Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremiya 12:1-4

Jeremiya 12:1-4 SCLB

Tenzi, pandinokunyunyutirai, imi ndimi munenge muri pachokwadi asi ndinoda kumbokutaurirawo nezvoruenzaniso. Seiko vakaipa vachibudirira mune zvavanoita? Sei vanyengedzi vose vachibudirira? Ndimi munovasima, ivo vanobva vadzika midzi. Vanokura vagotobereka michero, izvozvo musingabve pamuromo pavo, asi mumwoyo mavo munenge imi musimo. Asi imi Tenzi munondiziva munondiona uye munoongorora pfungwa dzangu kwamuri. Vakwekweretsei sehwai dziri kundourayiwa muvatsaurire zuva rorufu. Kusvikira rini chaizvo nyika ichichema nhamo, uswa huchisvava mumasango mose? Pamusana pokuipa wavageremo mhuka neshiri zvatsvairwa nokuti vanhu vanoti, “Mwari magumo edu haamboaona.

Verenga chikamu Jeremiya 12