Isaya 8:11-13
Isaya 8:11-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jehovha akataura kwandiri ruoko rwake rune simba rwuri pamusoro pangu, achindiyambira kuti ndirege kutevera nzira yavanhu ava, akati: “Musati irangano zvinhu zvose zvinonzi navanhu ava irangano; musatya zvavanotya, musazvivhunduka. Jehovha Wamasimba Ose ndiye wamunofanira kuita mutsvene, ndiye wamunofanira kuvhunduka
Isaya 8:11-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti Jehovha akataura saizvozvo neni noruoko rune simba, akandirayira kuti ndirege kufamba nenzira yavanhu ava, achiti, Musati, “Irangano, pamusoro pezvose zvinonzi navanhu ava, irangano; uye musatya zvavanotya, kana kuvhunduka. “Jehovha wehondo, ndiye wamunofanira kuti mutsvene; mumutye iye, mumuvhunduke iye.
Isaya 8:11-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndinodaro nokuti Tenzi akataura kwandiri, ruoko rwake rune simba ruri pandiri, akandiyambira kuti ndisafambe mugwara ravanhu ivava achiti, “Zvose zvinenge zvichinzi navanhu ivava ibangano, usazviti ibangano, zvavanotya, usazvitye kana kuva mbwende. Asi Tenzi wehondo nehondo, iyeyo ndiye waunofanira kueresa, ndiye waunofanira kutya, ndiye waunofanira kudedera.
Isaya 8:11-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti Jehova wakataura saiɀoɀo neni noruʋoko runesimba, akandiraira kuti ndirege kufamba nezira yaʋanhu aʋa, aciti: Musati: Iraŋgano, pamsoro peɀose ɀinonzi naʋanhu aʋa, iraŋgano; ʋuye musatya ɀaʋanotya, kana kuvunduka. Jehova wehondo, ndiye wamunofanira kuti mutȿene; mumutye iye, mumuvunduke iye.
Isaya 8:11-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)