Imi Jehovha, makarurama kana ndichikakavara nemi; kunyange zvakadaro ndinoda kutaurirana nemi pamusoro pokururamisa kwenyu, nzira yavakaipa inomufaro neiko? Vanoita nokunyengera vanogarireiko vose vane rugare? Imi makavasima, zvirokwazvo midzi yavo yakabata; vanokura, zvirokwazvo vanobereka zvibereko; imi muri pedyo nemiromo yavo, asi muri kure nemwoyo yavo. Asi imi Jehovha munondiziva; munondiona, munoidza mwoyo wangu kuti wakadini kwamuri; muvakweve samakwai anondobayiwa, muvagadzirire zuva rokubayiwa. Nyika ichachema, nemiriwo yenyika yose ichasvava kusvikira riniko? Mhuka neshiri zvinopedzwa nokuda kwezvakaipa zvavageremo, nokuti vakati, “Haangaoni kuguma kwedu.”
Verenga chikamu Jeremiya 12
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Jeremiya 12:1-4
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo