Isaya 8:1-15
Isaya 8:1-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jehovha akati kwandiri, “Tora bhuku guru unyore pamusoro paro nechinyoreso: pamusoro paMaheri-Sharari-Hashi-Bhazi. Ndichadana Uriya muprista naZekaria mwanakomana waJebherekia sezvapupu zvakatendeka kwandiri.” Ipapo ndakaenda kumuprofitakadzi, akatora pamuviri akabereka mwanakomana. Zvino Jehovha akati kwandiri, “Mutumidze kuti Maheri-Sharari-Hashi-Bhazi; nokuti mwana asati aziva kuti, ‘Baba vangu’ kana kuti, ‘Mai vangu,’ pfuma yeDhamasiko nezvakapambwa zveSamaria zvichatakurwa namambo weAsiria.” Jehovha akataurazve kwandiri akati, “Nokuti vanhu ava vakaramba mvura inoyerera zvinyoronyoro yeShiroa, uye vanofarira Rezini nomwanakomana waRemaria, naizvozvo Jehovha ava kuda kuuyisa pamusoro pavo mafashamu makuru oRwizi, mambo weAsiria nokukudzwa kwake kwose. Ruchapfachukira hova dzarwo dzose, uye rugopfachukira kumahombekombe arwo ose, ruchakukura kusvikira kuJudha, ruchipafuma nomukati mayo, rugopfuura nomairi ruchisvika muhuro. Kutandavara kwamapapiro arwo kuchafukidza upamhi hwenyika yako, iwe Imanueri!” Ridzai mhere yehondo, imi ndudzi, mugoputswa-putswa! Teererai, imi nyika dzose dziri kure. Gadzirirai kurwa, mugoputswa-putswa! Gadzirirai urongwa hwenyu, asi huchakona; Taurai zvourongwa hwenyu, asi hauzomiri, nokuti Mwari anesu. Jehovha akataura kwandiri ruoko rwake rune simba rwuri pamusoro pangu, achindiyambira kuti ndirege kutevera nzira yavanhu ava, akati: “Musati irangano zvinhu zvose zvinonzi navanhu ava irangano; musatya zvavanotya, musazvivhunduka. Jehovha Wamasimba Ose ndiye wamunofanira kuita mutsvene, ndiye wamunofanira kuvhunduka, ndiye achava nzvimbo tsvene; asi padzimba dzose dzaIsraeri achava dombo rinoita kuti vanhu vagumburwe; nedombo rinoita kuti vapunzike. Uye kuvanhu veJerusarema iye achava musungo norugombe. Vazhinji vavo vachagumburwa; vachawa vagovhunika, vachateyiwa vagobatwa.”
Isaya 8:1-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jehovha akati kwandiri, “Tora hwendefa guru, unyore pariri nepeni yavanhu, uti, ‘Chimbidzikai kutapa, zvakapambwa zvokurumidza.’ ” Ndichatora zvapupu zvakatendeka, zvinoti: Uriya mupristi, naZekariya mwanakomana waJebherekia. Ipapo ndakaenda kumuporofitakadzi, iye akatora pamuviri, akabereka mwanakomana. Zvino Jehovha akati kwandiri, “Mutumidze zita rokuti, ‘Chimbidzikai kutapa, zvakapambwa zvokurumidza.’ Nokuti mwana asati aziva kuti, baba vangu, kana mai vangu, pfuma yeDhamasiko nezvakapambwa zveSamaria zvichaiswa pamberi pamambo waAsiria.” Zvino Jehovha akataurazve kwandiri, achiti, “Vanhu ava zvavakaramba mvura yeShiroa, inonatsa kuyerera, vachifarira Rezini nomwanakomana waRemaria; saka zvino, tarira, Ishe achauyisa pamusoro pavo mvura zhinji yoRwizi, ine simba yakawanda, iye mambo weAsiria nokubwinya kwake kwose; ruchabuda kuhova dzarwo dzose, nokudarika nhivi dzarwo dzose; ruchakukura kusvikira kwaJudha; ruchapa pfuma, ndokupfuura, ruchasvika pamutsipa; kutandavara kwamapapiro arwo kuchazadza kufara kwenyika yako yose, iwe Imanueri.” Itai bope, imi ndudzi, muputswe-putswe; nemi mose muri kunyika dziri kure, inzwai; zvisungei zviuno, muputswe-putswe, zvisungei zviuno, muputswe-putswe. Ranganai henyu, asi zvichakona; taurai shoko, asi haringamiri; nokuti Mwari anesu. Nokuti Jehovha akataura saizvozvo neni noruoko rune simba, akandirayira kuti ndirege kufamba nenzira yavanhu ava, achiti, Musati, “Irangano, pamusoro pezvose zvinonzi navanhu ava, irangano; uye musatya zvavanotya, kana kuvhunduka. “Jehovha wehondo, ndiye wamunofanira kuti mutsvene; mumutye iye, mumuvhunduke iye. Ipapo iye achava nzvimbo tsvene yenyu; asi achava ibwe rokugumbusa nedombo rokupinganidza kudzimba dzose mbiri dzaIsiraeri, ave rugombe nomusungo kuna vanogara Jerusaremu.” Vazhinji vavo vachagumburwa naro, vachawa, nokuputswa, nokuteyiwa, nokubatwa.
Isaya 8:1-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi akanditi, “Tora zifendefa guru unyore pariri namavara anogona kuverengwa nomunhu wose zvake kuti, ‘Nyachimbichimbikupambamandikurumidzekutapa.’ ” Ndakatora vanhu vakavimbika vokundipupurira vanoti: mupristi Uriya naZekariya mwanakomana waJebherekiya kuti vazondipupurira. Ini ndakazopinda mumba namai muporofita mudzimai wangu vakabva vava napamuviri ndokubereka mwana mukomana. Tenzi ndokuti, “Mutumidze zita rokuti, ‘Nyachimbichimbikupambamandikurumudzekutapa.’ Nokuti mwana iyeyo asati ava kugona kuti baba wangu kana kuti amai vangu, upfumi hweDhamasikusi nezvakapambwa neveSamaria zvichatorwa namambo weAsiria zvoendwa nazvo.” Tenzi akanditizve, “Pamusana pokuti vanhu ivava ava vakaramba mvura yomuShiroa inoerera zvinyoronyoro vakahuta kudedera Rezini nomwanakomana waRemaria; naizvozvo chinzwa, Tenzi ari kuzovaunzira Rwizi runa mafashamo emvura yakawanda ine simba. Rwizi rwacho ndimambo weAsiria nomukurumbira wake wose. Ruchazadza makoronga arwo ose rugofashukira kumahombekombe. Ruchatsvaira munaJudha ruchafashukira ruchienda rwakatutumuka zvokusvika mumutsipa. Mwari anesu achatambanudza mapapiro ake zvokutovhamira upamhi hwenyika yenyu iyoyo.” Chibatisisai izvi imi marudzi kuparadzwa ndokwenyu. Teererai imi nyika dziri kure gadzirirai hondo asi mukangaidzwe gadzirirai hondo asi mukangaidzwe. Ranganai zvamunoda kurangana asi hazvina chimuko temai zvamunoda kutema asi zvamunotema hazvimbomira nokuti Mwari anesu. Ndinodaro nokuti Tenzi akataura kwandiri, ruoko rwake rune simba ruri pandiri, akandiyambira kuti ndisafambe mugwara ravanhu ivava achiti, “Zvose zvinenge zvichinzi navanhu ivava ibangano, usazviti ibangano, zvavanotya, usazvitye kana kuva mbwende. Asi Tenzi wehondo nehondo, iyeyo ndiye waunofanira kueresa, ndiye waunofanira kutya, ndiye waunofanira kudedera. Iye achava nzvimbo inoera neibwe rinogumbura nedombo rinogumbura kudzimba dzose dzokwaIsiraeri dziri mbiri, uye riva nechokuteya nacho vagari vomuJerusaremu. Vazhinji vachagumburwa naro vachiwira pasi vachiputsika; vachateyiwa vachibatwa.”
Isaya 8:1-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jehova akati kwandiri: Tora hwendefa guru, unyore pariri nepeni yaʋanhu, uti: Cimbidzikai kutapa, ɀakapambga ɀokurumidza. Ndicatora ɀapupu ɀakatendeka, ɀinoti: Uria muprista, naZekaria mŋanakomana waJeberekia. Ipapo ndakaenda kumuprofitakadzi, iye akatora mimba, akaɓereka mŋanakomana. Ɀino Jehova akati kwandiri: Mutumidze zita rokuti: Cimbidzikai kutapa, ɀakapambga ɀokurumidza. Nokuti mŋana asati aziʋa kuti, Ƃaɓa ʋaŋgu, kana Mai ʋaŋgu, fuma yeDamasko neɀakapambga ɀeSamaria ɀicaiswa pamberi pamambo weAsiria. Ɀino Jehova akataura ɀe kwandiri, aciti: Ʋanhu aʋa ɀaʋakaramba mvura yeShiroa, inonatsa kuyerera, ʋacifarira Rezini nomŋanakomana waRemaria; saka ɀino, tarirai, Ishe ucaʋuyisa pamsoro paʋo mvura zhinji yoRwizi, inesimba yakawanda, iye mambo weAsiria nokubginya kwake kwose; rucaɓuɗa kuhoʋa dzarwo dzose, nokuɗarika nhiʋi dzarwo dzose; rucakukura kuȿikira kwaJuda; rucapafuma, ndokupfuʋura, rucaȿika pamutsipa; kutandaʋara kwamapapiro arwo kucazadza kufara kwenyika yako yose, iwe Imanueri. Itai ɓope, imi ndudzi, muputswe‐putswe; nemi mose muri kunyika dziri kure, inzwai; ɀisuŋgei ɀiʋuno, muputswe‐putswe, ɀisuŋgei ɀiʋuno, muputswe‐putswe. Raŋganai henyu, asi ɀicakona; taurai shoko, asi hariŋgamiri; nokuti Mŋari unesu. Nokuti Jehova wakataura saiɀoɀo neni noruʋoko runesimba, akandiraira kuti ndirege kufamba nezira yaʋanhu aʋa, aciti: Musati: Iraŋgano, pamsoro peɀose ɀinonzi naʋanhu aʋa, iraŋgano; ʋuye musatya ɀaʋanotya, kana kuvunduka. Jehova wehondo, ndiye wamunofanira kuti mutȿene; mumutye iye, mumuvunduke iye. Ipapo iye ucaʋa nɀimbo tȿene yenyu; asi ucaʋa ibge rokugumbusa neɗombo rokupiŋganidza kudzimba dzose mbiri dzaIsraeri, aʋe rugombe nomusuŋgo kunaʋanogara Jerusarema. Ʋazhinji ʋaʋo ʋacagumburwa naro, ʋacawa, nokuputswa, nokuteyiwa, nokuɓatwa.
Isaya 8:1-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)