Jeremia 14
14
Jeremia unonyeŋgeterera ʋanhu pamsoro pokusanaya kwemvura.
1Shoko raJehova rakaʋuya kunaJeremia pamsoro pokusanaya kwemvura.
2Juda ʋanocema, namasuʋo aʋo anoshaiwa simba, ʋagere pasi ʋakafuka ŋguʋo nhema; kucema kweJerusarema kwakwira kumsoro. 3Ʋakuru ʋaʋo ʋanotuma ʋaranda ʋaʋo kumvura; ʋanoȿika kumadziʋa, ndokushaiwa mvura, ʋanodzoka neɀiroŋgo ɀisina; ʋakanyadziswa nokukaŋganiswa, ʋanofukidza misoro yaʋo. 4Ʋarimi ʋanonyadziswa, ʋanofukidza misoro yaʋo, nokuɗa kwenyika yakaparuka, nokuti mvura haina‐kunaya panyika. 5Ɀirokwaɀo, hadzi yenondo inoɓereka ʋo musaŋgo, ndokurasha mhuru yayo, nokuti hakuneɓumhudza. 6Mbizi dzinomira paɀikomo ɀisinemiti, dzicifema mhepo samakaʋa; meso adzo aneta, nokuti hakunoʋuswa.
7Kunyaŋge ɀakaipa ɀeɗu ɀicitipupurira, imi Jehova, ɓatai nokuɗa kwezita renyu; nokuti kudzokera kweɗu kuzhinji; takakutadzirai. 8Imi citariro caIsraeri, Muponesi waʋo neŋguʋa yokutambudzika, munoitireiko somutorwa panyika, ʋuye somufambi unotsauka kuzoʋata ʋusiku cete? 9Munoitireiko somunhu unotya, somunhu unesimba usiŋgagoni kuponesa? Kunyaŋge ɀakaɗaro imi Jehova muri pakati peɗu, takatumidzwa nezita renyu; regai kutisiya.
10Ɀanzi naJehova kuʋanhu aʋa: Saiɀoɀo ʋakafarira kudzuŋgaira, haʋana‐kudzora tsoka dzaʋo; naiɀoɀo Jehova haana‐kuʋafarira; ɀino ucaraŋgarira ɀakaipa ɀaʋo, nokuʋaroʋa pamsoro peɀiʋi ɀaʋo. 11Jehova akati kwandiri: Usanyeŋgeterera ʋanhu aʋa uciʋakumbirira ɀakanaka. 12Kana ʋaciɀinyima ɀokudya, handiŋganzwi kucema kwaʋo; kana ʋaciʋuya neɀipiriso ɀinopiswa neɀipiriso ɀoʋupfu, handiŋgaɀigamuciri; asi ndicaʋapedza nomunondo, nenzara, ʋuye nehosha. 13Ipapo ndakati: Haiwa, Jehova Mŋari, tarirai, ʋaprofita ʋanoti kwaʋari: Hamuŋgaʋoni munondo, kana kunzwa nzara; asi ndicakupai rugare rwaɀokwaɗi panɀimbo ino. 14Ipapo Jehova akati kwandiri: Ʋaprofita ʋanoprofita nhema muzita raŋgu; ini handina‐kuʋatuma, ini handina‐kuʋaraira, kana kutaura naʋo; ʋanokuprofiterai ɀinonzi ɀakaʋonekwa asi dziri nhema, neɀakaʋukwa, neɀisinamaturo, nokunyeŋgera kwemŋoyo yaʋo. 15Naiɀoɀo ɀanzi naJehova pamsoro paʋaprofita ʋanoprofita muzita raŋgu, ndisina‐kuʋatuma haŋgu, ʋaciti: Munondo nenzara haɀiŋgaʋi munyika ino; ɀanzi: Ʋaprofita aʋo ʋacapedzwa nomunondo nenzara. 16Naʋanhu ʋaʋanoprofitera ʋacarashwa munzira dzomuJerusarema nemhaka yenzara nomunondo; ʋacashaiwa unoʋaʋiga iʋo, naʋakadzi ʋaʋo, naʋanakomana ʋaʋo, naʋanasikana ʋaʋo; nokuti ndicaɗurura ɀakaipa ɀaʋo pamsoro paʋo. 17Ɀino iwe ciʋaʋudza shoko iri, uti: Meso aŋgu ŋgaayerere misodzi ʋusiku namasikati, asarega; nokuti mhandara mukunda waʋanhu ʋaŋgu wakuʋadzwa nokukuʋadzwa kukuru, neʋaŋga rakaipa kwaɀo. 18Kana ndicifamba musaŋgo, tarirai, ʋakaʋurawa nomunondo! Kana ndicipinda muguta, tarirai, ʋanorwara nenzara! nokuti ʋaprofita naʋaprista ʋose ʋanopota nenyika, ʋasiŋgaziʋi cinhu.
19Maramba Juda cose here? Mŋeya wenyu wasema Zioni here? Matiroʋereiko, tikashaiwa kuporeswa? Takatarira rugare, asi hakunecakanaka cakaʋuya, neŋguʋa yokuporeswa, asi tarirai, kuvunduswa ɓedzi! 20Haiwa Jehova, tinoziʋa ɀakaipa ɀeɗu, nokutadza kwamadziɓaɓa eɗu; nokuti takakutadzirai. 21Regai kutisema nokuɗa kwezita renyu; regai kushoʋora cigaro cokukudzwa kwenyu; raŋgarirai henyu, musaputsa suŋgano yenyu nesu. 22Ʋaripo here pakati paʋamŋari ʋasinamaturo ʋaʋahedeni ʋaŋganisa mvura? Ƌeŋga riŋganisa mvura here? Hamuzimi here, imi Jehova Mŋari weɗu? Naiɀoɀo ticakumirirai, nokuti ndimi makaita ɀinhu iɀi ɀose.
Zvasarudzwa nguva ino
Jeremia 14: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018