Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremiya 12:1-4

Jeremiya 12:1-4 SNA2002

Imi Jehovha, makarurama kana ndichikakavara nemi; kunyange zvakadaro ndinoda kutaurirana nemi pamusoro pokururamisa kwenyu, nzira yavakaipa inomufaro neiko? Vanoita nokunyengera vanogarireiko vose vane rugare? Imi makavasima, zvirokwazvo midzi yavo yakabata; vanokura, zvirokwazvo vanobereka zvibereko; imi muri pedyo nemiromo yavo, asi muri kure nemwoyo yavo. Asi imi Jehovha munondiziva; munondiona, munoidza mwoyo wangu kuti wakadini kwamuri; muvakweve samakwai anondobayiwa, muvagadzirire zuva rokubayiwa. Nyika ichachema, nemiriwo yenyika yose ichasvava kusvikira riniko? Mhuka neshiri zvinopedzwa nokuda kwezvakaipa zvavageremo, nokuti vakati, “Haangaoni kuguma kwedu.”

Verenga chikamu Jeremiya 12