Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaGaratia 3:10-29

VaGaratia 3:10-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Vose vanovimba nokuchengeta murayiro vakatukwa, nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “Vakatukwa vose vasingarambiri pakuita zvinhu zvose zvakanyorwa muBhuku roMurayiro.” Zviri pachena kuti hapana munhu anoruramisirwa nomurayiro pamberi paMwari, nokuti, “Vakarurama vachararama nokutenda.” Murayiro hauna kuvakwa pakutenda; asi hazvo, “Munhu anoita zvinhu izvi achararama nazvo.” Kristu akatidzikinura kubva pakutukwa kwomurayiro paakava chakatukwa iye nokuda kwedu, nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “Vakatukwa vose vanoturikwa pamuti.” Akatidzikinura kuitira kuti kuropafadzwa kwakapiwa Abhurahama kugosvika kune veDzimwe Ndudzi kubudikidza naKristu Jesu, kuitira kuti nokutenda tigogamuchira chipikirwa choMweya. Hama dzangu, regai ndipe muenzaniso woupenyu hwamazuva ose. Sezvo pasina munhu angakonesa kana kuwedzera kusungano yakaitwa navanhu kana yakatosimbiswa, zvakadarowo pane izvozvi. Zvipikirwa zvakataurwa kuna Abhurahama uye nokumwana wake. Rugwaro harutauri ruchiti “uye kuvana,” zvichireva vanhu vazhinji, asi “uye kumwana wako,” kureva munhu mumwe, anova ndiye Kristu. Zvandinoreva ndezvizvi: Murayiro, wakaziviswa mushure mamakore mazana mana ana makumi matatu, haungakonesi sungano yakasimbiswa kare naMwari uye nokudaro uchibvisa chipikirwa. Nokuti kana nhaka ichiwanikwa nokuda kwomurayiro, naizvozvo haichawanikwi nokuda kwechipikirwa; asi Mwari nenyasha dzake akaipa kuna Abhurahama kubudikidza nechipikirwa. Zvino, chinangwa chomurayiro chakanga chiri cheiko? Wakawedzerwa nokuda kwokudarika kusvikira Mwana akanga achirehwa nechivimbiso asvika. Murayiro wakashanda kubudikidza navatumwa uye nomurevereri. Kunyange zvakadaro hazvo, murevereri, haamiririri munhu mumwe chete; asi Mwari ndomumwe. Naizvozvo, murayiro unopikisana nechipikirwa chaMwari here? Kwete napaduku! Nokuti kana murayiro wakapiwa wakanga uchigona kupa upenyu, ipapo zvirokwazvo kururama kwaizouyawo nomurayiro. Asi Rugwaro runotaura kuti nyika yose yakapfigirwa nechivi, kuitira kuti chiya chakavimbiswa, chiri chakapiwa kubudikidza nokutenda kuna Jesu Kristu, chipiwe kuna avo vanotenda. Kutenda uku kusati kwasvika, takanga tiri vasungwa vomurayiro, takapfigirwa kusvikira kutenda kuchizoratidzwa. Saka murayiro wakaiswa kuti utitungamirire kuna Kristu kuitira kuti tigoruramisirwa nokutenda. Zvino kutenda zvakwasvika, hatichisiri pasi pomurayiro. Imi mose muri vanakomana vaMwari kubudikidza nokutenda muna Kristu Jesu, nokuti imi mose makabhabhatidzwa muna Kristu makapfeka Kristu. Hakuchina muJudha kana muGiriki, mutapwa kana akasununguka, murume kana mukadzi, nokuti imi mose muri vamwe muna Kristu Jesu. Kana muri vaKristu, ipapo muri vana vaAbhurahama, uye vadyi venhaka maererano nechipikirwa.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaGaratia 3

VaGaratia 3:10-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)

Zviripo ndezvokuti vose vanovimba nezvisungo zvomutemo, vakarengererwa rushambwa nokuti zvakanyorwa zvichinzi, “Ngaawirwe norushambwa munhu wose asingarambe achichengeta zvose zvakanyorwa mubhuku romutemo achizviita.” Zvino zviri pachena kuti hapana munhu anoruramiswa nomutemo pamberi paMwari nokuti munhu anenge akaruramiswa pamusana pechitendero achararama. Asi mutemo haunei nechitendero nokuti munhu anotevedza mitemo anofanira kuraramiswa nayo. Asi Kristu nokuva anenge akarengererwa rushambwa akatinunura kurushambwa rwomutemo nokuti muMagwaro Matsvene makanyorwa kuti: “Akarengererwa anorushambwa munhu wose anoturikwa pamuti.” Izvi zvakaitirwa kuti muna Kristu Jesu, chikomborero chaAbhurahamu chiuyewo kune vechirudzi kuti tigamuchire chivimbiso chaMweya nechitendero. Hama, houno muenzaniso wezvinongowanika muvanhu, hakuna munhu anopfudza chibvumirano chomunhu kana angawedzera pachiri kana chanyoreranwa pasi. Zvino zvitsidzo izvi zvakaitwa kuna Abhurahamu nokumwana wake. Chibvumirano ichocho hachisi kuti, “Kuvana vake” chichireva vana vazhinji asi kuti chinotaura nezvomumwechete chichiti, “NokuMwana wako,” zvichireva Kristu. Izvi ndizvo zvandinoreva, kuti mutemo wakazouya mushure memakore mazana mana anamakumi matatu haudzimi chitenderano chakambonyoreranwa naMwari zvinoita kuti chitenderano ichocho chishaye basa. Chandinodariro ndechokuti, kana nhaka iyoyo iri yokutevedza zvomumutemo haichisiri yechitsidzo. Asi Mwari akapa kuna Abhurahamu zviri zvechitsidzo. Ko mutemo ndowei? Wakapamhidzirwa pamusana pokukanganisa uchinzi uvepo kusvikira mwana uya akanga aitirwa chitsidzo ichocho auya. Mutemo iwoyo wakaziviswa nokuvatumwa uye pakanga paino munhu aiva munyai. Pano mumwechete asingadi munyai, Mwari chete. Ko zvinoreva kuti mutemo unorwisana nezvitsidzo zvaMwari here? Hazvisizvo kwete. Dai kuri kuti pane mutemo wakatemwa unogona kupa upenyu, pakadaro ururami hungadai huchitounzwa nomutemo. Magwaro Matsvene anoti zvinhu zvose zviri pasi pechitadzo kuti zvinhu zvakatsidzirwa nokuda kwechitendero muna Jesu Kristu zvipiwe kuna vanotenda. Chitendero chisati chauya takanga takaiswa pasi pomutemo, tiri parumananzombe kusvikira chitendero chaburitswa pachena. Ipapo mutemo wakanga uri mureri wedu kusvikira Kristu auya kuti tiruramiswe nechitendero. Zvino chitendero pachakadai kuuya, hatichisiri pasi pomureri. Nokuti muna Kristu Jesu, imi mose muri vana vaMwari nokuda kwechitendero. Mose imi makaombekwa muna Kristu, makatopfeka Kristu. Hapachisina muJudha kana muGiriki, hapachisina muranda kana musununguki, hapachisina murume kana mukadzi nokuti mose mava chinhu chimwechete muna Kristu Jesu. Zvino kana muri vanhu vaKristu mava chizvarwa chaAbhurahamu vagari venhaka maererano nechitsidzo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaGaratia 3

VaGaratia 3:10-29 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Nokuti vose vari vamabasa omurayiro, vari pakutukwa; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi, “Vakatukwa vose vasingarambiri pazvinhu zvose zvakanyorwa mubhuku yomurayiro, kuti vazviite.” Zvino, zvinoonekwa kuti hakuna munhu anoruramiswa nomurayiro pamberi paMwari, nokuti, “Akarurama achararama nokutenda.” Zvino murayiro haubvi pakutenda; asi uyo akaita zvinhu izvozvi achararama nazvo. Kristu akatidzikinura pakutuka kwomurayiro, iye akaitwa chakatukwa nokuda kwedu, nokuti kwakanyorwa, kuchinzi, “Vakatukwa vose vanoturikwa pamuti!” Kuti kuropafadzwa kwaAbhurahamu kusvike kuvahedheni muna Jesu Kristu; kuti tipiwe nokutenda chipikirwa choMweya. Hama dzangu, ndinoreva nokureva kwavanhu, ndichiti: Kunyange iri sungano yavanhu hayo, kana yasimbiswa, hakuna munhu anoikonesa kana kuwedzera kwairi. Zvino, izvo zvipikirwa zvakarehwa kuna Abhurahamu nokumwana wake. Haarevi, achiti, “Kuvana vako,” savanenge vari vazhinji; asi saanenge ari mumwe, unoti, “Kumwana wako;” uyu ndiye Kristu. Zvino ndinoreva chinhu ichi, ndichiti, Sungano yakasimbiswa kare naMwari haitorerwi simba rayo nomurayiro wakazotevera makore mazana mana namakumi matatu apfuura, kuti chipikirwa chikoneswe. Nokuti kana nhaka ichibva kumurayiro, haichabvi kuchipikirwa; asi Mwari akaipa Abhurahamu nokupikira. Naizvozvo murayiro chinyiko? Wakazowedzerwa nokuda kwezvivi, kusvikira mwana akapikirwa izvozvo achizouya; iwo wakarayirwa navatumwa noruoko rwomurevereri. Zvino murevereri haazi womumwechete; asi Mwari ndomumwe. Naizvozvo asi murayiro unorwisa zvipikirwa zvaMwari here? Haisva! Nokuti dai vakanga vapiwa murayiro waigona kuraramisa, zvirokwazvo kururamiswa kwaibva kumurayiro. Asi Rugwaro rwakapfigira zvose pasi pezvivi, kuti chipikirwa chinobva pakutenda muna Jesu Kristu chipiwe vanotenda. Asi kutenda kusati kwasvika, taichengetwa pasi pomurayiro, takapfigirwa nokuda kwokutenda kwaizoratidzwa. Saizvozvo murayiro wakanga uri muperekedzi wedu, kutiisa kuna Kristu kuti tiruramiswe nokutenda. Zvino kutenda zvakwakasvika, hatichiri pasi pomuperekedzi. Nokuti imi mose muri vana vaMwari nokutenda muna Kristu Jesu; nokuti vose pakati penyu, vakabhabhatidzwa muna Kristu, makapfeka Kristu. Hakuchina muJudha kana muGiriki, hakuchina akasungwa kana akasununguka, hakuchina munhurume kana munhukadzi; nokuti imi mose muri vamwe muna Kristu Jesu. Zvino kana muri vaKristu, muri vana vaAbhurahamu, vadyi venhaka sezvamakapikirwa.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaGaratia 3

VaGaratia 3:10-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Zviripo ndezvokuti vose vanovimba nezvisungo zvomutemo, vakarengererwa rushambwa nokuti zvakanyorwa zvichinzi, “Ngaawirwe norushambwa munhu wose asingarambe achichengeta zvose zvakanyorwa mubhuku romutemo achizviita.” Zvino zviri pachena kuti hapana munhu anoruramiswa nomutemo pamberi paMwari nokuti munhu anenge akaruramiswa pamusana pechitendero achararama. Asi mutemo haunei nechitendero nokuti munhu anotevedza mitemo anofanira kuraramiswa nayo. Asi Kristu nokuva anenge akarengererwa rushambwa akatinunura kurushambwa rwomutemo nokuti muMagwaro Matsvene makanyorwa kuti: “Akarengererwa anorushambwa munhu wose anoturikwa pamuti.” Izvi zvakaitirwa kuti muna Kristu Jesu, chikomborero chaAbhurahamu chiuyewo kune vechirudzi kuti tigamuchire chivimbiso chaMweya nechitendero. Hama, houno muenzaniso wezvinongowanika muvanhu, hakuna munhu anopfudza chibvumirano chomunhu kana angawedzera pachiri kana chanyoreranwa pasi. Zvino zvitsidzo izvi zvakaitwa kuna Abhurahamu nokumwana wake. Chibvumirano ichocho hachisi kuti, “Kuvana vake” chichireva vana vazhinji asi kuti chinotaura nezvomumwechete chichiti, “NokuMwana wako,” zvichireva Kristu. Izvi ndizvo zvandinoreva, kuti mutemo wakazouya mushure memakore mazana mana anamakumi matatu haudzimi chitenderano chakambonyoreranwa naMwari zvinoita kuti chitenderano ichocho chishaye basa. Chandinodariro ndechokuti, kana nhaka iyoyo iri yokutevedza zvomumutemo haichisiri yechitsidzo. Asi Mwari akapa kuna Abhurahamu zviri zvechitsidzo. Ko mutemo ndowei? Wakapamhidzirwa pamusana pokukanganisa uchinzi uvepo kusvikira mwana uya akanga aitirwa chitsidzo ichocho auya. Mutemo iwoyo wakaziviswa nokuvatumwa uye pakanga paino munhu aiva munyai. Pano mumwechete asingadi munyai, Mwari chete. Ko zvinoreva kuti mutemo unorwisana nezvitsidzo zvaMwari here? Hazvisizvo kwete. Dai kuri kuti pane mutemo wakatemwa unogona kupa upenyu, pakadaro ururami hungadai huchitounzwa nomutemo. Magwaro Matsvene anoti zvinhu zvose zviri pasi pechitadzo kuti zvinhu zvakatsidzirwa nokuda kwechitendero muna Jesu Kristu zvipiwe kuna vanotenda. Chitendero chisati chauya takanga takaiswa pasi pomutemo, tiri parumananzombe kusvikira chitendero chaburitswa pachena. Ipapo mutemo wakanga uri mureri wedu kusvikira Kristu auya kuti tiruramiswe nechitendero. Zvino chitendero pachakadai kuuya, hatichisiri pasi pomureri. Nokuti muna Kristu Jesu, imi mose muri vana vaMwari nokuda kwechitendero. Mose imi makaombekwa muna Kristu, makatopfeka Kristu. Hapachisina muJudha kana muGiriki, hapachisina muranda kana musununguki, hapachisina murume kana mukadzi nokuti mose mava chinhu chimwechete muna Kristu Jesu. Zvino kana muri vanhu vaKristu mava chizvarwa chaAbhurahamu vagari venhaka maererano nechitsidzo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaGaratia 3

VaGaratia 3:10-29 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Nokuti ʋose ʋari ʋamaɓasa omurairo, ʋari pakutukwa; nokuti kwakanyorwa, kucinzi: Ʋakatukwa ʋose ʋasiŋgarambiri paɀinhu ɀose ɀakanyorwa mubuku yomurairo, kuti ʋaɀiite. Ɀino, ɀinoʋonekwa kuti hakunomunhu unoruramiswa nomurairo pamberi paMŋari, nokuti: Wakarurama ucararama noku tenda. Ɀino murairo haubvi pakutenda; asi uyo wakaita ɀinhu iɀoɀi ucararama naɀo. Kristu wakatidzikinura pakutuka kwomurairo, iye akaitwa cakatukwa nokuɗa kweɗu, nokuti kwakanyorwa, kucinzi: Ʋakatukwa ʋose ʋanoturikwa pamuti! Kuti kuropafadzwa kwaAbrahama kuȿike kuʋahedeni munaJesu Kristu; kuti tipiwe nokutenda cipikirwa coMŋeya. Hama dzaŋgu, ndinoreʋa nokureʋa kwaʋanhu, ndiciti: Kunyaŋge iri suŋgano yaʋanhu hayo, kana yasimbiswa, hakunomunhu unoikonesa kana kuwedzera kwairi. Ɀino, iɀo ɀipikirwa ɀakarebga kunaAbrahama nokumŋana wake. Haareʋi, aciti: Kuʋana ʋako, saʋaneŋge ʋari ʋazhinji; asi saaneŋge ari mumŋe, unoti: Kumŋana wako; uyu ndiye Kristu. Ɀino ndinoreʋa cinhu ici, ndiciti: Suŋgano yakasimbiswa kare naMŋari haitorerwi simba rayo nomurairo wakazoteʋera makore mazana manna namakumi matatu apfuʋura, kuti cipikirwa cikoneswe. Nokuti kana nhaka icibva kumurairo, haicabvi kucipikirwa; asi Mŋari wakaipa Abrahama nokupikira. Naiɀoɀo murairo cinyiko? Wakazowedzerwa nokuɗa kweɀiʋi, kuȿikira mŋana wakapikirwa iɀoɀo acizoʋuya; iwo wakarairwa naʋatumŋa noruʋoko rwomureʋereri. Ɀino mureʋereri haazi womumŋe cete; asi Mŋari ndomumŋe. Naiɀoɀo asimurairo unorwisa ɀipikirwa ɀaMŋari here? Haiȿa! Nokuti ɗai ʋakaŋga ʋapiwa murairo waigona kuraramisa, ɀirokwaɀo kururamiswa kwaibva kumurairo. Asi Rugwaro rwakapfigira ɀose pasi peɀiʋi, kuti cipikirwa cinobva pakutenda munaJesu Kristu cipiwe ʋanotenda. Asi kutenda kusati kwaȿika, taiceŋgetwa pasi pomurairo, takapfigirwa nokuɗa kwokutenda kwaizoratidzwa. Saiɀoɀo murairo wakaŋga uri muperekedzi weɗu, kutiisa kunaKristu kuti tiruramiswe nokutenda. Ɀino kutenda ɀakwakaȿika, haticiri pasi pomuperekedzi. Nokuti imi mose muri ʋana ʋaMŋari nokutenda munaKristu Jesu; nokuti ʋose pakati penyu, ʋakabapatidzwa munaKristu, makafuka Kristu. Hakucina‐muJuda kana muGiriki, hakucina‐wakasuŋgwa kana wakasunuŋguka, hakucina‐munhurume kana munhukadzi; nokuti imi mose muri ʋamŋe munaKristu Jesu. Ɀino kana muri ʋaKristu, muri ʋana ʋaAbrahama, ʋadyi ʋenhaka seɀamakapikirwa.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaGaratia 3