Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

ƲaGaratia 3

3
Murairo hauponesi, asi unoisa kunaKristu.
1Imi ʋaGaratia ʋokusafuŋga, ndianiko wakakurunzirai, iyemi, makaratidzwa Jesu Kristu pacena pamberi pameso enyu akaroʋerwa pamucinjikwa? 2Iceci ɓedzi ndinoɗa kunzwa kwamuri: Makapiwa Mŋeya namaɓasa omurairo here, kana nokunzwa kwokutenda? 3Muri ʋokusafuŋga ʋakaɗaro seiko? Makataŋga muMŋeya, ko ɀino mopedzisa munyama here? 4Makatambudzika ɀikuru mukaɗai pasina here? Kana ɀaiʋa pasina haɀo! 5Naiɀoɀo uyo unokupai Mŋeya, nokuita maɓasa esimba pakati penyu, unoɀiita iɀo namaɓasa omurairo here, kana nokunzwa kwokutenda? 6Abrahama seɀaakatenda kunaMŋari, kukanzi kwaari ndiko kururama. 7Naiɀoɀo ziʋai kuti ʋokutenda ndiʋo ʋana ʋaAbrahama. 8NoRugwaro, ɀarwakaziʋa ɀiri mberi, kuti Mŋari ucaruramisa ʋahedeni nokutenda, rwakaparidza Evaŋgeri kare kunaAbrahama, ruciti: Mauri marudzi ose acaropafadzwa. 9Naiɀoɀo ʋokutenda ʋanoropafadzwa pamŋe cete naAbrahama, wakatenda. 10Nokuti ʋose ʋari ʋamaɓasa omurairo, ʋari pakutukwa; nokuti kwakanyorwa, kucinzi: Ʋakatukwa ʋose ʋasiŋgarambiri paɀinhu ɀose ɀakanyorwa mubuku yomurairo, kuti ʋaɀiite. 11Ɀino, ɀinoʋonekwa kuti hakunomunhu unoruramiswa nomurairo pamberi paMŋari, nokuti: Wakarurama ucararama noku tenda. 12Ɀino murairo haubvi pakutenda; asi uyo wakaita ɀinhu iɀoɀi ucararama naɀo. 13Kristu wakatidzikinura pakutuka kwomurairo, iye akaitwa cakatukwa nokuɗa kweɗu, nokuti kwakanyorwa, kucinzi: Ʋakatukwa ʋose ʋanoturikwa pamuti! 14Kuti kuropafadzwa kwaAbrahama kuȿike kuʋahedeni munaJesu Kristu; kuti tipiwe nokutenda cipikirwa coMŋeya.
15Hama dzaŋgu, ndinoreʋa nokureʋa kwaʋanhu, ndiciti: Kunyaŋge iri suŋgano yaʋanhu hayo, kana yasimbiswa, hakunomunhu unoikonesa kana kuwedzera kwairi. 16Ɀino, iɀo ɀipikirwa ɀakarebga kunaAbrahama nokumŋana wake. Haareʋi, aciti: Kuʋana ʋako, saʋaneŋge ʋari ʋazhinji; asi saaneŋge ari mumŋe, unoti: Kumŋana wako; uyu ndiye Kristu. 17Ɀino ndinoreʋa cinhu ici, ndiciti: Suŋgano yakasimbiswa kare naMŋari haitorerwi simba rayo nomurairo wakazoteʋera makore mazana manna namakumi matatu apfuʋura, kuti cipikirwa cikoneswe. 18Nokuti kana nhaka icibva kumurairo, haicabvi kucipikirwa; asi Mŋari wakaipa Abrahama nokupikira. 19Naiɀoɀo murairo cinyiko? Wakazowedzerwa nokuɗa kweɀiʋi, kuȿikira mŋana wakapikirwa iɀoɀo acizoʋuya; iwo wakarairwa naʋatumŋa noruʋoko rwomureʋereri. 20Ɀino mureʋereri haazi womumŋe cete; asi Mŋari ndomumŋe. 21Naiɀoɀo asimurairo unorwisa ɀipikirwa ɀaMŋari here? Haiȿa! Nokuti ɗai ʋakaŋga ʋapiwa murairo waigona kuraramisa, ɀirokwaɀo kururamiswa kwaibva kumurairo. 22Asi Rugwaro rwakapfigira ɀose pasi peɀiʋi, kuti cipikirwa cinobva pakutenda munaJesu Kristu cipiwe ʋanotenda.
23Asi kutenda kusati kwaȿika, taiceŋgetwa pasi pomurairo, takapfigirwa nokuɗa kwokutenda kwaizoratidzwa. 24Saiɀoɀo murairo wakaŋga uri muperekedzi weɗu, kutiisa kunaKristu kuti tiruramiswe nokutenda. 25Ɀino kutenda ɀakwakaȿika, haticiri pasi pomuperekedzi. 26Nokuti imi mose muri ʋana ʋaMŋari nokutenda munaKristu Jesu; 27nokuti ʋose pakati penyu, ʋakabapatidzwa munaKristu, makafuka Kristu. 28Hakucina‐muJuda kana muGiriki, hakucina‐wakasuŋgwa kana wakasunuŋguka, hakucina‐munhurume kana munhukadzi; nokuti imi mose muri ʋamŋe munaKristu Jesu. 29Ɀino kana muri ʋaKristu, muri ʋana ʋaAbrahama, ʋadyi ʋenhaka seɀamakapikirwa.

Zvasarudzwa nguva ino

ƲaGaratia 3: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda