Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 8

8
Asiria, Shamhu yaJehovha
1Jehovha akati kwandiri, “Tora bhuku guru unyore pamusoro paro nechinyoreso: pamusoro paMaheri-Sharari-Hashi-Bhazi. 2Ndichadana Uriya muprista naZekaria mwanakomana waJebherekia sezvapupu zvakatendeka kwandiri.”
3Ipapo ndakaenda kumuprofitakadzi, akatora pamuviri akabereka mwanakomana. Zvino Jehovha akati kwandiri, “Mutumidze kuti Maheri-Sharari-Hashi-Bhazi; 4nokuti mwana asati aziva kuti, ‘Baba vangu’ kana kuti, ‘Mai vangu,’ pfuma yeDhamasiko nezvakapambwa zveSamaria zvichatakurwa namambo weAsiria.”
5Jehovha akataurazve kwandiri akati,
6“Nokuti vanhu ava vakaramba
mvura inoyerera zvinyoronyoro yeShiroa,
uye vanofarira Rezini
nomwanakomana waRemaria,
7naizvozvo Jehovha ava kuda kuuyisa pamusoro pavo
mafashamu makuru oRwizi,
mambo weAsiria nokukudzwa kwake kwose.
Ruchapfachukira hova dzarwo dzose,
uye rugopfachukira kumahombekombe arwo ose,
8ruchakukura kusvikira kuJudha,
ruchipafuma nomukati mayo, rugopfuura nomairi ruchisvika muhuro.
Kutandavara kwamapapiro arwo kuchafukidza upamhi hwenyika yako,
iwe Imanueri!”
9Ridzai mhere yehondo, imi ndudzi, mugoputswa-putswa!
Teererai, imi nyika dzose dziri kure.
Gadzirirai kurwa,
mugoputswa-putswa!
10Gadzirirai urongwa hwenyu, asi huchakona;
Taurai zvourongwa hwenyu, asi hauzomiri,
nokuti Mwari anesu.
Ityai Mwari
11Jehovha akataura kwandiri ruoko rwake rune simba rwuri pamusoro pangu, achindiyambira kuti ndirege kutevera nzira yavanhu ava, akati:
12“Musati irangano zvinhu zvose
zvinonzi navanhu ava irangano;
musatya zvavanotya,
musazvivhunduka.
13Jehovha Wamasimba Ose ndiye wamunofanira kuita mutsvene,
ndiye wamunofanira kuvhunduka,
14ndiye achava nzvimbo tsvene;
asi padzimba dzose dzaIsraeri
achava dombo rinoita kuti vanhu vagumburwe;
nedombo rinoita kuti vapunzike.
Uye kuvanhu veJerusarema
iye achava musungo norugombe.
15Vazhinji vavo vachagumburwa;
vachawa vagovhunika,
vachateyiwa vagobatwa.”
16Sungai chipupuriro
mugosimbisa murayiro pakati pavadzidzi vangu.
17Ndichamirira Jehovha,
iye ari kuvanzira imba yaJakobho chiso chake.
Ndichaisa ruvimbo rwangu maari.
18Ndiri pano, navana vandakapiwa naJehovha. Tiri zviratidzo nemifananidzo muIsraeri inobva kuna Jehovha Wamasimba Ose paGomo reZioni.
19Kana vanhu vachiti kwamuri bvunzai masvikiro navavuki, vanozevezera nokunguruma, ko, vanhu havangabvunzi kuna Mwari wavo here? Munobvunzirei vakafa pamusoro pavapenyu? 20Endai kumurayiro nokuzvipupuriro! Kana vasingatauri maererano neshoko iri havana chiedza chamambakwedza. 21Vatambudzika, vava vane nzara vachafamba-famba nenyika; pavachatambudzika vachava neshungu, uye vachatarira kudenga, vagotuka mambo wavo naMwari wavo. 22Ipapo vachatarira pasi vagoona nhamo chete nerima nokusafara kunotyisa, uye vachakandirwa kurima guru.

Zvasarudzwa nguva ino

Isaya 8: BDSC

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda