Isaya 8
8
Chiratidzo chokuti vaAsiria vachaparadza vaIsiraeri
1Zvino Jehovha akati kwandiri, “Tora hwendefa guru, unyore pariri nepeni yavanhu, uti, ‘Chimbidzikai kutapa, zvakapambwa zvokurumidza.’ ” 2Ndichatora zvapupu zvakatendeka, zvinoti: Uriya mupristi, naZekariya mwanakomana waJebherekia.
3Ipapo ndakaenda kumuporofitakadzi, iye akatora pamuviri, akabereka mwanakomana. Zvino Jehovha akati kwandiri, “Mutumidze zita rokuti, ‘Chimbidzikai kutapa, zvakapambwa zvokurumidza.’ 4Nokuti mwana asati aziva kuti, baba vangu, kana mai vangu, pfuma yeDhamasiko nezvakapambwa zveSamaria zvichaiswa pamberi pamambo waAsiria.”
5Zvino Jehovha akataurazve kwandiri, achiti, 6“Vanhu ava zvavakaramba mvura yeShiroa, inonatsa kuyerera, vachifarira Rezini nomwanakomana waRemaria; 7saka zvino, tarira, Ishe achauyisa pamusoro pavo mvura zhinji yoRwizi, ine simba yakawanda, iye mambo weAsiria nokubwinya kwake kwose; ruchabuda kuhova dzarwo dzose, nokudarika nhivi dzarwo dzose; 8ruchakukura kusvikira kwaJudha; ruchapa pfuma, ndokupfuura, ruchasvika pamutsipa; kutandavara kwamapapiro arwo kuchazadza kufara kwenyika yako yose, iwe Imanueri.”
9Itai bope, imi ndudzi, muputswe-putswe; nemi mose muri kunyika dziri kure, inzwai; zvisungei zviuno, muputswe-putswe, zvisungei zviuno, muputswe-putswe. 10Ranganai henyu, asi zvichakona; taurai shoko, asi haringamiri; nokuti Mwari anesu.
11Nokuti Jehovha akataura saizvozvo neni noruoko rune simba, akandirayira kuti ndirege kufamba nenzira yavanhu ava, achiti,
12Musati, “Irangano, pamusoro pezvose zvinonzi navanhu ava, irangano; uye musatya zvavanotya, kana kuvhunduka.
13“Jehovha wehondo, ndiye wamunofanira kuti mutsvene; mumutye iye, mumuvhunduke iye. 14Ipapo iye achava nzvimbo tsvene yenyu; asi achava ibwe rokugumbusa nedombo rokupinganidza kudzimba dzose mbiri dzaIsiraeri, ave rugombe nomusungo kuna vanogara Jerusaremu.” 15Vazhinji vavo vachagumburwa naro, vachawa, nokuputswa, nokuteyiwa, nokubatwa.
16Sunga chipupuriro, namatidza murayiro nechisimbiso pakati pavadzidzi vangu. 17Ndichamirira Jehovha, anovanzira imba yaJakobho chiso chake, ndichamutsvaka.
18Tarirai, ini navana vandakapiwa naJehovha, tiri zviratidzo nezvishamiso pakati paIsiraeri zvaJehovha wehondo, agere mugomo reZioni.
19Zvino kana vachiti kwamuri, “Bvunzai masvikiro navavuki, vanorira nokuita zevezeve:” Ko vanhu havafaniri kubvunza Mwari wavo here? Ko vanofanira kubvunza vakafa pamusoro pavapenyu here? 20Dzokerai kumurayiro nokuzvipupuriro! Kana vasingatauri sezvinoreva shoko iri, havangavi nechiedza chamangwanani.
21Vachafamba nenyika vakamanikidzwa kwazvo, vane nzara; zvino kana vane nzara, vachava neshungu, vachatuka mambo wavo naMwari wavo, vachitarira kudenga. 22Vachatarirawo pasi, asi tarirai, vachaona njodzi nerima, nokusviba kwokumanikidzwa; vachadzingirwa kurima guru.
Zvasarudzwa nguva ino
Isaya 8: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002