Jeremiya 12
12
1Imi Jehovha, makarurama kana ndichikakavara nemi; kunyange zvakadaro ndinoda kutaurirana nemi pamusoro pokururamisa kwenyu, nzira yavakaipa inomufaro neiko? Vanoita nokunyengera vanogarireiko vose vane rugare? 2Imi makavasima, zvirokwazvo midzi yavo yakabata; vanokura, zvirokwazvo vanobereka zvibereko; imi muri pedyo nemiromo yavo, asi muri kure nemwoyo yavo. 3Asi imi Jehovha munondiziva; munondiona, munoidza mwoyo wangu kuti wakadini kwamuri; muvakweve samakwai anondobayiwa, muvagadzirire zuva rokubayiwa. 4Nyika ichachema, nemiriwo yenyika yose ichasvava kusvikira riniko? Mhuka neshiri zvinopedzwa nokuda kwezvakaipa zvavageremo, nokuti vakati, “Haangaoni kuguma kwedu.” 5“Kana uchinge wakamhanya navanofamba namakumbo, ukaneta ungagona seiko kuvhivhana namabhiza? Kana uchinge wakagara zvakanaka panyika yorugare, ungaita seiko pamatenhere aJorodhani?
6“Nokuti naidzo hama dzako naveimba yababa vako vakaita nokunyengera kwauri; naivo vakadanidzira kwauri, usavatenda, kunyange vachitaura mashoko akanaka newe.”
Jehovha achatonga Judha navavengi vavo
7“Ndasiya imba yangu, ndarasha nhaka yangu; ndaisa mudikanwa womwoyo wangu mumaoko avavengi vake. 8Nhaka yangu yava kwandiri seshumba iri mudondo; yandiombera, saka ndakaivenga. 9Ko nhaka yangu yava kwandiri segondo rinamavara here? Makondo akaikomba kumativi ose here? Endai mundokokera zvikara zvose zvokusango, muuye nazvo zvidye. 10Vafudzi vazhinji vakaparadza munda wangu wemadzambiringa, vakatsika mugove wangu namakumbo avo, vakaita mugove wangu unodikanwa rive renje risina chinhu. 11Vakauita dongo; unochema kwandiri, zvawakaitwa dongo; nyika yose yakaitwa dongo, nokuti hakuna munhu une hanya nayo. 12Vaparadzi vakasvika pazvikomo zvose zvisina miti murenje; nokuti munondo waJehovha unopedza kubva kumugumo mumwe wenyika kusvikira kunomumwe mugumo wenyika; hakuna nyama ino rugare. 13Vakakusha zviyo, asi vakacheka minzwa; vakazvitambudza, asi havana kuwana chinhu; muchanyadziswa pamusoro pezvibereko zveminda yenyu, nokuda kwokutsamwa kukuru kwaJehovha.”
14Zvanzi naJehovha pamusoro povokwangu vose vakaipa vanopamba nhaka yandakagarisa vanhu vangu vaIsiraeri, “Tarirai, ndichavadzura panyika yavo, ndichadzura veimba yaJudha pakati pavo.
15“Zvino kana ndavadzura, ndichadzoka, ndikavanzwira tsitsi, ndichavadzosera mumwe nomumwe kunhaka yake, nomumwe nomumwe kunyika yake. 16Zvino kana vachidzidza zvakanaka tsika dzvanhu vangu, kupika nezita rangu, vachiti, ‘NaJehovha mupenyu,’ sezvavakadzidzisa vanhu vangu kupika naBhaari, ipapo vachavakiswa pakati pavanhu vangu.
17“Asi kana vasinganzwi, ndichadzura rudzi uro, ndicharudzura nokuruparadza” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Zvasarudzwa nguva ino
Jeremiya 12: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002