Imi Jehova, makarurama kana ndicikakaʋara nemi; kunyaŋge ɀakaɗaro ndinoɗa kutaurirana nemi pamsoro pokururamisa kwenyu: Nzira yaʋakaipa inomufaro neiko? Ʋanoita nokunyeŋgera ʋanogarireiko ʋose ʋanorugare? Imi makaʋasima, ɀirokwaɀo midzi yaʋo yakaɓata; ʋanokura, ɀirokwaɀo ʋanoɓereka ɀiɓereko; imi muri pedyo nemiromo yaʋo, asi muri kure nemŋoyo yaʋo. Asi imi Jehova munondiziʋa; munondiʋona, munoidza mŋoyo waŋgu kuti wakaɗini kwamuri; muʋakweʋe samakwai anondoɓayiwa, muʋagadzirire zuʋa rokuɓayiwa. Nyika icacema, nemiriʋo yenyika yose icaȿaʋa kuȿikira riniko? Mhuka neshiri ɀinopedzwa nokuɗa kweɀakaipa ɀaʋagere’mo, nokuti ʋakati: Haaŋgaʋoni kuguma kweɗu.
Verenga chikamu Jeremia 12
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Jeremia 12:1-4
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo