Jeremiya 12
12
Sei vanhu vakaipa vachibudirira
1Tenzi, pandinokunyunyutirai,
imi ndimi munenge muri pachokwadi
asi ndinoda kumbokutaurirawo nezvoruenzaniso.
Seiko vakaipa vachibudirira mune zvavanoita?
Sei vanyengedzi vose vachibudirira?
2Ndimi munovasima, ivo vanobva vadzika midzi.
Vanokura vagotobereka michero,
izvozvo musingabve pamuromo pavo,
asi mumwoyo mavo munenge imi musimo.
3Asi imi Tenzi munondiziva
munondiona uye munoongorora pfungwa dzangu kwamuri.
Vakwekweretsei sehwai dziri kundourayiwa
muvatsaurire zuva rorufu.
4Kusvikira rini chaizvo nyika ichichema nhamo,
uswa huchisvava mumasango mose?
Pamusana pokuipa wavageremo mhuka neshiri zvatsvairwa
nokuti vanhu vanoti, “Mwari magumo edu haamboaona.
5“Kana wakaneta kumhanya navanhu
ko kutozoti namabhiza uchakwikwidzana sei?
Kana uchiputsika munyika yakanaka kudai,
ko kutozoti mumapinga okuna Jorodhani uchaita sei?
6“Nokuti kana vakoma, navanun'una vako
vemba yokwababa vako;
kunyange ivavo vakaita zvounyengedzi kwauri
vari kutochema kuti vangakuwane sei,
usavanzwe kunyange zvavo
vachitaura mazwi akanaka kwauri.
Tenzi anochema vanhu vake
7“Ndapa gotsi imba yangu,
nhaka yangu ndaifuratira,
chido chemwoyo wangu ndachikanda
mumaoko mavavengi vacho.
8Kwandiri ini nhaka yangu
yaita seshumba zvayo yesango,
akandiitira pamuromo
ndokusaka ini ndava kutomuvenga.
9“Ko kwandiri ini, iye nhaka yangu
ava here shiri ina matsatsa matsatsa inodya nyama?
Akombwa here izvozvi neshiri dzinodya nyama?
Endai mundokokorodza mhuka dzose dzesango
muuye nadzo dzidye.
10Vafudzi vakawanda vakaparadza
munda wangu wemagirepisi
vakatsokodzera mugove wangu,
vachiita kuti mugove wangu wakanaka
uve renje risina chinhu.
11Vakauita kuti uve chinhu pasina
uri chinhu pasina kudaro unochema kwandiri.
Nyika iyoyi yose yangova nyika,
asi anombozvifunga hapana.
12“Pamitunhu yakatunhumara
pose zvapo, pasina miti
mugwenga'mu, mharadzi dzauya
nokuti hondo yaTenzi yebakatwa yoparadza,
kubvira kumuganhu wenyika ino kusvikira kwainoperera
hakusisina ane rugare.
13“Vakadyara zvavo koroni,
asi minzwa ndoyavakazokohwa, vakanetera pasina.
Vachanyara nezvaunokohwa
pari pamusana pehasha dzinotyisa dzaTenzi.”
Tenzi achatipura rudzi rusinganzwi
14Izvi ndizvo zviri kutaurwa naTenzi izvi, kune vamwe vangu vose vakaipa mwoyo vanotambanudzira ruoko nhaka yandakapa vanhu vangu vaIsiraeri kuti ive yavo achiti, “Chiregai muone ndava kuvadzipura munyika yavo iyoyi, ndichadzura imba yokwaJudha mukati mavo. 15Mushure mokunge ndavatipura kudaro, ndichavanzwirazve ngoni ndigovadzorerazve mumwe nomumwe kunhaka yake uyezve mumwe nomumwe kunyika kwake. 16Chichavapo ndechokuti, kana vakazonyatsodzidzawo nzira dzevanhu vangu dzokupika nezita rangu vachiti, ‘NaTenzi chaiye mupenyu,’ sezvavaingoitawo kurunzira vanhu vangu kupika naBhaari, ipapo ndopavachavaka vari mukati mavanhu vangu. 17Asi kuwana rudzi rusinganzwi, ndichanyatsorutipura ndirwuparadze, ndizvo zviri kutaura Tenzi.”
Zvasarudzwa nguva ino
Jeremiya 12: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.