Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremia 12:1-4

Jeremia 12:1-4 SUB1949

Imi Jehova, makarurama kana ndicikakaʋara nemi; kunyaŋge ɀakaɗaro ndinoɗa kutaurirana nemi pamsoro pokururamisa kwenyu: Nzira yaʋakaipa inomufaro neiko? Ʋanoita nokunyeŋgera ʋanogarireiko ʋose ʋanorugare? Imi makaʋasima, ɀirokwaɀo midzi yaʋo yakaɓata; ʋanokura, ɀirokwaɀo ʋanoɓereka ɀiɓereko; imi muri pedyo nemiromo yaʋo, asi muri kure nemŋoyo yaʋo. Asi imi Jehova munondiziʋa; munondiʋona, munoidza mŋoyo waŋgu kuti wakaɗini kwamuri; muʋakweʋe samakwai anondoɓayiwa, muʋagadzirire zuʋa rokuɓayiwa. Nyika icacema, nemiriʋo yenyika yose icaȿaʋa kuȿikira riniko? Mhuka neshiri ɀinopedzwa nokuɗa kweɀakaipa ɀaʋagere’mo, nokuti ʋakati: Haaŋgaʋoni kuguma kweɗu.

Verenga chikamu Jeremia 12