Isaya 8
8
Mudzimai womuporofita Isaya anobereka mwanakomana
1Tenzi akanditi, “Tora zifendefa guru unyore pariri namavara anogona kuverengwa nomunhu wose zvake kuti, ‘Nyachimbichimbikupambamandikurumidzekutapa.’ ”#8:1 Ipapa muchiHebheru mune zita rokuti Maherishararihashibhazi zvichireva kuti kuchava nechimbichimbi yokupambwa nokutapwa kwavanhu. 2Ndakatora vanhu vakavimbika vokundipupurira vanoti: mupristi Uriya naZekariya mwanakomana waJebherekiya kuti vazondipupurira. 3Ini ndakazopinda mumba namai muporofita mudzimai wangu vakabva vava napamuviri ndokubereka mwana mukomana. Tenzi ndokuti, “Mutumidze zita rokuti, ‘Nyachimbichimbikupambamandikurumudzekutapa.’ 4Nokuti mwana iyeyo asati ava kugona kuti baba wangu kana kuti amai vangu, upfumi hweDhamasikusi nezvakapambwa neveSamaria zvichatorwa namambo weAsiria zvoendwa nazvo.”#8:4 Tarisaiwo Isaya 7:16.
Kufanotaurwa kwakaitwa zvokuuya kwamambo weAsiria
5Tenzi akanditizve, 6“Pamusana pokuti vanhu ivava ava vakaramba mvura yomuShiroa inoerera zvinyoronyoro vakahuta kudedera Rezini nomwanakomana waRemaria; 7naizvozvo chinzwa, Tenzi ari kuzovaunzira Rwizi runa mafashamo emvura yakawanda ine simba. Rwizi rwacho ndimambo weAsiria nomukurumbira wake wose. Ruchazadza makoronga arwo ose rugofashukira kumahombekombe. 8Ruchatsvaira munaJudha ruchafashukira ruchienda rwakatutumuka zvokusvika mumutsipa. Mwari anesu achatambanudza mapapiro ake zvokutovhamira upamhi hwenyika yenyu iyoyo.”
9Chibatisisai izvi imi marudzi
kuparadzwa ndokwenyu.
Teererai imi nyika dziri kure
gadzirirai hondo
asi mukangaidzwe
gadzirirai hondo
asi mukangaidzwe.
10Ranganai zvamunoda kurangana
asi hazvina chimuko
temai zvamunoda kutema
asi zvamunotema hazvimbomira
nokuti Mwari anesu.#8:10 Mwari anesu: MuchiHebheru ipapa pane zita rokuti Imanueri.
Kuyambirwa kwakaitwa muporofita Isaya naTenzi
11Ndinodaro nokuti Tenzi akataura kwandiri, ruoko rwake rune simba ruri pandiri, akandiyambira kuti ndisafambe mugwara ravanhu ivava achiti,
12“Zvose zvinenge zvichinzi navanhu ivava ibangano,
usazviti ibangano, zvavanotya, usazvitye
kana kuva mbwende.
13Asi Tenzi wehondo nehondo, iyeyo ndiye
waunofanira kueresa, ndiye waunofanira
kutya, ndiye waunofanira kudedera.
14Iye achava nzvimbo inoera neibwe rinogumbura
nedombo rinogumbura kudzimba dzose dzokwaIsiraeri
dziri mbiri, uye riva nechokuteya
nacho vagari vomuJerusaremu.
15Vazhinji vachagumburwa naro vachiwira pasi
vachiputsika; vachateyiwa vachibatwa.”
Yambiro yaMwari kuna avo vanoenda kundobvunzira kumidzimu
(Mup 19:31; Kut 18:9–13)
16Ndinopfundira umboo uhwu ndigonamirira mutemo muvadzidzi vangu. 17Ini ndomirira zvangu Tenzi ari kuviga uso hwake kumba yaJakobho uye maari ndimo mune chitarisiro changu.
18Chionai kuti ini navana vandakapiwa naTenzi, tave zviratidzo nemanenji muIsiraeri zvinobva kuna Tenzi wehondo nehondo, anogara paGomo reZioni.
19Kana vachikutii, “Endai kundobvunzira kumidzimu nen'anga dzinoshwinya nokun'urun'uta, vanhu havafanire kundobvunza kuna Mwari wavo here? Vanofanira kundobvunzira kuvakafa here vachiitira vapenyu?” 20Izvozvi izvi zvinenge zvichinangana nomutemo noumboo hwacho. Kutaura vangataure zvavo saizvozvo asi hazvina chazvinobatsira.
Nguva yamatambudziko
21Ipapo vachatunhaira nenyika vachishungurudzwa kwazvo nenhamo vaine nzara. Vaine nzara kudaro, vachaviruka nehasha vakatuka mambo wavo naMwari wavo vakatarisa kudenga. 22Vachati tarisei pasi, onei matambudziko nerima nokusuruvadzwa nenhamo uye vachakandwa muzarima rakati kwirindindi.
Zvasarudzwa nguva ino
Isaya 8: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.