Isaya 8
8
Ciratidzo cokuti ʋaAsiriya ʋacaparadza ʋaIsraeri.
1Ɀino Jehova akati kwandiri: Tora hwendefa guru, unyore pariri nepeni yaʋanhu, uti: Cimbidzikai kutapa, ɀakapambga ɀokurumidza. 2Ndicatora ɀapupu ɀakatendeka, ɀinoti: Uria muprista, naZekaria mŋanakomana waJeberekia. 3Ipapo ndakaenda kumuprofitakadzi, iye akatora mimba, akaɓereka mŋanakomana. Ɀino Jehova akati kwandiri: Mutumidze zita rokuti: Cimbidzikai kutapa, ɀakapambga ɀokurumidza. 4Nokuti mŋana asati aziʋa kuti, Ƃaɓa ʋaŋgu, kana Mai ʋaŋgu, fuma yeDamasko neɀakapambga ɀeSamaria ɀicaiswa pamberi pamambo weAsiria.
5Ɀino Jehova akataura ɀe kwandiri, aciti: 6Ʋanhu aʋa ɀaʋakaramba mvura yeShiroa, inonatsa kuyerera, ʋacifarira Rezini nomŋanakomana waRemaria; 7saka ɀino, tarirai, Ishe ucaʋuyisa pamsoro paʋo mvura zhinji yoRwizi, inesimba yakawanda, iye mambo weAsiria nokubginya kwake kwose; rucaɓuɗa kuhoʋa dzarwo dzose, nokuɗarika nhiʋi dzarwo dzose; 8rucakukura kuȿikira kwaJuda; rucapafuma, ndokupfuʋura, rucaȿika pamutsipa; kutandaʋara kwamapapiro arwo kucazadza kufara kwenyika yako yose, iwe Imanueri.
9Itai ɓope, imi ndudzi, muputswe‐putswe; nemi mose muri kunyika dziri kure, inzwai; ɀisuŋgei ɀiʋuno, muputswe‐putswe, ɀisuŋgei ɀiʋuno, muputswe‐putswe. 10Raŋganai henyu, asi ɀicakona; taurai shoko, asi hariŋgamiri; nokuti Mŋari unesu. 11Nokuti Jehova wakataura saiɀoɀo neni noruʋoko runesimba, akandiraira kuti ndirege kufamba nezira yaʋanhu aʋa, aciti: 12Musati: Iraŋgano, pamsoro peɀose ɀinonzi naʋanhu aʋa, iraŋgano; ʋuye musatya ɀaʋanotya, kana kuvunduka. 13Jehova wehondo, ndiye wamunofanira kuti mutȿene; mumutye iye, mumuvunduke iye. 14Ipapo iye ucaʋa nɀimbo tȿene yenyu; asi ucaʋa ibge rokugumbusa neɗombo rokupiŋganidza kudzimba dzose mbiri dzaIsraeri, aʋe rugombe nomusuŋgo kunaʋanogara Jerusarema. 15Ʋazhinji ʋaʋo ʋacagumburwa naro, ʋacawa, nokuputswa, nokuteyiwa, nokuɓatwa.
16Suŋga cipupuriro, namatidza murairo necisimbiso pakati paʋadzidzi ʋaŋgu. 17Ndicamirira Jehova, unoʋanzira imba yaJakobo ciso cake, ndicamutȿaka. 18Tarirai, ini naʋana ʋandakapiwa naJehova, tiri ɀiratidzo neɀishamiso pakati paIsraeri ɀaJehova wehondo, ugere mugomo reZioni.
19Ɀino kana ʋaciti kwamuri: Bvunzai maȿikiro naʋaʋuki, ʋanorira nokuita zeʋe‐zeʋe — ko ʋanhu haʋafaniri kubvunza Mŋari waʋo here? Ko ʋanofanira kubvunza ʋakafa pamsoro paʋapenyu here? 20Dzokerai kumurairo nokuɀipupuriro! Kana ʋasiŋgatauri seɀinoreʋa shoko iri, haʋaŋgaʋi neciedza camaŋgwanani. 21Ʋacafamba nenyika ʋakamanikidzwa kwaɀo, ʋanenzara; ɀino kana ʋanenzara, ʋacaʋa neshuŋgu, ʋacatuka mambo waʋo naMŋari waʋo, ʋacitarira kuɗeŋga. 22Ʋacatarira ʋo pasi, asi tarirai, ʋacaʋona njodzi nerima, nokuȿiɓa kwokumanikidzwa; ʋacadziŋgirwa kurima guru.
Zvasarudzwa nguva ino
Isaya 8: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018