanzu dzake, ashambe muviri wake nemvura achava munhu akan'ora kusvikira zuva ridoke. 12Hari yevhu inenge yabatwa nomunhu ane zviri kubuda maari ngaipwanywe, kana uri upi zvawo mudziyo womuti ngausukwe nemvura.
13“Kana munhurume uya ane zvanga zvichibuda maari zvamira kubuda, ngaagare mazuva manomwe okuchenurwa. Ngaasuke hanzu dzake, ashambe muviri wake mumvura yakanaka yakachena achava munhu akachenurwa. 14Pazuva rorusere ngaatore njiva mbiri kana hangaiwa mbiri dzichiri duku aende nadzo kuna Tenzi kumusuo wetendhe rokusanganira adzipe mupristi. 15Mupristi ngaadzipire kuna Tenzi, imwe ive yomupiro wokupfupira zvitadzo, imwe yacho ive yomupiro wokupisa. Naizvozvo mupristi anobva achenura pana Tenzi munhurume uya anenge ane zviri kubuda maari.
16“Kana munhurume akaburitsa mbeu dzomuviri wake, atova munhu akan'ora kusvikira zuva ridoke. Ngaasuke hanzu dzake, ashambe muviri wake. 17Kana mbeu yake ikadonhera pachinhu chipi nechipi zvacho, chingave jira kana dehwe ngachigezwe. Chichava chakan'ora kusvikira zuva ridoke. 18Kana murume akarara nomukadzi, akaburitsa mbeu dzomuviri wake vose vari vaviri ngavashambe miviri yavo vachava vanhu vakan'ora kusvikira zuva ridoke.
19“Kana mukadzi ari panguva yake yokutevera kuri kutevera samazuva ose achava munhu akan'ora kwamazuva manomwe. Ani naani anomugunzwa achava munhu akan'ora kusvikira zuva ridoke. 20Chinhu chipi nechipi zvacho chaanovata kana chaanogara panguva yaanenge akan'ora chichava chakan'ora. 21Ani naani anobata uvato hwake ngaasuke hanzu dzake ashambe muviri wake. Achava munhu akan'ora kusvikira zuva ridoke. 22Ani zvake anobata chii zvacho chaanogara ngaasuke hanzu dzake ashambe muviri wake nemvura. Achava munhu akan'ora kusvikira zuva ridoke. 23Chingava chaanovata kana chii zvacho chaanogara kana munhu akangochibata chete atova munhu akan'ora kusvikira zuva ridoke. 24Kana munhurume akavata nomukadzi iyeyo akatapukirwa nezvinomun'oresa achapedza mazuva manomwe ari munhu akan'ora. Chii zvacho chaanovatawo chinon'orawo.
25“Kana akaramba achibuda ropa kwamazuva mazhinji isiri nguva yake yokutevera kana kuramba achibuda ropa nguva yake yokutevera yapfuura, achava munhu akan'ora nguva yose yaanenge achibuda ropa. Akangon'ora sezvaanoita ari panguva yake yokutevera. 26Uvato upi noupi zvahwo hwaanovata mazuva ake ose okutevera uye chigaro chose chose zvacho chaanogara chichava chakan'ora sezvazvinongoita panguva yake yokutevera. 27Ani naani anobata zvinhu izvozvo anon'ora, achava munhu akan'ora ngaasuke hanzu dzake, ashambe muviri wake nemvura. Achava munhu akan'ora kusvikira zuva ridoke. 28Kana ropa rake ramira kubuda ngaambogara kwamazuva manomwe, kana mazuva iwayo apera, achava munhu akachenurwa. 29Pazuva rorusere ngaatore njiva mbiri kana hangaiwa mbiri dzichiri duku aende nadzo kumupristi kumusuo wetendhe rokusanganira. 30Mupristi ngaapire imwe ive yomupiro wokupfupira zvitadzo, imwe yacho ive yomupiro wokupisa. Nokudaro mupristi anobva achenura pana Tenzi mukadzi iyeyo pakutevera kwake kunenge kuchimun'oresa.
31“Ndiko kutsauranisa kwauchaita vanenge van'ora nevanenge vasina pakati pavaIsiraeri, kuti varege kufa pamusana pokun'ora kwavanenge vanako, vachin'oresa tendhe rinoera riri pakati pavo.
32“Iwoyu ndiwo murao unosunga murume anozvirotera neanoburitsa mbeu yomuviri wake achizvin'oresa, 33ndiwo unosungawo mukadzi ari kurwara panguva yake yokutevera angave munhurume kana munhukadzi anezvinobuda maari nomurumewo anovata nomukadzi akan'ora.”
Zvasarudzwa nguva ino
Mupiro 15: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.