Jeremia 12:1-4
Jeremia 12:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Tenzi, pandinokunyunyutirai, imi ndimi munenge muri pachokwadi asi ndinoda kumbokutaurirawo nezvoruenzaniso. Seiko vakaipa vachibudirira mune zvavanoita? Sei vanyengedzi vose vachibudirira? Ndimi munovasima, ivo vanobva vadzika midzi. Vanokura vagotobereka michero, izvozvo musingabve pamuromo pavo, asi mumwoyo mavo munenge imi musimo. Asi imi Tenzi munondiziva munondiona uye munoongorora pfungwa dzangu kwamuri. Vakwekweretsei sehwai dziri kundourayiwa muvatsaurire zuva rorufu. Kusvikira rini chaizvo nyika ichichema nhamo, uswa huchisvava mumasango mose? Pamusana pokuipa wavageremo mhuka neshiri zvatsvairwa nokuti vanhu vanoti, “Mwari magumo edu haamboaona.
Jeremia 12:1-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Imi Jehovha, makarurama kana ndichikakavara nemi; kunyange zvakadaro ndinoda kutaurirana nemi pamusoro pokururamisa kwenyu, nzira yavakaipa inomufaro neiko? Vanoita nokunyengera vanogarireiko vose vane rugare? Imi makavasima, zvirokwazvo midzi yavo yakabata; vanokura, zvirokwazvo vanobereka zvibereko; imi muri pedyo nemiromo yavo, asi muri kure nemwoyo yavo. Asi imi Jehovha munondiziva; munondiona, munoidza mwoyo wangu kuti wakadini kwamuri; muvakweve samakwai anondobayiwa, muvagadzirire zuva rokubayiwa. Nyika ichachema, nemiriwo yenyika yose ichasvava kusvikira riniko? Mhuka neshiri zvinopedzwa nokuda kwezvakaipa zvavageremo, nokuti vakati, “Haangaoni kuguma kwedu.”
Jeremia 12:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Imi munogara makarurama, iyemi Jehovha, pandinouya pamberi penyu nemhaka. Kunyange zvakadaro ndichataura nemi pamusoro pokururamisira kwenyu, ndichiti: Nemhaka yeiko nzira yavakaipa ichibudirira? Nemhaka yei vasingatendi vachirarama zvakanaka? Makavasima, uye vava nemidzi; vanokura uye vanobereka muchero. Imi munogara muri pamiromo yavo asi muri kure nemwoyo yavo. Asi munondiziva, imi Jehovha; munondiona uye munoedza ndangariro dzangu pamusoro penyu. Vakwekweredzei samakwai anondobayiwa! Muvagadzirire zuva rokubayiwa. Nyika ichasvika riniko yakangooma, nebundo resango rakangosvava? Nokuti vose vanogaramo vakaipa, mhuka neshiri zvaparara. Pamusoro paizvozvo, vanhu vanoti, “Haasi kuzoona zvinoitika kwatiri.”
Jeremia 12:1-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Imi Jehovha, makarurama kana ndichikakavara nemi; kunyange zvakadaro ndinoda kutaurirana nemi pamusoro pokururamisa kwenyu, nzira yavakaipa inomufaro neiko? Vanoita nokunyengera vanogarireiko vose vane rugare? Imi makavasima, zvirokwazvo midzi yavo yakabata; vanokura, zvirokwazvo vanobereka zvibereko; imi muri pedyo nemiromo yavo, asi muri kure nemwoyo yavo. Asi imi Jehovha munondiziva; munondiona, munoidza mwoyo wangu kuti wakadini kwamuri; muvakweve samakwai anondobayiwa, muvagadzirire zuva rokubayiwa. Nyika ichachema, nemiriwo yenyika yose ichasvava kusvikira riniko? Mhuka neshiri zvinopedzwa nokuda kwezvakaipa zvavageremo, nokuti vakati, “Haangaoni kuguma kwedu.”
Jeremia 12:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi, pandinokunyunyutirai, imi ndimi munenge muri pachokwadi asi ndinoda kumbokutaurirawo nezvoruenzaniso. Seiko vakaipa vachibudirira mune zvavanoita? Sei vanyengedzi vose vachibudirira? Ndimi munovasima, ivo vanobva vadzika midzi. Vanokura vagotobereka michero, izvozvo musingabve pamuromo pavo, asi mumwoyo mavo munenge imi musimo. Asi imi Tenzi munondiziva munondiona uye munoongorora pfungwa dzangu kwamuri. Vakwekweretsei sehwai dziri kundourayiwa muvatsaurire zuva rorufu. Kusvikira rini chaizvo nyika ichichema nhamo, uswa huchisvava mumasango mose? Pamusana pokuipa wavageremo mhuka neshiri zvatsvairwa nokuti vanhu vanoti, “Mwari magumo edu haamboaona.
Jeremia 12:1-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Imi Jehova, makarurama kana ndicikakaʋara nemi; kunyaŋge ɀakaɗaro ndinoɗa kutaurirana nemi pamsoro pokururamisa kwenyu: Nzira yaʋakaipa inomufaro neiko? Ʋanoita nokunyeŋgera ʋanogarireiko ʋose ʋanorugare? Imi makaʋasima, ɀirokwaɀo midzi yaʋo yakaɓata; ʋanokura, ɀirokwaɀo ʋanoɓereka ɀiɓereko; imi muri pedyo nemiromo yaʋo, asi muri kure nemŋoyo yaʋo. Asi imi Jehova munondiziʋa; munondiʋona, munoidza mŋoyo waŋgu kuti wakaɗini kwamuri; muʋakweʋe samakwai anondoɓayiwa, muʋagadzirire zuʋa rokuɓayiwa. Nyika icacema, nemiriʋo yenyika yose icaȿaʋa kuȿikira riniko? Mhuka neshiri ɀinopedzwa nokuɗa kweɀakaipa ɀaʋagere’mo, nokuti ʋakati: Haaŋgaʋoni kuguma kweɗu.