Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremia 12

12
1Imi Jehova, makarurama kana ndicikakaʋara nemi; kunyaŋge ɀakaɗaro ndinoɗa kutaurirana nemi pamsoro pokururamisa kwenyu: Nzira yaʋakaipa inomufaro neiko? Ʋanoita nokunyeŋgera ʋanogarireiko ʋose ʋanorugare? 2Imi makaʋasima, ɀirokwaɀo midzi yaʋo yakaɓata; ʋanokura, ɀirokwaɀo ʋanoɓereka ɀiɓereko; imi muri pedyo nemiromo yaʋo, asi muri kure nemŋoyo yaʋo. 3Asi imi Jehova munondiziʋa; munondiʋona, munoidza mŋoyo waŋgu kuti wakaɗini kwamuri; muʋakweʋe samakwai anondoɓayiwa, muʋagadzirire zuʋa rokuɓayiwa. 4Nyika icacema, nemiriʋo yenyika yose icaȿaʋa kuȿikira riniko? Mhuka neshiri ɀinopedzwa nokuɗa kweɀakaipa ɀaʋagere’mo, nokuti ʋakati: Haaŋgaʋoni kuguma kweɗu. 5Kana uciŋge wakamhanya naʋanofamba namakumbo, ukaneta, uŋgagona seiko kuʋiʋana namabiza? Kana uciŋge wakagara ɀakanaka panyika yorugare, uŋgaita seiko pamatenhere aJoridani? 6Nokuti naidzo hama dzako naʋeimba yaɓaɓa ʋako ʋakaita nokunyeŋgera kwauri; naiʋo ʋakaɗanidzira kwauri, usaʋatenda, kunyaŋge ʋacitaura mashoko akanaka newe.
Jehova ucatoŋga Juda naʋaʋeŋgi ʋaʋo.
7Ndasiya imba yaŋgu, ndarasha nhaka yaŋgu; ndaisa muɗikanwa womŋoyo waŋgu mumaʋoko aʋaʋeŋgi ʋake. 8Nhaka yaŋgu yaʋa kwandiri seshumba iri muɗondo; yakandiʋombera, saka ndakaiʋeŋga. 9Ko nhaka yaŋgu yaʋa kwandiri segondo rinamaʋara here? Makondo akaikomba kumatiʋi ose here? Endai mundokokera ɀikara ɀose ɀokusaŋgo, muʋuye naɀo ɀidye. 10Ʋafudzi ʋazhinji ʋakaparadza munda waŋgu wemizambiriŋga, ʋakatsika mugoʋe waŋgu namakumbo aʋo, ʋakaita mugoʋe waŋgu unoɗikanwa riʋe renje risinecinhu. 11Ʋakauita ɗoŋgo; unocema kwandiri, ɀawakaitwa ɗoŋgo; nyika yose yakaitwa ɗoŋgo, nokuti hakunomunhu unehanya nayo. 12Ʋaparadzi ʋakaȿika paɀikomo ɀose ɀisinemiti murenje; nokuti munondo waJehova unopedza kubva kumugumo mumŋe wenyika kuȿikira kunomumŋe mugumo wenyika; hakunenyama inorugare. 13Ʋakakusha ɀiyo, asi ʋakaceka minzwa; ʋakaɀitambudza, asi haʋana‐kuwana cinhu; mucanyadziswa pamsoro peɀiɓereko ɀeminda yenyu, nokuɗa kwokutsamŋa kukuru kwaJehova.
14Ɀanzi naJehova pamsoro poʋokwaŋgu ʋose ʋakaipa ʋanopamba nhaka yandakagarisa ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri: Tarirai, ndicaʋadzura panyika yaʋo, ndicadzura ʋeimba yaJuda pakati paʋo. 15Ɀino kana ndaʋadzura, ndicadzoka, ndikaʋanzwira tsitsi, ndicaʋadzosera mumŋe nomumŋe kunhaka yake, nomumŋe nomumŋe kunyika yake. 16Ɀino kana ʋacidzidza ɀakanaka tsika dzaʋanhu ʋaŋgu, kupika nezita raŋgu, ʋaciti: NaJehova mupenyu, seɀaʋakadzidzisa ʋanhu ʋaŋgu kupika naBaari, ipapo ʋacaʋakiswa pakati paʋanhu ʋaŋgu. 17Asi kana ʋasiŋganzwi, ndicadzura rudzi urwo, ndicarudzura nokuruparadza — ndiɀo ɀinotaura Jehova.

Zvasarudzwa nguva ino

Jeremia 12: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda