Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremia 13

13
Mufananidzo webanhire.
1Ɀanzi naJehova kwandiri: Enda undoɀiteŋgera banhire romuceka, uɀisuŋge ciʋuno naro; asi usaruisa mumvura. 2Ipapo ndakateŋga banhire, seɀakarebga neshoko raJehova, ndikaɀisuŋga ciʋuno naro. 3Ɀino shoko raJehova rakaʋuya kwandiri rwecipiri, riciti: 4Tora banhire rawateŋga, riri paciʋuno cako, usimuke uende kurwizi rwaUfratesi, undoriʋiga mumukaha weɗombo. 5Ipapo ndakaenda, ndikandoriʋiga parwizi rwaUfratesi, seɀandakarairwa naJehova. 6Ɀino mazuʋa mazhinji akati apfuʋura, Jehova akati kwandiri: Simuka, uende kwaUfratesi, utore’po banhire randakakuraira kuti uriʋige’po. 7Ipapo ndakaenda kwaUfratesi, ndikacera, ndikatora banhire pandakaŋga ndariʋiga; ɀino tarira, banhire rakaŋga raʋora, risineɓasa cose. 8Ɀino shoko raJehova rakaʋuya kwandiri, riciti: 9Ɀanzi naJehova: Saiɀoɀo ndicaʋodza kuɀikudza kwaJuda, nokuɀikudza kukuru kweJerusarema. 10Ʋanhu aʋa ʋakaipa, ʋanoramba kunzwa mashoko aŋgu, ʋanofamba noʋukukutu bgemŋoyo yaʋo, ʋakateʋera ʋamŋe ʋamŋari kuti ʋaʋashumire nokuʋanamata, ʋacafanana nebanhire iri, risineɓasa cose. 11Nokuti banhire seɀarinonamatira paciʋuno comunhu, saiɀoɀo ndakaŋga ndanamatidza imba yaIsraeri yose neimba yaJuda kwandiri, — ndiɀo ɀinotaura Jehova — kuti ʋaʋe ʋanhu ʋaŋgu, nembiri yaŋgu, nokurumbidzwa kwaŋgu, nokubginya kwaŋgu; asi ʋakaramba kuterera. 12Naiɀoɀo unofanira kutaura shoko iri kwaʋari: Ɀanzi naJehova, Mŋari waIsraeri: Mudziyo mumŋe nomumŋe ucazadzwa newaini; ɀino iʋo ʋacati kwauri: Hatiziʋi kanhi kuti mudziyo mumŋe nomumŋe ucazadzwa newaini? 13Ipapo uti kwaʋari: Ɀanzi naJehova: Tarirai, ʋose ʋagere munyika ino, iwo madzimambo agere pacigaro coʋushe caDavidi, naʋaprista naʋaprofita, naʋose ʋagere Jerusarema, ndicaʋazadza nokuɓatwa newaini. 14Ndicaʋagumirisana, madziɓaɓa naʋanakomana ʋaʋo pamŋe cete — ndiɀo ɀinotaura Jehova. Handiŋganzwiri tsitsi, handiŋgaɗariki mumŋe, kana kuʋa neŋgoni, kuti ndirege kuʋaparadza.
15Inzwai, murerekere nzeʋe; musaɀikudza, nokuti Jehova wakataura. 16Rumbidzai Jehova, Mŋari wenyu, asati aʋuyisa rima, tsoka dzenyu dzisati dzagumburwa pamakomo erima, iye asati ashandura ciedza camakamirira, akaciita mumvuri worufu, nokuciita rima guru. 17Asi kana musiŋgaɗi kuɀinzwa, mŋeya waŋgu ucakucema pakaʋanda nokuɗa kwokuɀikudza kwenyu; meso aŋgu acacema kwaɀo, acayerera misodzi, nokuti ɓoka raJehova ratapxa. 18Iti kunamambo nokunamai ʋamambo: Garai pasi‐pasi kwaɀo, nokuti ɀishoŋgo ɀemisoro yenyu ɀawira pasi, iyo korona yokukudzwa kwenyu. 19Maguta okurutiʋi rwezasi akazarirwa, hakuna‐unoazarura; ʋaJuda ʋakatapxa ʋose, ʋakatapxa cose‐cose.
20Riŋgira meso ako, uʋone ʋanobva kurutiʋi rwokumsoro. Ko ɓoka rawakapiwa, iro ɓoka rako rakanaka kwaɀo, riripi? 21Ucati kuɗiniko kana aciisa pamsoro pako iʋo ʋawakadzidzisa kuʋa shamŋari dzako ʋaʋe ʋaɓati ʋako? Hauŋgaɓatwi nokurwadziwa sokwomukadzi unopona here? 22Ɀino kana ukati mumŋoyo mako: Iɀoɀi ɀandiwira neiko? Ŋguʋo dzako dzakafukurwa, neɀitsitsino ɀako ɀakuʋadzwa nemhaka yoʋukuru bgeɀakaipa ɀenyu. 23Ko muEtiopia uŋgashandura ganda rake, kana iŋgwe maʋara ayo here? Kana ɀaibvira, nemi ʋo maigona kuita ɀakanaka, iyemi makaroʋera kuita ɀakaipa. 24Saka ndicaʋaparadzira sehundi inopepereswa nemhepo murenje. 25Ndiɀo ɀawakagoʋerwa, ndiwo mugoʋe wawakayererwa neni — ndiɀo ɀinotaura Jehova; nokuti wakandikaŋganwa, ukaʋimba neɀenhema. 26Saka ndicafukura ʋo ŋguʋo dzako pamberi pako, kunyadziswa kwako kuʋonekwe. 27Ndakaʋona kunyaŋgadza kwako, ibgo ʋupombge bgako, nokufemhedza kwako, nokunyadza kwokupombora kwako paɀikomo ɀokuɓundo. Unenhamo, iwe Jerusarema! Unoramba kunatswa; ɀicaɗaro kuȿikira riniko?

Zvasarudzwa nguva ino

Jeremia 13: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda